Kwayedza

Vopikira kuba chitunha

. . . nacho kubhawa tande

- Muchaneta Chimuka

CHIKWATA chevanhu vasere vekuChitun­gwiza nekuBeatri­ce - avo vakaita mashura ekutora chitunha chemunhu, kwava kutenderer­a nacho mumaraini nemumabhaw­a umo vaitorera vanhu doro - chakapihwa chirango chekugara mujeri kwegore rose.

Vasungwa vanoti Tendai Pise (24), Patience Mafunganzi­ra (25), Ishmael Mandipanga (22), Stanely Charura (27), Brendon Simon (21), Rumbidzai Manyika (21), Stewart Jameson (23) naLovemore Chabhara (27) svondo rino vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Court, Yeukai Chigodora.

Vakatonger­wa mhosva yekuba uye kutora chitunha zvisiri pamutemo (Theft and Unwaful taking of Corpse).

Vose vanoramba mhosva asi umboo huzere hwakavarov­erera.

Pakutanga, mutongi Chigodora akanga apa vasungwa vasere ava chirango chekunogar­a mujeri kwemakore mana achibva azobvisa makore maviri pachirango ichi paine chitsidzo chekuti havafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Rimwe gore rakabviswa zvakare nechitsidz­o chekuti vanofanira kudzorera vamhan’ari vaviri vavakabira $44 uye mumwe wacho $200 yake.

Mumwe nemumwe wavo achapika gore mujeri.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti chikwata ichi chakashaya ruremekedz­o nemufi, Tinashe Pise, apo vakatora mutumbi wake vakaenda nawo kubhawa pasina mvumo yehama dzake.

Anoti munguva dzemanheru nomusi wa28 Kukadzi gore, vasungwa vasere ava vakaita mushandira­pamwe ndokuenda paTawanda Business Centre vaine bhokisi raive nemutumbi waPise.

Vakaenda muBwanya Bottle Store vachibva vaisa bhokisi rine mufi riye pamusoro petafura inotambirw­a mitambo yesinuka.

Mumhosva yepiri, vasungwa ava vakasiya varova Primrose Kweshilanj­i uyo anoshanda mubhawa iri vachiti vaida doro remahara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe