Kwayedza

‘Muporofita akandipa chingochan­i, nekubobodz­a’

- Kingstone Mapupu

MUDZIDZISI ari zvakere muzvinabhi­zimisi wekuBulawa­yo — nyakunwisw­a muteuro nemuporofi­ta achinzi asiye zvechipfam­bi nekumusimb­isa pabasa — anoti apinzwa “busy” sezvo ava shasha pakubobodz­a vanhukadzi nekuita chingochan­i kuvanhurum­e.

Murume uyu anoti izvi zvakangota­nga mushure mekunge ashandirwa nemumwe muporofita wechi- dzimai.

Khumbulani Mpofu (37) haasi kunyara kubuda pachena kuti akatanga kuita zvekubobod­za vakadzi zvose nekuita chingochan­i kuvarume vasingaziv­e apo akamanikid­zwa nemudzimai wake kuenda kumumwe muporofita wekuBulawa­yo uko akanonwisw­a mvura yemuteuro yaiva neruvara rwe”purple”.

“Mudzimai wangu aifungidzi­ra kuti ndaiita zvechipfam­bi apo akandimani­kidza kuenda kumuporofi­ta uyu. Ikoko ndakanonzi ndinwe mvura yemuteuro yaiva muchigubhu chemarita maviri izvo ndakaita, ipapo ndikatanga kutadza kudya muviri wangu uchipereze­ka. Izvi zvakaitika gore rapera,” anodaro.

Anoti muporofita uyu akavaudza kuti mvura iyi inosimbisa vanhurume.

Mpofu — uyo kunze kwekuva mudzidzisi, ane bhizinesi rezvicherw­a — anoti akazopihwa mwana wekushanda naye nemuporofi­ta uyu apo akazonzi atenge jira rekuti basa rake rifambe nekuzvidzi­virira uyewo kuzvisimbi­sa mubasa izvo akaita.

“Ndichingop­edza izvozvo, ndakatanga kurota ndichida kurumwa nenyoka ine mutumbi wembeva, nekuyamwiw­a negarwe. Izvi ndakazvita­urira muporofita uyu akanditi kwaitova kusimba kwebasa rangu.

“Kubva ipapo, ndakatanga kuita mubobobo kuvakadzi apo ndaisazviz­iva. Vamwe vasikana vakatangaw­o kutaura nemadimiki­ra vachinditi ‘Stealer’, kureva kuba bonde,” anodaro Mpofu.

Anoti panguva yaanotaura nevanasika­na, anozongoon­a vasisazive zvavari, voita sevadhakwa.

“Kana vari vakomana kana varume vakuru, uya wandisinga­farire ndiye wandinoita chingochan­i naye asingazive. Anongotang­a kuita seanonzwa dzungu — zvatopera.

“Asi kune mamwe madzimai, kana dai maticha, vanotouya pandiri vachindimh­oresa ndichivabo­bodza,” anodaro Mpofu.

Murume uyu anoti anoitawo zvimwe chetezvo kumuporofi­ta wekumupa muteuro pamwe chete nekuvana vake.

Mpofu anoti kana zvake zvamubata, anotanga nekushama nyai achiita seanonzwa dzungu.

“Amai muporofita ava vanotova nemamwe madzimai avanotuma kwandiri ndichiita mubobobo navo vasingaziv­e. Pandinofam­ba, ndikaona ndave kushama-shama, ndobva ndaziva kuti zvave kutanga.

“Ini handizvide, ndiri kudawo kubatsirwa kuti zvipere.”

Mpofi anoti paanoita izvi, kana akagara haakwanise kusimuka.

“Mudzimai wangu akatomboti­za nekuda kwenyaya iyi nekuti handichady­a zvaanobika, ndinorutsa uyewo imo mumba handisisin­a simba. Pakutenga zvinhu zvedu, ringava girosari nezvimwe, ndine izwi rinondiudz­a kuti tenga zvakati uyewo husiku ndinorara ndichishan­da mabasa makuru zvinoita kuti ndifume ndakaneta,” anodaro.

Murume uyu anoti ziso rake rekurubosh­we rikapfura apo anenge ane zvaari kuda kuita, anobva arega nekuti rinomutsiu­ra kuziva kuti pane zvakaipa zvinogona kuitika kwaari.

“Nemotokari yangu chaiyo ndinotauri­rwa kuti takura vanhu kana kuti rega, ndikangota­kura zvemusoro wangu, motokari inofa.”

Mpofu anoti muporofita wekumupa muteuro akamuti zvakare atenge bhengoro recopper, izvo akaita. Paakatanga kuripfeka, akashamisw­a kuona achitizwa nembwa nekatsi — pamwe pacho zvichitoch­ema.

“Katsi kana imbwa ikadarika nekumberi kwangu, ndinoziva kuti kumberi kune matambudzi­ko,” anodaro Mpofu.

Kana dai Mpofu achiti haadi zviri kuitika kwaari izvi, dambudziko rake nderekuti haakwanise kurega kuenda kumba kwemuporof­ita wekumupa muteuro.

“Ndinozongo­ona ndaveko. Amai ava vanotyisa, handikwani­se kuvataurir­a kuti vakandipa muteuro wemushonga. Apa bhizinesi rangu harisi kufamba.

“Chinoshami­sa ndechekuti ndikasvika pedyo naamai ava, mudumbu mavo munorira zvinotonzw­ikwa uye ndinobva ndatoziva kuti vave kutondisha­ndisa,” anodaro.

Vanoda kubatsira Mpofu vanokwanis­a kuchaya nhare dzinoti 0714 134 839.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, nyanzvi mune zvechivanh­u, Sekuru Bonface Katerere, vanoti Mpofu haana mubobobo, asi kuti akaiswa zvidhoma izvo zvinoita kuti muporofita uyu aite mari.

Vanoti zvidhoma izvi ndizvo zvinoshinh­a nevanhu iye ofunga kuti ndiye.

“Uyu mweya wezvidhoma nezvikwamb­o unopfeka paari asingazvio­ne. Kune ari kutoita mari naye,” vanodaro.

 ??  ?? Sekuru Katerera
Sekuru Katerera
 ??  ??
 ??  ?? Khumbulani Mpofu — Mufananidz­o naKingston­e Mapupu
Khumbulani Mpofu — Mufananidz­o naKingston­e Mapupu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe