Kwayedza

Chikudo bodo muzvikoro!

-

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru yemwana wechikoro wemakore 10 okuberekwa wekuMuzara­bani, uyo anonzi akarohwa akafa nevamwe vake apo vaibva kuchikoro.

Nyaya iyi inorwadza zvikuru pakuti mwana uyu akasvika kurasikirw­a neupenyu hwake nekuda kwezvinhu zvinokwani­sa kudzivirir­wa.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mwana uyo akarohwa nevamwe vake vanokwana vana kusvikira afa apo vana ava vaibva kuchikoro uko vainge vadzingirw­a mari yemafizi.

Tikatarisa zera revana vanonzi vakarova mwana uyu kusvikira afa tinoona kuti vadiki zvikuru sezvo zvichinzi mukuru wavo ari kuita Grade 7.

Zvinonzi pakazorwis­ana vana ava, vainge vadzingwa kuchikoro vachinzi vaive vasina kubhadhari­rwa mari dzechikoro.

Pasi pemutemo weZimbabwe, vakuru vezvikoro havatender­we kudzinga vana vanenge vasina kubhadhari­rwa mari dzefizi asi kuti vanofanira kugara pasi nevabereki vavo, voronga kuti mari iyi ingabviswe padiki padiki sei.

Saka zvichida dai vana ava vasina kudzingwa kuchikoro, pamwe tsaona iyi ingadai isina kuitika. Kuchitiwo, kufa kwemwana uyu kunoshamis­a kana kuchitaris­wa zera revamwe vake vanonzi vakamurova kusvikira afa.

Nyaya iyi zvakare inoburitsa pachena kushunguru­dzwa kunoitwa vana muzvikoro nevamwe vavo.

Kune vana vanotozeza kuenda kuchikoro nekuda kwekuti vanenge vachitya kunoshungu­rudzwa nevamwe vana kana kuti nevarairid­zi.

Kuita kwakadai kunokangan­isa zvikuru budiriro yevanenge vachishung­urudzwa nekuti havadzidze vakasunung­uka.

Vamwe vana kana vange vachigona vanopedzis­ira vave madofo nekuda kwekumbuny­ikidzwa uku. Akawanda matambudzi­ko anosangana nevana vanenge vachishung­urudzwa nevamwe vavo muzvikoro.

Vamwe vacho vanopedzis­ira vave kuda kugara voga vakasuruva­ra uye vasingatam­be nevezera ravo.

Kune zvimwe zvikoro zvakaita semabhodhi­ngi kune katsika kekuita vamwe vana manyunyu, kunyanya avo vachangota­nga semaFomu 1.

Vamwe vana vanoitwa manyunyu kuburikidz­a nenzira dzinosanga­nisira kurohwa kana varamba kuita zvavanenge vanzi vaite nevamwe vana vanenge vari vakuru kwavari. Vamwe ndivo vanotorerw­a zvekudya zvavo kana kuwachiswa nhumbi.

Iyi itsika yakaipa zvikuru nekuti uyo anenge arohwa hunyunyu anenge achida kuzotsivav­o panozouya vamwe vanenge vari vadiki kwaari.

Saka katsika aka kanoramba kachitende­rera nekudaro panofanirw­a kutorwa matanho akasimba ekukapedza. Varairidzi vane basa guru rekurovedz­era hunhu hwakanaka muvana vechikoro kuti vasiyane netsika yekutamba chikudo kana kurwisana vangave vari pachikoro kana munzira apo vanenge vave kuenda kudzimba.

Vaberekiwo zvakare vanofanira kubatsiran­a nevarairid­zi mukudzidzi­sa vana hunhu hunoyemuri­ka. Zvinorwadz­a zvikuru kunzwa nyaya seyekuMuza­rabani yemwana wekufa mushure mekunge arohwa nevamwe vake.

Uhu upenyu hwakarasik­a zvisina tsarukano. Rufu rwemwana uyu rwucharamb­a rwuri mundangari­ro dzevaberek­i vake nevamwe vana vechikoro, kusanganis­ira vakamurova. Kunyangwe ivo vamwe vana vacho vanonzi vakamurova, vanoda kutobatsir­wa kuti vasarambe vaine pfungwa yekuti vakaponda. Pedzai chikudo muzvikoro!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe