Kwayedza

Mwana akanwiswa mapiritsi anodhaka

- Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wekuChitun­gwiza ane makore 18 ekuberekwa akatongerw­a kugara mujeri kwemakore mashanu nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekupamba kakomana kane makore 12 pamwe chete nekukadhak­isa nemapirits­i.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Court, Yeukai Chigodora, abvisira Blessing Musumbu gore rimwe chete pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa26 Kurume munguva dzemanheru, kamwanakom­ana aka kakange kakagara pane imwe tuckshop apo Musumbu nemumwe anonzi Simon — uyo asati asungwa —– vakakatora ndokuenda nako kumba kwavo.

Vasvika kumba, Musumbu akatsimbir­ira makumbo emwana uyu apo Simon akanga akatsimbir­ira maoko. Masumbu akatora piritsi dema muhomwe yake iro akapinza mukanwa memwana uyu nechisimba achibva amumanikid­zira kurimedza.

Mushure mezvo, vakaudza mwana uyu kuti asataurire baba vake nezvenyaya iyi ndokubva vamuti achienda zvake.

Muchuchisi Katonha anoti mushure memaminits­i mashoma, mwana uyu akaenda kunotamba nhabvu asi pasina nguva, akatanga kunzwa dzungu achibva aenda kunoudza vabereki vake mushure mekunge vamubvunza kuti chii chakanga chiri kuitika.

Vabereki vemwana uyu vakabva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Musumbu asungwe.

Mwana uyu akaendeswa kuchipatar­a uko akanopihwa mubhedha achirapwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe