Baba vakabhinya mwana (3)
MURUME wekuChitungwiza ane makore 37 okuberekwa akamiswa pamberi pedare reko achipomerwa mhosva yekubata chibharo kamwanasikana kake kane makore matatu ekuberekwa ako akasara achichengeta mushure mekudzinga amai vako apo vakanetsana.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, Estere Chivasa, akati murume uyu adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi uye anenge achitongwa ari muchizarira.
Zvisinei, murume uyu ari kuramba mhosva yechibharo yaari kupomerwa.
Muchuchisi Tendai Mukariri akaudza dare kuti nomusi wa23 Chikumi munguva dzemanheru, amai vemwana uyu vanonzi vakadzoka kubva kudhorobha vakawana gedhi repamba rakakiiwa nemurume wavo.
Izvi zvinonzi zvakamutsa kusawirirana pakati pevaviri ava zvikazoita kuti murume uyu audze mudzimai wake kuti abve pamba apa achiti akanga asisade kumuona zvachose.
Mudzimai uyu anonzi akabva aenda kumba kwemukoma wake ikoko kuChitungwiza achisiya mwana uyu aina baba vake.
Murume uyu anonzi ndipo paakatora mukana wekubata mwana wake chibharo.
Muzuva rakatevera munguva dzemangwanani, mwana uyu anonzi akataurira sekuru vake kuti baba vake vakamubata chibharo.
Amai vemwana uyu vanonzi vakadzokera kumba kwavo musi uyu vachinomutora saka panguva yavainge vakamubereka kumusana, ndipo pavakanzwa achiti airwadziwa.
Pavakasvika pamba pemukoma wavo, amai vemwana uyu vanonzi vakamubvunzurudza kuti chii chainge chaitika achibva atsanangura nezvechibharo ichi.
Mudzimai uyu anonzi akabva atarisa mwana wake kusikarudzi achibatsirana nemukoma wake vachibva vaona kuti pane zvaainge aitwa ndokunomhan’ara kumapurisa.