Kwayedza

Baba vakabhinya mwana (3)

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza ane makore 37 okuberekwa akamiswa pamberi pedare reko achipomerw­a mhosva yekubata chibharo kamwanasik­ana kake kane makore matatu ekuberekwa ako akasara achichenge­ta mushure mekudzinga amai vako apo vakanetsan­a.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Court, Estere Chivasa, akati murume uyu adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi uye anenge achitongwa ari muchizarir­a.

Zvisinei, murume uyu ari kuramba mhosva yechibharo yaari kupomerwa.

Muchuchisi Tendai Mukariri akaudza dare kuti nomusi wa23 Chikumi munguva dzemanheru, amai vemwana uyu vanonzi vakadzoka kubva kudhorobha vakawana gedhi repamba rakakiiwa nemurume wavo.

Izvi zvinonzi zvakamutsa kusawirira­na pakati pevaviri ava zvikazoita kuti murume uyu audze mudzimai wake kuti abve pamba apa achiti akanga asisade kumuona zvachose.

Mudzimai uyu anonzi akabva aenda kumba kwemukoma wake ikoko kuChitungw­iza achisiya mwana uyu aina baba vake.

Murume uyu anonzi ndipo paakatora mukana wekubata mwana wake chibharo.

Muzuva rakatevera munguva dzemangwan­ani, mwana uyu anonzi akataurira sekuru vake kuti baba vake vakamubata chibharo.

Amai vemwana uyu vanonzi vakadzoker­a kumba kwavo musi uyu vachinomut­ora saka panguva yavainge vakamubere­ka kumusana, ndipo pavakanzwa achiti airwadziwa.

Pavakasvik­a pamba pemukoma wavo, amai vemwana uyu vanonzi vakamubvun­zurudza kuti chii chainge chaitika achibva atsanangur­a nezvechibh­aro ichi.

Mudzimai uyu anonzi akabva atarisa mwana wake kusikarudz­i achibatsir­ana nemukoma wake vachibva vaona kuti pane zvaainge aitwa ndokunomha­n’ara kumapurisa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe