Mukadzi pfacha murume achinja makiyi edzimba
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti aimbove murume wake akachinja makiyi ose epamba kuitira kuti iye ashaye pekugara.
Nyaradzo Chinamo akamhan’arira Noah Muzorori kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. “Akanditorera gwaro redziviriro kudare rekuMbare asi dare rakandiudza kuti ndine mvumo yekugara pamba apa nekuti ndepedu tose asi iye akatochinja makiyi ose epamba pavo,” anodaro Chinamo.
Chinamo anoti anodawo gwaro rake redziviriro kuitira kuti akwanise kudzoka kuzogara pamba.
“Handidi kugara musango ini, ndine imba yangu saka ndinodawo makiyi emba,” anodaro Chinamo.
Muzorori anoudza dare kuti pavakarambana, vakagoveranamidziyoyavakanga vatenga vachiri vose.
“Iye ane midziyo yake yaakatora kusanganisira huku neimba iri kumusha yemazenge. Ini ndikasarawo neimba iri kuno ndokusaka ndakachinja makiyi nekuti imba yava yangu ndega,” anodaro Muzorori.
Anoti Chinhamo aimushungurudza nekumutuka nguva nenguva kusvika azomutorera gwaro redziviriro kuti akwanise kugara murunyararo.
“Handichadi kugara nemukadzi uyu, mwedzi miviri yapfuura ndakabva kudare kuMbare nechikumbiro ichochi chegwaro redziviriro,” anodaro Muzorori.
Anoti akarambana naChinamo nekuda kwekusanzwisisana saka ave kutotyira upenyu hwake uye haazive kuti ari kumbogara kupi.
“Ndiri kutoshamisika kuti pamagwaro edare pakanyorwa nhamba yepamba pangu kuti ndipo paanogara asi ini ndakapedzisira kumuona kare,” anodaro Muzorori.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chinamo gwaro redziviriro.