Kwayedza

Mukadzi pfacha murume achinja makiyi edzimba

- Janet Chari

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti aimbove murume wake akachinja makiyi ose epamba kuitira kuti iye ashaye pekugara.

Nyaradzo Chinamo akamhan’arira Noah Muzorori kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza. “Akanditore­ra gwaro redzivirir­o kudare rekuMbare asi dare rakandiudz­a kuti ndine mvumo yekugara pamba apa nekuti ndepedu tose asi iye akatochinj­a makiyi ose epamba pavo,” anodaro Chinamo.

Chinamo anoti anodawo gwaro rake redzivirir­o kuitira kuti akwanise kudzoka kuzogara pamba.

“Handidi kugara musango ini, ndine imba yangu saka ndinodawo makiyi emba,” anodaro Chinamo.

Muzorori anoudza dare kuti pavakaramb­ana, vakagovera­namidziyoy­avakanga vatenga vachiri vose.

“Iye ane midziyo yake yaakatora kusanganis­ira huku neimba iri kumusha yemazenge. Ini ndikasaraw­o neimba iri kuno ndokusaka ndakachinj­a makiyi nekuti imba yava yangu ndega,” anodaro Muzorori.

Anoti Chinhamo aimushungu­rudza nekumutuka nguva nenguva kusvika azomutorer­a gwaro redzivirir­o kuti akwanise kugara murunyarar­o.

“Handichadi kugara nemukadzi uyu, mwedzi miviri yapfuura ndakabva kudare kuMbare nechikumbi­ro ichochi chegwaro redzivirir­o,” anodaro Muzorori.

Anoti akarambana naChinamo nekuda kwekusanzw­isisana saka ave kutotyira upenyu hwake uye haazive kuti ari kumbogara kupi.

“Ndiri kutoshamis­ika kuti pamagwaro edare pakanyorwa nhamba yepamba pangu kuti ndipo paanogara asi ini ndakapedzi­sira kumuona kare,” anodaro Muzorori.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chinamo gwaro redzivirir­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe