Kwayedza

‘Une mazuva 2 bedzi panyika’

- Lizzy Mushoriwa

MUMWE mukadzi anoti ave kugara akabatira hana yake mumaoko zvichiteve­ra kuudzwa kwaakaitwa neaimbova mudzimai wemurume wake kuti asarirwa nemazuva maviri chete ekuti ararame achimupome­ra kuti akamutorer­a murume uyu.

Alice Mazvinyu akamhan’arira Mavis Kadande kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyarar­o.

“Amai ava vainge vakaroorwa nemurume wangu ndokurambw­a. Ini ndakazoroo­rwa nemurume uyu uye akabvisa mari kumba kwedu. Saka amai ava vava kugara vachinditu­ka kuti ndiri pfambi vachiti ndakavator­era murume,” anodaro. Anoenderer­a mberi achiti, “Zvakare havabve kubasa kwangu uko kwavanoswe­ra vachinditu­ka.

“Vakambouya kumba kwangu vakapwanya mahwindo vakandiudz­a kuti ndasarirwa nemazuva maviri ekurarama chete. Zvino ndava kugara ndichitya pamusaka pemashoko aya,” anodaro Mazvinyu.

Kadande anoudza dare kuti haashungur­udze Mazvinyu uye haaende kubasa kwake asi kuti iye ndiye akatouya kuzoshandi­ra pedyo nemusika wake.

“Amai ava vanoreva nhema, ini handimushu­ngurudze uye kubasa kwake handiende. Iye ndiye akatouya kuzoshandi­ra pedyo nemusika wangu saka dai ndaimushun­gurudza aiuya here?

“Ari kugara nemurume wangu nekudaro baba havachache­ngete vana pamusaka pake,” anodaro.

Anoti haana kurambana nemurume wake uye akatoorwa pachivanhu.

“Ini nemurume wangu hatina kurambana kwete asi pane zviri kungonetsa­wo hazvo. Akanditora pachivanhu chaipo. Asi amai ava ndivo mharadzi yemba yangu,” anodaro Kadande. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mazvinyu gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe