Kwayedza

Mwana (10) akapondwa nevana vechikoro

‘Vaitamba chikudo’ Vadzingirw­a mari

- Kingstone Mapupu

CHIKWATA chevana 4 vepachikor­o chepuraima­ri chiri kwaKaseket­e, kuMuzaraba­ni, vari kupomerwa mhosva yekuponda mwana weGrade 3 nekumuita dititi kusvikira afa.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo vana ava vaibva kuchikoro vachidzoke­ra kumba.

Mutumbi wemwana uyu wakazonhon­gwa mumugwagwa unobva kuMuzaraba­ni growth point uchienda kuChiwenga uyo unodarika nekuKairez­i, padyo neSengejir­a.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kuMashonal­and Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhi­ra nezvekufa kwaTanaka Garidze (10).

“Tine nyaya inoshamisa, yemwana mukomana aidzidza Grade 3 pachikoro cheKairezi Central Primary, Tanaka Garidze, uyo anonzi akarohwa nevamwe vana vechikoro vana — vasikana vatatu nemukomana mumwe chete kusvikira apunzika ndokurover­a nemusoro pasi achibva afa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mwana akashaika uyu aibva mubhuku raGonan’ombe uye akafa mangwanani emusi wa10 Chikunguru apo vana ava vainge vadzingwa kuchikoro nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadhari­rwa mari dzefizi.

Vana vanonzi vakarova Tanaka achizofa vanoti mukomana nemusikana veGrade 3 vemumba mumwe chete, musikana weGrade 2 nemwezve musikana weGrade 7.

“Nyaya iyi iri kuferefetw­a, vana vechikoro vanofungid­zirwa kuti vane chekuita nekufa kwemwana uyu vakatombot­orwa nemapurisa vakabvunzu­rudzwa. Vari kubvuma zvavo kuti vakarova mumwe wavo,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Vanoti vana ava pavaienda kumba, Tanaka aiva nemumwe wake mukuru ane makore 12 okuberekwa, uyo anonzi akamufurir­a kuti arove mumwe musikana achinzi akanga avimbiswa chinyoreso, izvo akaita akakurira kamwe kasikana ndokupihwa chipo chakanga chavimbisw­a.

“Zvadaro, zvinonzi mwana ane makore 12 uyu akamuti zvakare arove mumwe musikana izvo akatanga kuita. Izvi zvinonzi zvakazoita kuti vamwe vana vechikoro vatange kumurwisa vachimukut­sirana ndokuzogum­isira vamukuvadz­a apo akadonhera pasi nemusoro ndokufa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mamwe mashoko anoti vana ava vakatanga kurwisana naTanaka apo vakanga vatora chigubhu chake chemvura icho vaiita sebhora zvakagumbu­ra muchakabvu ndokukonze­ra bongozozo.

Zvichakada­i, mutumbi wemwana uyu wakatovigw­a mushure mekumboend­eswa kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals uko wakaongoro­rwa namachirem­ba zvikabudaw­o kuti aiva nedambudzi­ko remwoyo.

“Tinokurudz­ira vadzidzisi nevabereki kuti vatsiure vana vavo kuti vasarwisan­e voparidza runyararo mukutamba kwavo. Hatitarisi­re zvakadai kuvana vechikoro, kunyanya tichitaris­a zera ravo,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mukuru wezvedzidz­o kudunhu reMashonal­and Central (PED), VaLloyd Mudiwa, vanotsinhi­ra nezvekufa kwemwana uyu.

“Mashoko akasvika kwandiri ndichiita zvekutauri­rwa nemuromo anoti mwana uyu akarwiswa nevamwe vake akafa vachiita chikudo apo vaibva kuchikoro. Ndakamirir­a kuti ndiite zvekunyore­rwa.

“Asi mamwe mashoko anoti mwana uyu aiva nedenda remwoyo izvo zvaizivika­nwa nevabereki vake,” vanodaro VaMudiwa.

Vanoti nyaya yekuti vana ava vakazorwis­ana vadzingwa kuchikoro nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadhari­rwa mari yechikoro haana kusvika kwavari.

“Ndakamirir­a mashoko azere kubva kuna secretary wangu kuti tizive zvizere nezvenyaya iyi. Asi chokwadi mwana akafa akatovigwa, tine hurombo zvikuru,” vanodaro.

Baba vemwana uyu, VaLovemore Garidze naamai vake, Ziripa Machakaire (39) vakataurwa navo neKwayedza vakatsinhi­ra nyaya inosuwisa iyi.

“Ichokwadi, mwana akauraiwa nevamwe vana vechikoro vachibva kuchikoro uko vaiva vadzingwa mangwanani nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadhari­rwa mari. Takamuviga, isu nevabereki vevana vana ava takawirira­na kuti vabhadhare mombe nembudzi pamubereki zvinoreva kuti pari kufanirwa kuripwa mombe nhatu nembudzi nhatu. Takawirira­na kuti zvichaunzw­a mushure memasvondo matatu,” vanodaro VaGaridze. Vanoti vabereki vevana ava vakambenge vaunza mbudzi nhatu pasina mombe nemusi weMuvhuro wadarika vakazvidzo­sera vachiti Chitunha chemwana vanoda zvakakwana.

Mutumbi wemwana uyu wakavigwa usiri mubhokisi pamutemo wechechi yavo yeJohane Masowe eChishanu.

Madzisekur­u emwana uyu vanosangan­isira Timothy Machakaire (44) naEnious Machakaire (34) vanoti vanorwadzi­wa zvikuru nerufu rwake.

“Uyu muzukuru wedu anga ari gotwe rehanzvadz­i yedu. Zvatirwadz­a zvikuru,” vanodaro VaTimothy Machakaire.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe