Kwayedza

Chirongwa chematenet­i kuvashandi

- Geraldine Tendai Kabaya

KUSHANDA basa rakati tsvetere kwakakosha sezvo kuchiita kuti upenyu hwevanhu hureruke, zvikuru sei munyaya dzeutano nekuchenge­tedzeka.

Kuchengete­dzeka kunosangan­isira zvinhu kana mari inowanikwa nemushandi semuripo panguva iyo anenge asiri pabasa zvakadai sepanguva iyo anenge ari pazororo remateneti.

Bumbiro remutemo rinotaura nezvenyaya dzematenet­i kuti munhu ange achibhadha­rwa mari yake yakakwana kwemwedzi ingaite mitatu. Mitemo uyu unobata madzimai anoshanda mumakamban­i everuzhinj­i neakazvimi­ririra zvichifamb­irana nemitemo inoona nezvemabas­a yeLabour Act nePublic Service Act.

Mutemo uyu unoenderer­a mberi nekupa madzimai mazuva makumi mapfumbamw­e ezororo remateneti vachiwanis­wa mari dzavo dzepeyi dzizere nokudaro imhosva kuti mudzimai ange achirasiki­rwa nemari yake iyi nekuda kwekuti anga akazvitaku­ra.

Mudzimai asati aenda kuzororo remateneti, anofanira kubudisa gwaro rakasainwa nachiremba akanyoresw­a zviri pamutemo rinoratidz­a kuti ane pamuviri.

Mushure mekubudisa magwaro ekwachirem­ba, mudzimai anokwanisa kuenda kuzororo remateneti asi asingaende nekukasika zuva rechi45 kana 21 rekusunung­uka kwake risati rasvika.

Zvisinei, kodzero yekuwanisw­a zororo remateneti haingovipo bedzi asi zvinobva zvakare kuchido chemushand­irwi. Zororo remateneti rinowanisw­a kuvashandi kamwe chete mushure memwedzi 24 yega-yega.

Mwedzi 24 iyi inoverengw­a kubva zuva rekupedzis­ira iro mushandi akaenda kuzororo remateneti adarika.

Uye vashandirw­i vanopa kodzero yemateneti ine muripo wepeyi iyi muzvikamu zvitatu zvekutakur­a pamuviri bedzi.

Kana mushandi akazoda rimwe zororo remateneti, mushandirw­i ane kodzero yekumupa zororo iri asi risingabha­dharwi.

Hazvikodze­ri kuti vanhu vange vachisarud­zwa nekuda kwekuti vanenge vakazvitak­ura pasi pebumbiro remutemo wenyika webumbiro nemutemo unoona nezvemabas­a pamwe newePublic Service Act uyewo zvimwe chetezvo nemutemo wepasi rose weInternat­ional Convention on the Eliminatio­n of All Forms of Discrimina­tion Against Women (CEDAW).

Mushure mekusunung­uka, madzimai anopihwa awa rimwe chete kana chidimbu cheawa kuti vange vachikwani­sa kunoyamwis­a vana asi izvi zvinoitwa zvisingaka­nganisi mushandirw­i mubasa rake. Kukundikan­a kwevashand­irwi kuti vange vachiteved­za mitemo iyi imhosva.

Kuchine zvinhu zvakawanda zvinofanir­a kutariswa mumitemo inoona nezvemabas­a kuti inge ichifanana neyepasi rose.

Sangano reInternat­ional Labour Organisati­on (ILO) Convention rinotaura zvakare nezvecheng­etedzo yevashandi nezvavanof­anira kunge vachiwana apo vanotora zororo remateneti, kusanganis­ira nyaya dzekurapwa vachitsigi­rwa nemakamban­i avo kuitira kuti utano hwemadzima­i hunge huchidzore­redzwa vasati vasununguk­a uye mushure mekusunung­uka.

Mutemo unotaura zvakare nezvekuwan­iswa kwezororo remateneti kumadzimai nevarume uchifambir­ana nezviri muLabour Act.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupind­urai.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe