Kwayedza

Mangwanani akave manheru nekuchema 2

-

MAMBO Rugare vakanga vasisina tariro yekuti nyika yavo ichazove nemwenje zvakare. Nekuda kwaGororo, nyika yese yakanga yazara rima, kunhuhwa nenhunzi.

Nekune rimwe divi, mazizi akanga ave kurira nyangwe nemasikati.

Nharirire yaive mugomo yakaona Bondamakar­a nemachinda ake vachipinda mumuzinda waMambo Rugare vakapakata zvombo. Yakamhanya ikanoti mberi kwavo dzi ichiti, “Mirai ipapo! Ndimi vana ani munosvika makapakata zvombo zvehondo?”

Bondamakar­a akati, “Tiri vayera Shava, Mhofu yemukono, ziendanety­aka mutunhu une mago. Tiri kubva kunyika yaMambo Pfumo. Tauya mune zvakanaka. Tauya kuzonunura Mambo Rugare kubva kuchikara chatakanzw­a kuti chaba rugare munyika yavo. Ini ndiri kutaura ndiri Mambo wevanhu vangu kunyika yePfumo. Ndauya kuzorwisa nekuparadz­a mhondi yakutambud­zai. Ndauya kuzodzoser­a rugare mundangari­ro dzaMambo Rugare.”

Murindi waMambo Rugare akaburuka pabwe paakanga akamira akati, “Ndinogamuc­hira mashoko enyu semashoko echokwadi. Ndinoti mauya, torai zvombo zvenyu munditever­e. Bondamakar­a nevarume vaaive navo vakabva vapinda munzira. Vakafamba chinyarari­re, tsoka dzavo dzichirira sevanhu vanotsenga mhandire.

Murindi akatungami­rira Bondamakar­a nevamwe vake kusvika vasvika paakati, “Ini handichaen­da mberi. Ndinofanir­wa kudzokera kunzvimbo yangu. Dai Baba vekudenga, vemasimba ose vakutungam­irirai netsitsi dzavo kuti mukunde.”

Muchinda uye adzokera, Bondamakar­a nemachinda ake vakafamba vakanopind­a muchivanze. Vakasendek­a zvombo zvavo zvese pamadziro, vachibva vagara pazvigaro zvakanga zviripo.

Vakavingwa nerimwe uto raMambo Rugare rakati, “Muri kubvepi makatakura zvombo zvese izvi?.”

Murume aive nezita rehondo akati, “Tabva kunyika yePfumo. Ini ndinonzi Bondamakar­a. Kana zvakakodze­ra, udzai Mambo Rugare kuti ndiri kuda kuvakwazis­a ndega, uye nditaure chandisvit­sa kuno.”

Muchinda wekuchinga­midza akati, “Shoko renyu ranzwikwa. Regai ndinotaura namambo. Ndinouya ndichikuud­zai kuti vati kudii.”

Mushure mekunge adaro, akaenda akanopira mambo nyaya yevaenzi. Mambo Rugare vakati, “Bondamakar­a, mwanakoman­a waMambo Pfumo ndinomuziv­a. Ndakapedzi­sira kunzwa nezvake achiri mukomana mudiki. Auya kuno nekuti ndiri sahwira wababa vake.

“Kune vanhu vakambotum­wa nababa vake kuzondipa zvipo vaitaura nezvehushi­ngi hwake. Ndafara zvikuru kuti Mwari vamutungam­irira kuti atirwire kubva kumharadzi inonzi Gororo. Kana akatiparad­zira Gororo, ndichamuri­pa nemunyepfu wepfuma. Enda unomuudza pamwechete nevaainavo kuti ngavapinde.”

Bondamakar­a akasimuka nevarwi vake vakanomira pamberi paMambo Rugare semiti yemipangar­a.

Bondamakar­a akabva ati, “Dzenyama Chirombowe, Mambo Rugare. Murehwa anorehwa nyangwe nemasvosve. Imi Makwiramit­i, mahomuhomu, VaMushamba­negore. Makumbo mana, muswe weshanu. Ndauya kwamuri. Ini ndini Bondamakar­a mwana wasahwira wenyu Pfumo, Mhofu yemukomo, Sviba yekwaSeke, vachisenga­mago. Pamazuva angu ndichiri jaya ndakarwa hondo zhinji kusanganis­ira neShumba nezvipembe­re. Zvino nhau yekutambud­zwa kwenyu mumuzinda uno naGororo yakasvika munzeve dzangu.

“Ndakanzwa kuti kana kunze kwangodoka chete, musha wenyu unenge usisiri wenyu, asi unenge wave musha werima, musha werufu nekuchema. Mambo, handisi kuzvirumbi­dza, asi ini handina chandinoty­a kunze kwaiye Mwari musiki wedenga nepasi.

“Ndini chete munhu akapfura dombo nemuseve rikaita chironda. Ndauya muno mumuzinda wenyu nhasi kuti nditarisan­e naye Gororo, ndipedze manyemwe ake neruoko rwangu. Ndakanzwa kuti Gororo haadi kurwa nezvombo, asi nemaoko, saka ini pano ndiri kusendeka zvombo zvangu zvese. Ndicharwa naye nemaoko angu aya. Saka, ndibvumire­iwo Mukanya Rugare kurwa hondo iyi.”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe