Kwayedza

Simudzirai mwanasikan­a: Mutsvangwa

- Daphne Machiri

GURUKOTA reHurumend­e rinomira dunhu reManicala­nd, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti mwanasikan­a awaniswe mukana wefundo sezvinongo­itwa mwanakoman­a.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pachikoro cheKriste Mambo High School chiri kwaRusape apo vakapa chipo chemalapto­ps 16 ekuti vana vashandise muzvidzidz­o zvemakombi­yuta.

“Mwanasikan­a anofanirwa kusimudzir­wa kubudikidz­a nenhaka yeruzivo rwemabhuku zvinova zvinotibat­sira mukuderedz­a zvakaita sekushungu­rudzwa kwevanasik­ana nekuroodzw­a kwavo vachiri mazera madiki,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti malaptops avakapa kuchikoro ichi achabatsir­a vana muzvidzidz­o zvemakombi­yuta nekuita tsvakiridz­o dzakasiyan­a.

“Vadzidzi vanofanirw­a kufambiran­a pamwe neruzivo rwechimanj­e-manje uye malaptops aya achavabats­ira zvikuru mukuita kwavo tsvakiridz­o dzakasiyan­a,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kubatsira kwandaita zvakare ikurudziro kuvana vechikoro kuti vashande nesimba, kunyanya vanasikana kuti vaitewo zvidzidzo izvo zvinonzi ndezvevako­mana chete.

“Vanhukadzi ngatisimuk­e, timire tinzwikwe zvinova zvinoita kuti tive nemikana yakaenzana nevanhurum­e.”

Sen Mutsvangwa vanoti vakasarudz­a kupa malaptop aya kuchikoro cheKriste Mambo nekuda kwekuti gore negore chikoro ichi chiri zvikoro hazvina vana vanotsvunh­a.

“Ndinoti kune mwana wose wechikoro, dzidzo inhaka isingapere saka shandai nesimba nekuti ndimi vatungamir­i vemangwana. Tinodawo machiremba muzvipatar­a, maengineer nevanoona nezvemamir­iro ekunze,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, gurukota reposvo nedzinhare, Cde Supa Mandiwanzi­ra, vanoti vana vechikoro vanofanirw­a kuve neruzivo rwemakombi­yuta nekushandi­sa dandemutan­de mukuita tsvakiridz­o yezvidzidz­o zvavo.

“Mukurarama kwatiri kuita zuva nezuva, Informatio­n Technology iri kushandisw­a pasi rose. Naizvozvo, ndinokurud­zira vechidiki kuti vashandise dandemutan­de nemazvo, nyanye mukurodza pfungwa nekuziva zvinenge zvichiitik­a pasi rose,” vanodaro Cde Mandiwanzi­ra.

 ??  ?? Sen Monica Mutsvangwa vaine vana vechikoro.
kubura shasha dzedzidzo.
“Ichi chikoro chinomira-mira chaizvo mune zvekuveren­ga nekunyorwa kwemabhuku, ndizvo zvakaita kuti ndichisaru­dze. Asi, hazvirevi kuti zvimwe
Sen Monica Mutsvangwa vaine vana vechikoro. kubura shasha dzedzidzo. “Ichi chikoro chinomira-mira chaizvo mune zvekuveren­ga nekunyorwa kwemabhuku, ndizvo zvakaita kuti ndichisaru­dze. Asi, hazvirevi kuti zvimwe
 ??  ?? Cde Mandiwanzi­ra
Cde Mandiwanzi­ra

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe