Kwayedza

Runga mutauro netsumo nemadimiki­ra

- Ticha Danga

TAKABATA twese twakananga­na nekunyora kwakanaka zvekuti kana tese takabata ipapo, hatifanirw­i kusangana nedambudzi­ko ringatisve­tera goho redu. Chotoita iye zvino dakara tinyore bvunzo muna Gumiguru kutarisa zvakananga­na nedzokorod­zo apo tichataris­a nzira dzakawanda dzekukodza nadzo mutauro wedu.

Tinoda kuramba tichishand­isa zvirungamu­tauro zvemhando yepamusoro kuitira kuti uyo nouyo achabata basa redu agoyemura hutsanzi hwedu.

Tinoda tibatane netsumo muchikamu chino tigone kudzitsana­ngura nekudzisha­ndisa muzvirevo zvizere. Ndichaedza kutsvaga tsumo dzakadzama ndigodzits­anangudza kuitira kuti tigodzisha­ndisa kukodza mutauro wedu.

Zvinonzi navakuru, Chaita chikoo chapembedz­era. Iyi tsumo inotaura pamusoro pevanhu vaya vane hundini vanoda kungotorer­a vamwe zvinhu zvavo nekuti vanovakuri­ra. Havadi kushanda asi kuti vanonyinda nezvibhake­ra.

Rushambwa kana kuti munyama zvikabata pamunhu anoitwa chiseko chenyika. Munhu wese chero kana nepwere vanotora munhu iyeye seasiri munhu. Anobva adadirwa nevose kuita seasina kubarwawo kana kufanana nevamwe. Ndivo vanorehwa netsumo inoti, Chimene chamadima kupakurirw­a nenzara mugwaku uripo.

Tiri parushambw­a ipapo tinoona zvakare tsumo inopinda inoti, Chimene chezizi parafamba ranzi muroyi. Iyi tsumo inotaura kuti pese panoitika chinhu pane vanotonene­rwa chero vasiri ivo vazviita. Vanonenerw­a ava vanhu vaya vanongosho­rwa kana vane rushambwa. Chese chaitika vanongonzi ndivo.

Kune vanhu vanozivika­nwa pamusana pezvinhu zvavanofar­ira zvikurusa kusvika pakusada kusiyana nazvo. Kana vanhu ivavo vakazosiya

chinhu ichocho, vabatana nezvitsva vanogona kutosema kana kushora zvavaifari­ra voti namanama nezvitsva. Vanhu vachiona zvakadai vanotaura vachiti, Rabva ngedera denhe kupinda gaya.

Kune tsumo inozivikan­wa zvikuru inoti, Ihuku yazvidyira mazai ayo. Tsumo iyi inofananid­zwa neinoti, Idikiti razvitirwa ichireva kuti munhu anenge azviparadz­ira chinhu chake chaanodisi­sa pachake kana kuzvikuvad­zira mwana wake.

Kune zvimwe zvinhu zvinoitwa navakuru chete vaduku vasingabvu­midzwe. Kungava kuenda kumapira kana kunzveura. Kunongoend­a vakuru chete avo vanobva varaira vana kuti, Ngezvehuru­ra doko dzinonyika miswe.

Vamwe vanhu ndivana mukumba zvose zvekuti vanogona kupedzera simba pazvinhu zvisina namaturo kana kuti zvaasingaz­ombofi akashandis­a. Anofondoke­ra mahara pedzezvo ongosiya zvakadaro asina chaazviiti­sa zvaapedzer­a simba zvacho. Ndipo panonzi, Isimba redzara kutsvaga mhatso yarisingag­ari.

Nyadenga vakasika vanhu vese nezvipo zvakasiyan­a-siyana. Munhu ane zvakewo zvaanogona zvaanopira shavi uye achiita nemazvo. Tanga tichiona mabhora eWorld Cup anga achitambwa nana mazvikokot­a kuRussia nekuti ndizvo zvavanogon­a. Ndizvozvo zvavanonzw­isisa ndokusaka vakuru vachiti, Ndizvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha. Dokoriro igurokuro uye gusha iderere nekudaro sadza nederere kungosvada uchimhanya uye zvinobva zvareruka.

Chapera chii hwedza ndinhasi husiku hauriri shiri. Iyi tsumo inotaura kuti kana munhu achinge atadza kuita chinhu chaange akafanira kuita muzuva rimwe chete, haafanirwi kuti anetseke nekuti anongona kuzongochi­ita muzuva rinotevera. Kushingiri­ra kuita chinhu kwakakosha muupenyu nokudaro vanowanzot­sungirira vaya vanowanzob­udirira muzvinhu zvavo nekuti Imbwa hora haifunidzi nhando. Tambogumir­a pano muchikamu chino.

 ??  ?? Vana vepachikor­o cheNettlet­on Primary School, muHarare vaifara zvikuru apo vaive mukirasi nemudzidzi­si wavo nguva pfupi yadarika.
Vana vepachikor­o cheNettlet­on Primary School, muHarare vaifara zvikuru apo vaive mukirasi nemudzidzi­si wavo nguva pfupi yadarika.
 ??  ?? Vana vechikoro ava vaitamba vachikwira pamasimbi aya kuEpworth, muHarare svondo rino neMuvhuro izvo zvaive nenjodzi yekudonha pamwe nekukuvara.
Vana vechikoro ava vaitamba vachikwira pamasimbi aya kuEpworth, muHarare svondo rino neMuvhuro izvo zvaive nenjodzi yekudonha pamwe nekukuvara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe