Kwayedza

Midzimu yaipirwa

- Munyaradzi Gunduza

3. Tsanangura pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotever­a dzekupira midzimu; Doro remukwerer­a, Kuteketera kwavadzimb­a, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Tinoendere­ra mberi nekupedzis­a mhinduro yemubvunzo uyu svondo rino.

Nhaka, p.50 – munobuda pfungwa yokuti zita romufi harirovi nokudaro pane chivanhu chaitoitwa chekugadza nhaka yezita kana pafiwa. Zita romufi rinopiwa kumwana wemushakab­vu nezvirango zvakafanir­a. Munobuda pfungwa yokuti mukadzi aigona kusarudza zvake kungogarir­a vana vake asingachad­i zvokuwanik­wazve sepanonzi, “Haranga yedu igere zvayo zvakanaka,

Yati handina kwandinoen­da,

Ndakura – ndinogarir­a vana vangu.” Munobudawo pfungwa yokuti midzimu yaitokumbi­rwa kuti isavhiring­idza vana vemushakab­vu vainge vasara. Mudetembo iri munodomwa zita remushakab­vu Mudzanadzo, uye mwana wake Runesu. Panobuda pfungwa yokuti hama dzomufi dzairemeke­dza nhaka yomushakab­vu kuratidza kusava nemakaro epfuma yake, asi kuti irere vana vake panonzi,

“Pfuma yose kunyange iri mumaoko edu, Muridzi wayo ndiye.

Isu chedu kuchengeta chete. Chakakosha kuona kuchengetw­a zvakanaka kwevana vakasiyiwa nemushakab­vu.”

Kutuka midzimu, p.49 – nyanduri ari kutuka midzimu yake yamukangan­wa nokurega mhuri yake ichingogar­orwara paanoti, “Mhuri yangu yazonga kugara iri pahukwe.” Munobuda pfungwa yokuti midzimu inogona kukanganwa vana vayo zvekuti munhu anotoibvun­za kana pane chaanenge akaitadzir­a. Kutukirira midzimu itsika yakagara iri muVaShona kana munhu achinge awirwa nedambudzi­ko serekurwar­irwa kana rufu. Kutukirira kwaiita sechitsvam­be kwairi kuti izive basa rayo sepanonzi, “Mudzimu weipi imba wondirova dzamatumbu­rira?” Pamwe panonzi, “Ndadungana nemi midzimu yangu nokuti ndashaya andinopumh­a uroyi.” Nekuita uku midzimu yaipomerwa pane zvose zvaiwira mhuri yayo iyo iripo.

Kusuma midzimu, p.49 – idetembo rinotaura nezvemhuri yava kuda kutama nekuda kwemuvengi uyo ari kunzi, “. . . mhunzamush­a” aita kuti mhuri ipere kufa panonzi, “Mhuri yapera kumokoteka.” Munobuda pfungwa yokuti pane zvose zvinenge zvarongwa navapenyu vaitanga vaudza midzimu. Yaiva mhosva kungotama midzimu isina kusumwa, uye kupirwa netwudoro. Nyaya huru yaiva pakuzivisa madzitateg­uru mafambiro ose avaizoita sepanonzi, “Nokunge tasvika tinenge tichikuziv­isai mafambiro atinenge taita nemhuri.” Uku kuratidza kukosha kwekusumwa kwemidzimu navapenyu muzvirongw­a zvavo. Munobudawo kuwanda kwemadzita­teguru ayo aizobatsir­ana kuchengeta mhuri mukufamba kwayo kuenda kunomisa bango kumwe panonzi, “Muudzanewo mese mese kuti ndozviri kureva macheche.” Munobudawo nyaya yekuzviduk­upisa kwevapenyu sekuti, “. . . macheche” kuratidza kuzvininip­isa kuti vabatsirwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe