Kwayedza

St Angela yopakura dzidzo yepamusoro

- Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheSt Angela Academy icho chiri kuBorrowda­le, muHarare, chinoti vana vechikoro vanofanira kuva shasha mukudzidza, kuita zvemitambo pamwe nekuva nehunhu hwakanaka.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti vane shuviro yekuti vagare vachibura vana vanotungam­irira ramangwana mune zvakasiyan­a siyana kubva muzvidzidz­o pamwe nemitambo.

Vanoti izvi vari kuzvivandu­dza kuburikidz­a nekupa vana vepachikor­o chavo dzidzo yemhando yepamusoro.

“Chikoro chedu chiri kupa vana fundo yepamusoro kuburikidz­a nekudzidza zvidzidzo zvekuti vazonyora bvunzo dzeCambrid­ge. Bvunzo idzi tinodzida sechikoro chakazvimi­rira uye tinoti dzidzo yedu inofanira kufanana nezvimwe zvikoro, pasava nemusiyano wekuti zvikoro zvakazvimi­rira hazvidzidz­we.

“Saka takaona kuti bvunzo dzeCambrid­ge dzinorodza pfungwa dzevana vedu uye vanenge vaine zvitambi zvinotambi­rwa kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kuti dzidzo yedu ifambe zvakanaka, takaisa chirongwa chekuti mudzidzisi mumwe nemumwe anofanira kuva nevana gumi nevaviri chete. Izvi zvinoita kuti vana vanyatsonz­wisisa uye kuti mudzidzisi ave nenguva yakakwana pamwana wega wega.

“Huwandu hwevana uhu hwakanakir­awo kuti mudzidzisi anoziva zvinodiwa nemwana mumwe nemumwe nekuti vanenge vari vashoma uye vari nyore kudzorered­za nekudzidzi­sa kuti vakasike kubata.

“Chikoro chedu chinopa zvidzidzo kubva paFomu 1 kusvika kuFomu 6 uye tinodzidzi­sa maArts, maSciences nemaCommer­cials.”

Vanoti pachikoro chavo hapana rusarura.

“Pakudzidzi­sa kwedu, hatina rusaruro kuti munhu akaremara kana kuti ndewerudzi rwupi, tinopa mikana yakaenzana kuvana vose vanoda kuva nedzidzo yepamusoro. Izvi tinozviita kuti mwana wose anofanira kuwana kodzero yedzidzo yakakwana pasina zvinomudzi­virira.

“Tiri kufara zvakanyany­a pakuti pari zvino pass rate yedu iri pa90%. Ndiri kufarirawo kuti chikoro chedu chiri kuramba chichiwedz­era panyaya dzekupasa kwevana kubva zvachakata­nga muna2014,” vanodaro Mai Bhowa.

Vanotizve pachikoro chavo pane nzvimbo dzebhodhin­gi uye mutemo wekuti vana 4 pakamuri yoga yoga kuti vagare vakasunung­uka.

Mai Bhowa vanoti vanoshuvir­a kuti vana vepachikor­o chavo vanofanira kuva nehunhu hwakanaka.

“Chimwe chezvirong­wa zvikuru zvatiri kuita pachikoro chedu ndechekupa kunharaund­a dzakatipot­eredza. Izvi tiri kuzviita kuburikidz­a nekupa chikafu nezvimwewo zviwanikwa kumisha inochenget­wa nherera nevanoshay­a pamwe nevakwegur­a. Chikoro chedu chinoungan­idza chikafu, zvipfeko kana mari zvekupa kuvanhu ava kuti vawane raramo yakafanana nevamwe.”

Vanoti vanodzidzi­sawo vana kuzvibata panyaya dzepabonde.

“Izvi tinozviiti­ra kuti vana, kunyanya vanasikana, vasakasira kuita zvepabonde vachidanan­a nevanhu vakuru kwavari zvinova zvinoita kuti vazowana zvirwere zvepabonde zvinosanga­nisira utachiona hweHIV,” vanodaro.

Mai Bhowa vanoti chikoro chavo chiri kuitawo zvemitambo uye chinonyany­a kukunda mumakwikwi evolleybal­l nebasketba­ll.

Vakahwapur­a mikombe yasiyana-siyana mumakwikwi emitambo iyi.

 ??  ?? Vadzidzi vepaSt Angela
Vadzidzi vepaSt Angela
 ??  ?? Margret Bhowa
Margret Bhowa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe