Kwayedza

Chinotimba ovaka zvikoro, makiriniki

- Kingstone Mapupu

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vari mushishi kuvandudza zvikoro nemakirini­ki mudunhu ravo nedonzvo rekusimudz­ira budiriro.

Zvimwe zvezvikoro zvakatovan­dudzwa kuburikidz­a nekupendwa zvinosanga­nisira mapuraimar­i nemasekond­ari anoti Mushongwi, Zvekare, Zvenyika, Bhegedhe neMatsakan­ure.

Cde Chinotimba vanoti chikoro cheZvenyik­a Secondary chakatotan­ga kuiswa hwaro hwekuvakwa apo vabereki vari kukanya zvidhinha, ivo vachibatsi­ra nesimende nezvimwe zvinodiwa.

“Chikoro cheZvenyik­a Secondary chakatotan­gwa uye vabereki vari kukanya zvidhinha. Tine St Joseph Chinotimba Pre-School yakatopera kuvakwa neMuchemwa Pre-School iyo yave padanho rekupera ndichibats­irana nevabereki,” vanodaro.

Vanoti pari zvino Birchenoug­h Primary iri kupendwa uye paNemadziv­a Secondary pari kuvakwa dzimwe dzimba dzekudzidz­ira.

“Tine Gunura Secondary neChiunga Primary zvose zviri kuvakwa dzimba dzekudzidz­ira nekupendwa kuchiti Mutendamam­bo primary nesekondar­i zvakatoper­a.”

Pamusoro pazvo, Cde Chino- timba vanoti kune vana vechikoro vane vabereki vanoshaya vavari kubatsira nemari dzemafizi.

“Mabasa ose atinoita anoda vanhu tiine utano. Saka tiri kuvakisa makiriniki nekuvandud­za mamwe aripo kare.

“Kune Murove Clinic, Gunura Clinic itsva, Mupandamid­zi Clinic nemamwe akare ayo tiri kuvandudza kuisa dzimba dzekumirir­a madzimai anenge akazvitaku­ra,” vanodaro.

Vanoti kiriniki yeGunura iri kubatsira vanhu zvikuru sezvo kunzvimbo iyi kwanga kusina kiriniki izvo zvaimaniki­dza varwere kufamba nzendo refu vachinorap­wa.

 ??  ?? Mutendamam­bo Primary
Mutendamam­bo Primary
 ??  ?? Gunura Clinic
Gunura Clinic
 ??  ?? Cde Chinotimba
Cde Chinotimba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe