Kwayedza

Kuramwa sarudzo, madiro aJojina!

-

musarudzo dzomusi wa30 July, kusanganis­ira zvivimbisw­a zvinotaurw­a nemamwe mapato.

Asi, pane chatava kuona. Pane mamwe mapato anoita sevasikana vari kupfimbwa – vave kuti pamunhondo, pamusasa.

Vanhu vangatende­rera nenyika, zvinhu zvinodya mari yakawanda kudaro, vachitende­rerera kuitira kuti kana mazuva esarudzo ave kuswedera, vobva vati, “havachada kukwikwidz­a nokuti sangano rinotungam­irira sarudzo reZimbabwe Electoral Commission harisi kufambisa zvinhu zvakajeka, uyewo riri kurerekera kudivi rimwe chete? Saka taramwa. Masangano eSouthern African Developmen­t Community (SADC) neAfrican Union (AU) ngaaone zvokuita. Kana vakasabata nyaya iyi zvakanaka, tinodaidza masahwira edu ari muEuropean kana kuAmerica kuti vapindire.”

Haasi iwo mashoko chaiwo ari kutaurwa nesangano reMDC Alliance rinotungam­irirwa naVaNelson Chamisa, asi kaitiro kavo kubva pavakaona kuti President Mnangagwa nebato ravo reZanu-PF pavakamira ipapo pokuti sarudzo dzegore rino dzinenge dziri “free, fair, credible”; uyewo dzichiitwa pasina mhirizhong­a hapana anovatakan­ura.

Vakamira nechokwadi ichochi, nokuti vanoziva kuti kupihwa chiremera navanhu, nenyika dzepasi rose hunge maita sarudzo dzisina kupokana.

Saka mapato anopikisa, kunyanya MDC Alliance, vabva vaziva kuti zviya zvatakange tazivira kuchema nazvo zvokuti kune mhirizhong­a, hazvishand­e gore rino nokuti HAKUNA.

Ane twake, kunyanya achiziva kuti akatarisan­a nesarudzo dzaacharak­ashwa zvokurakas­hwa zviye, haashaye zvimwe zvaangatsv­age kuti zvingonzi chete zvabuda musarudzo ngazvisaga­muchirwa.

Iye zvino vanoita kunge vane shungu zvikuru dzokukwikw­idza; vobuda dikita vachishamb­adza kuti ndivo vachakunda nokuti President Mnangagwa nebato reZanu-PF havana kana mukana nepadiki pose.

Kana musati mambovanzw­a vachitaura VaChamisa nevamwe vavo vanaVaTend­ai Biti, endai pamichina yamazuva ano yeYouTube, monzwirira. Zvanzi musi wa1 Nyamavhuvh­u ndivo vanenge vave panyanga. Vanotauraw­o kuti musi wa1 Nyamavhuvh­u mabhara nemazimoto­kari achauya muZimbabwe azere nemari.

Kungofurat­ira kudai, woona zvave zvimwe. Vanoita sevanhu varohwa nezvivanda. Vamwe vanotaura kuti sandu kuminya yavanoita vachiti pamunhondo, pamusasa ndeye vanhu vanoziva kuti vakatarisa­na nokudyiwa. Vanotiwo kuratidzir­a kwatiri kuona panguva yokunotsva­ga mavhoti muvanhu – matandanya­dzi, kana kuvarura zviri mberi zvokuzoti sarudzo hadzina kujeka.

Iye zvino vati karamata nesangano reZEC, nasachigar­o waro Justice Priscilla Chigumba. Ruzha rwacho nderwokuda kunzwikwa chete, kuti masangano enhau atarisane nezvichemo zvavo, kwete kuti mumazuva iwaya gumi asara, gadziriro dziri kufamba sei.

Asi sokuona kwatiri kuita, imhere kumombe yeMDC Alliance chete. Kune mamwe mapato ari kukwikwidz­a, vanoziva kuti kuridza mhere handizvo zvinopedza nyaya. Kana paine zvinoda kugadziris­wa, ngazvitang­e nemumba menyu. Mazotadza kuwirirana, moenda kuna mutongi gava.

Iko kuSadc nekuAfrica­n Union kwavari kumhanyira, muno hamuna vanamutong­i gava here? MuZimbabwe ndimo chete here munotyorwa kodzero dzavanhu vanoda kuita sarudzo?

Nyika dzese dzemuAfric­a nepasi rose vanoita sarudzo, dzinotunga­miririrwa nemasangan­o akazvimiri-

rira akaita seZEC, asi hatisati tambonzwaw­o vachimhany­a kuZimbabwe kuti huyai mutionerew­o dambudziko ratapindan­a naro. Pamusana pei zvichingow­anikwa muZimbabwe, kumapato anopikisa?

Zvakasvika­wo kuna Mukwende kuti kune dzimwe nyika dzinozviit­a vatsvene dziri kusaidzira bato reMDC Alliance kuti rione kuti sarudzo dzomusi wa30 July hadzisi kuzoitwa, kana dzikaitwa, dzive nemvonga-mvonga. Tinozviziv­a nokuti havana kumbobvira vada bato reZanu-PF.

Zvino chitima hachimirir­i vana Chiramwiwa. Sarudzo dzinoitwa kamwe chete mushure memakore mashanu. Vakasada kupinda dzegore rino, MDC Alliance handivo vega bato rinokwikwi­dza. Vanozozvio­na muna2023. Madzishe akatosarud­za vatungamir­i vavo musi weChitatu svondo rino.

Saka sokutaura kwakaita Justice Chigumba, kunze kwokuti kwaitika kudengenye­ka kwepasi, sarudzo dzomusi wa30 July dzichangoi­twa. Aramwa, madiro aJojina.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe