Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Juliet Sharon Tom

MHUMHI

Ndebele: Iganyana English: Wild dog

MHUKA kana kuti imbwa inonzi mhumhi inozivikan­wa nehunyanzv­i hwayo hwekuvhima nekuuraya zvisina tsitsi. Kubudirira pakuvhima kwayo kunoonekwa pakunge dziri chikwata, pane kunge iri imwe chete.

Mhumhi – iyo pachiRungu inogonazve kunzi “painted dog” – ine muviri wakangoenz­ana nembwa yepamusha yerudzi rweGerman Shepherd, iine mvere dzakasanga­na nhema, chena, pfumburukw­a netsvukuru­kwa. Imwe neimwe ine ruvara rwakasiyan­a nedzimwe izvo zvinoita kuti dzizivikan­we.

Dzine muviri murefu nemakumbo akareba nemuswe une pfunha chena kwawakaper­ara (tipped tail).

Mhumhi ine nzeve huru dzakaita denderedzw­a, musoro mutema – kunze kwekubva pamusoro pemaziso zvichienda kunzeve uko kune ruvara rwakangofa­nana nemuviri wayo, asi iine mutsetse mutema unobva pakaperera mhuno kunosvika pakati penzeve.

Imbwa yemusango iyi inoreba 105 kusvika 150cm ichirema zviri pakati pe20 kusvika 30kgs.

Mhumhi ishasha pakuvhima uye dzinogara dziri zvikwata zvemhuka gumi kusvika 40 kana dai zvazvo dzichigona kuita shoma kana kuwanda kudarika apa.

Dzinonyany­ovhima mangwanani kana kuti zuva rovira. Mhumhi inorarama nenyama (carnivore) yemhuka dzakaita semhara, mbizi kana ngongoni uye dzinoita chirwirang­o kana dzovhima. Dzinohwand­ira mhuka yadzinoda kubata dzichifamb­a zvishoma nezvishoma asi dzozodzing­irira kana mhuka yacho yotiza.

Mhumhi haisiye mhuka yayada, inoidzingi­rira kudzimara yaibata – kana dai zvichireva kuti kwemakirom­ita akawanda. Inogona kumhanya 40km/hr kwechinham­bwe che5km isina kuzorora.

Mhuka diki inogona kubva yangopunzw­a pakarepo asi kana iri huru, inotanga kudyiwa dzichiidzi­ngirira apo inobvanzur­wa bvanzurwa ichitiza. Ndokusaka zvichinzi mhumhi inodya ichifamba.

Kana dai zvazvo ichiita kunge ine hutsinye pakuvhima, mhumhi inobata zvainoda kudya ipapo bedzi.

Pachikwata chimwe nechimwe, hadzi inenge iri huru nemukono mukuru ndizvo zvinoita vana apo dzimwe dzose dzinogarir­a kuvhima, kuchengete­dza handa (vana vembwa) nepadzinog­ara. Dzinouya nechikafu dzichiruts­ira handa.

Asi ongororo yakaburits­a kuti panogona kuita imwezve hadzi pachikwata iyo inogona kuitawo basa rekubereka zvichiende­rana nekuwanda kwechikafu kana kuti nezvido “zvavahosi” – hadzi huru.

Mawuta (mimba) yemhumhi inotora mazuva 69 kusvika 73 apo panozobarw­a handa dzingabvir­a pambiri kusvika 10.

Mhumhi hadzizivik­anwe nekuvhima kana kurwisa vanhu asi vana vadzo vanogona kuuraiwa nedzimwe mhuka dzakaita seshumba nemapere.

MuZimbabwe, mhumhi imhuka dziri panjodzi yekuparara zvachose naizvozvo dzinocheng­etedzwa. Sezvo dzichigona kufamba mitunhu yakareba, zvinoita kuti dzigume dzabatwa nemiteyo yewaya inoiswa nevanhu vanovhima zvisiri pamurawo. Kushandisw­a kwemiteyo iyi imhosva muZimbabwe naizvozvo veruzhinji vanokurudz­irwa kusiyana nemaitiro aya zvachose.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino: The Behavior Guide to African Mammals - Richard Despard Estes

Field Guide to Mammals of Southern Africa - Chris & Tilde Stuart

◆ Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Mhumhi
Mhumhi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe