Mufundisi akatorwa nenjuzu
kuna Shepherd, vanoti havasi kugutsikana nefiro yake sezvo vaine fungidziro yekuti akadirwa mamhepo nevapenyu.
Sahwira wemhuri yekwaJana, Mai Agnes Gonzo (56), vanoti zviri pachena kuti Shepherd akatorwa nenjuzu.
“Mutumbi wake unoita seairwiswa nekuti aiva akapfumbata zvibhakera, akaisa mawoko pamberi pechipfuya zvinoita munhu achirwa. Toti zvino airwa nemvura here?” vanodaro.
Maria Shoriwa (46), muzukuru kuna Shepherd, anoti mafiro yasekuru vake haina kujeka.
VaGodfrey Johannes (51) mumwe wevazukuru vekwaJana uye avo vakabatsira pakuburitsa mutumbi waShepherd mudziva vanoti nzvimbo yakafira murume uyu inoyera. “Sekuru vakatorwa nenjuzu nekuti patakapinda mumvura takawana mutumbi wakamira kuita semunhu mupenyu. Zvakare, mvura yacho haina kuwanda zvekuti mungafire munhu.
“Pane vanhu vaviri vakambotorerwa mafoni panzvimbo iyoyi nechinhu chavasina kuona vakaashaya zvachose. Mumwe akauya kuno kudziva iri ndokutanga kuwacha tarauzi rake achida kuti azoriyanika ozoripfeka, akaritorerwa ndokudirwa mvura kumeso akatiza asina kupfeka. Akatozoshevedzera vamwe vanhu vakamuvigira rimwe bhurugwa rekupfeka ari musango,” vanodaro.
Vamwe vanhu vanonzi vanotorerwa sipo padziva iri uye zvinofungidzirwa kuti aya mabasa enjuzu.
Zvichakadai, pakawanikwa mutumbi waShepherd zvinonzi mbatya dzake dzaive dziri kwadzo, shangu dziri kumhiri nesipo iri kwayowo.
“Mvura yemudziva iri inobuda mubako. Tine vanhu vakawanda vakatorwa nenjuzu pano, kusanganisira mwana mudiki. Mumwe mukomana aiva akagara zvake anonzi akapotsa awidzirwa mudziva iri nenyuchi,” vanodaro VaJohannes.
Dziva rakafira mufundisi wechechi uyu rinonzi haripwe mvura, kana dai kukasanaya zvakanaka.
“Vanhu vaiva vaisa mapindu avo pedyo nerwizi urwu vaiona tuvarungu mangwanani kana zuva rodoka tunonzi twaishevedza vana vadiki,” vanodaro.
Asati asangana netsekwende iyi, Shepherd anonzi ainge audza VaJohannes kuti pakati pake naivo pane anogona kufa mumazuva mashoma aitevera.
“Andiudza kudaro semunhu wandinopinda naye chechi yeSt Peters Apostolic, uye tose tiri mafundisi, ndakamuti hatinamatei. Saka akazviporofita rufu rwake,” vanodaro.
Sabhuku wemusha uyu, VaBothwell Gomo havana kuonekwa neKwayedza kuti vataure nezvenyaya iyi.
Imwe nyanzvi yezvechivanhu kuChitungwiza, VaThomas Yakiti Mukunguta (49), vanoti nzvimbo ine dziva iri inofanirwa kuitwa chivanhu kuti njuzu idzi dzisarambe dzichitora vanhu.
“Zvinoratidza kuti njuzu idzi dzine hasha, pane zviri kukanganiswa. Murume uyu akatoitwa zvekushevedzwa, hatizivewo kuti akaparei kubviswa kwese kwaaive kunosvika kurwizi uku,” vanodaro.