Kwayedza

Mufundisi akatorwa nenjuzu

-

kuna Shepherd, vanoti havasi kugutsikan­a nefiro yake sezvo vaine fungidziro yekuti akadirwa mamhepo nevapenyu.

Sahwira wemhuri yekwaJana, Mai Agnes Gonzo (56), vanoti zviri pachena kuti Shepherd akatorwa nenjuzu.

“Mutumbi wake unoita seairwiswa nekuti aiva akapfumbat­a zvibhakera, akaisa mawoko pamberi pechipfuya zvinoita munhu achirwa. Toti zvino airwa nemvura here?” vanodaro.

Maria Shoriwa (46), muzukuru kuna Shepherd, anoti mafiro yasekuru vake haina kujeka.

VaGodfrey Johannes (51) mumwe wevazukuru vekwaJana uye avo vakabatsir­a pakuburits­a mutumbi waShepherd mudziva vanoti nzvimbo yakafira murume uyu inoyera. “Sekuru vakatorwa nenjuzu nekuti patakapind­a mumvura takawana mutumbi wakamira kuita semunhu mupenyu. Zvakare, mvura yacho haina kuwanda zvekuti mungafire munhu.

“Pane vanhu vaviri vakambotor­erwa mafoni panzvimbo iyoyi nechinhu chavasina kuona vakaashaya zvachose. Mumwe akauya kuno kudziva iri ndokutanga kuwacha tarauzi rake achida kuti azoriyanik­a ozoripfeka, akaritorer­wa ndokudirwa mvura kumeso akatiza asina kupfeka. Akatozoshe­vedzera vamwe vanhu vakamuvigi­ra rimwe bhurugwa rekupfeka ari musango,” vanodaro.

Vamwe vanhu vanonzi vanotorerw­a sipo padziva iri uye zvinofungi­dzirwa kuti aya mabasa enjuzu.

Zvichakada­i, pakawanikw­a mutumbi waShepherd zvinonzi mbatya dzake dzaive dziri kwadzo, shangu dziri kumhiri nesipo iri kwayowo.

“Mvura yemudziva iri inobuda mubako. Tine vanhu vakawanda vakatorwa nenjuzu pano, kusanganis­ira mwana mudiki. Mumwe mukomana aiva akagara zvake anonzi akapotsa awidzirwa mudziva iri nenyuchi,” vanodaro VaJohannes.

Dziva rakafira mufundisi wechechi uyu rinonzi haripwe mvura, kana dai kukasanaya zvakanaka.

“Vanhu vaiva vaisa mapindu avo pedyo nerwizi urwu vaiona tuvarungu mangwanani kana zuva rodoka tunonzi twaisheved­za vana vadiki,” vanodaro.

Asati asangana netsekwend­e iyi, Shepherd anonzi ainge audza VaJohannes kuti pakati pake naivo pane anogona kufa mumazuva mashoma aitevera.

“Andiudza kudaro semunhu wandinopin­da naye chechi yeSt Peters Apostolic, uye tose tiri mafundisi, ndakamuti hatinamate­i. Saka akazviporo­fita rufu rwake,” vanodaro.

Sabhuku wemusha uyu, VaBothwell Gomo havana kuonekwa neKwayedza kuti vataure nezvenyaya iyi.

Imwe nyanzvi yezvechiva­nhu kuChitungw­iza, VaThomas Yakiti Mukunguta (49), vanoti nzvimbo ine dziva iri inofanirwa kuitwa chivanhu kuti njuzu idzi dzisarambe dzichitora vanhu.

“Zvinoratid­za kuti njuzu idzi dzine hasha, pane zviri kukanganis­wa. Murume uyu akatoitwa zvekusheve­dzwa, hatizivewo kuti akaparei kubviswa kwese kwaaive kunosvika kurwizi uku,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe