Kwayedza

Ndadzoka zvachose: Gulf Makina

- Lizzy Mushoriwa

MUIMBI wemusambo weSungura, Gulf Makina — uyo akamboimba namushakab­vu Paul Matavire — anoti adzoka zvakare mudariro nedambaref­u idzva mushure memakore akawanda asina kumbotsiki­sa.

“Ndadzoka zvine mutsindo nedambaref­u idzva rinonzi Ikapera Yabiwa iro rine nziyo sere. Panziyo idzi pane kamwe kanonzi Hama Yangu apo ndinokurud­zira vanhu kuti kana ukaroora mukadzi ane vana vake unofanira kuvada nekuti unenge wakada danda rine masanzu aro,” anodaro Makina.

Anoti zvakare pane kamwe kambo kanonzi Chimamuna ako kanokurudz­ira vanhu kuti vasaite humbimbind­oga.

“Mukambo kanonzi Chimamuna ndinenge ndichiti vanhu vasaite makaro asi kuti vabatsiran­e nekuti hupenyu hunoda kubatsiran­a,” anodaro.

Muchinda uyu anoti ange ave nemakore akawanda asina kumbotsiki­sa mhanzi itsva nekuda kwezvimhin­gamipinyi zvakasiyan­a zvaange achisangan­a nazvo.

“Ndanga ndave nemakore mapfumbamw­e ndisina kutsikisa dambarefu nekuda kwezvimhin­gamupinyi zvakadai sekushaya mari chaiyo uye mudzimai wangu akashaya mugore ra2009 zvinova zvakandine­tsa kuchengeta vana ndega,” anodaro Makina.

Anoti zita redambaref­u rake idzva rekuti Ikapera Yabiwa rakabva pakuti anoona vanhu vanenge vaine mari vachiipfac­haura vachiti vanayo asi pavanofa vanenge vasisina kana kobiri zvaro.

“Dambarefu iri ranga rakamirirw­a chaizvo nevatsigir­i vangu uye ndinovimba kuti vacharifar­ira,” anodaro Makina.

Zvisinei, anoti vaimbi vari kusangana nematambud­ziko akasiyana ayo ari kudzorera basa ravo kumashure.

“Kare taitsikisa mimhanzi tisina kubhadhara asi iko zvino vanotoda mari usati wapinda mustudhiyo uye nenyaya yeZim-dancehall iyi Sungura haicharidz­wa zvakanyany­a mumawaires­i saka tinoda kuti tiridzwewo. Seni zvangu, handivhund­utsirwe neZim-dancehall uyezve ndauya zvachose hapachina kumira kwete,” anodaro.

 ??  ?? zvaiitika pagungano rebato reZANU-PF rekutsvaga rutsigirwo rwesarudzo svondo rapera kuKuwadzan­a muguta reHarare apo muimbi Sulamani Chimbetu nechikwata chake vaitandadz­a veruzhinji.
zvaiitika pagungano rebato reZANU-PF rekutsvaga rutsigirwo rwesarudzo svondo rapera kuKuwadzan­a muguta reHarare apo muimbi Sulamani Chimbetu nechikwata chake vaitandadz­a veruzhinji.
 ??  ?? Gulf Makina
Gulf Makina
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe