Kwayedza

Carrot inozviteng­esa yoga

- Clemence Mucharedze­yi ◆ Clemence Mucharedze­yi murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika pa: 0718 409 761

CHIRIMWA cheCarrot (Daucus Carota L.) chakabva nekumabvaz­uwa, kuAsia. Chinodirwa dzinde racho rinozikanw­a nekuva nekudya kunodivika­nwa nemuviri. Ine mavitamin A ayo akakosha mukuvaka muviri.

Mhando dzemaCarro­t dzakasiyan­a siyana asi dzese dziine maVitamins A.

MaCarrots anonyanya kuda kurimwa munguva yechando, ndipo paanoita zvakanaka. Asiwo handipo pega patingati paanorimwa. Anogona kurimwa gore rese asi paanonyats­a kufarira ndiyo nguva yechando ine kudziya kushoma kungaita 15°C kusvika pa20°C

KuPrime Seed Co tine mhando dzinokwana pese pese kusvika gore riti dhuu kupera muchingori­ma carrots.

Ivhu ringashand­iswe MaCarrots anoda kurimirwa mune ivhu rakadzama, riine hujecha huri pakati nepakati. Izvi zvinoitirw­a kuti anyatse kubuda zvakanaka aine dzinde rakatwasuk­a, uye rakareba. Ivhu rakaita hujecha rinodirwa pakukasika kurasa mvura kana richinga radiridzwa zvoita kuti carrot ifeme zvakanaka. Macarrots haadi ivhu rinonyanya kuvava kana kutapirisa. Saka kutapira kwevhu kunodiwa kungaita 6.5 pH.

Munda uchandobva kuiswa mutsakwani hauite nechikonze­ro chekuti macarrots acho anoita zvimvere nekusatota­risika zvakana. Mhando dzeCarrots dziri

kuPrime Seed Co:

Prime Seed Co ine mhando dzakati wandei dzemacarro­ts.

Hekla F1 imhando yakauchikw­a zvine unyanzvi. Iyi carrot wakaitaris­a inoita kunga pfumo yakareba. Inotapira chaizvo iine kamwoyo katete. Inoita mazuva makumi matanhatu kuti isvike. Inonyanya kufarirwa kumisika. Inoreba 11cm, iine ruvara rwakaita sezuva rava kunodoka. Inorema uye iine utano hunoidzivi­rira kuzvirwere.

Nantindo imhando yecarrots inogona kurimwa gore rese. Inopa goho repamusoro uye inoita mazuva makumi matanhatu kuti isvike. Nantindo yakanakira kuti ndeye kutengesa pamusika uye nekuendesa kumakamban­i anobika jamu.

Kuroda ndeimwe mhando yeCarrot yakauchikw­a nemazvo. Iyi carrot inotapira. Ine kumusoro kwakapamha­ma yoenda ichitetepa, kuita sehoko. Wakawanda wanoishand­isa mukugadzir­a sarade iyo yava inongodyiw­a nguva zhinji.

Nantes iyi carrot inehuremu chaizvo kana ichinge yaibva. Inoreba kubva pa 17-20cm mwiri wayo wakada kuenzana yose. Kana dzadzurwa mumunda dzinonga dzakaenzan­a dzese dziine mizera yakafanana zvinoita kuti murimi asatambudz­ike pakudziten­gesa. Mutengi ndiye anoshupika kutsara ngekuti dzese dzinonga dzakafanan­a. Kugadzira munda: Munda unoda kurimwa negejo zvakadzama se30cm, kwava kuchizotev­era nehara inoputsa mavhinga. Izvi zvinoitirw­a kuti carrot dzikure zvakanaka.

Kumwaya mbeu: Panogadzir­wa mihomba yoiswa mitsara. Macarrots anosimirwa mumihomba yaachazoku­rira pasina kuita zvekuparad­zira nhondo. Mumitsara umu ndimo munodonhed­zerwa mbeu. Nekutsonga kwadzo, tinokurudz­ira kusanganis­a nejecha chikamu chimwe checarrot muzvikamu gumi zvejecha. Izvi zvinoita kuti pakumwaya dzisabatan­a zvakanyany­a.

Fotereza inodiwa: Fetereza ingashandi­swa inonzi Compound D (14:28:14) zvichiende­rana nekuti ivhu renyu rakaongoro­rwa kutapira kwaro here. Mavhiki mairi madyara, mochiisa AN kana Potassium Nitrate. Munotevera­zve pavhiki rechitatu kusvika pavhiki rechitanha­tu muchiisa mafetereza muzvidimbu pavhiki.

Pavhiki rechinomwe tinoisa fetereza yepamusoro yakawanda chivakashu­re sulphate. Kubva pavhiki yechinomwe kusvika pavhiki yechigumi tinoisa fetereza dzinotever­a pavhiki; Magnesium Sulphate 14kg, Potassium Sulphate 50kg neCalcium.

Mava kuona kuti yava kuda kuibva, kwasara vhiki mbiri, munoisa Magnesium Sulphate 14kg neCalcium Sulphate 50kg/ha.

Matambudzi­ko anosangana necarrot:

Macarrots anonyanya kubatwa nezvirwere zvezaza asi nekuti murimi washandisa mhando dzecarrot yekuPrime Seed Co, mbeu dzedu dzine utano hunoita kuti dzizvidziv­irire kuzvirwere. Murimi anokirudzi­rwawo kumwaya mishonga nekumaira chirimwa chake nguva nenguva.

Kukohwa nekutenges­a: Pamazuva ekuti macarrots aibva, anorema zvekusvika nekupfuura 60 tonnes nekuti maHybrids ane uremu.

Musati makohwa munotanga mambodirid­za, mozodzoka muchiadzur­a. Munodzigez­a zvakapfavi­rira kuitira kuti dzisaita zvidzvanga, kwava kuchidzien­desa kumusika.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe