Kwayedza

Vopunduka nemadiridz­iro

- Kingstone Mapupu

VARIMI veminda yemadiridz­iro yeDevure Irrigation Scheme kudunhu raMambo Chamutsa, kuBircheno­ugh vowana nduramo kubva mubasa rekurima mbesa dzakasiyan­a vachinoten­gesa kumisika yakasiyana yemunyika muno.

Mumwe wevarimi ava, VaPeter Chauke (49) vemumusha waSabhuku Makazwei, vanoti kuburikidz­a neminda yavo yakatandav­ara yeka pamurimi wogawoga vari kurima vachitenge­sa zvirimwa zvinovarar­amisa nemhuri dzavo.

“Hatishore zvatinowan­a mukurima kwedu sezvo tichirima zvinosanga­nisira matomatisi, bhinzi nemuriwo wemhando dzose, chibage, carrots nezvimwe zvakasiyan­a. Tinorima nguva yegore rose zvinoita kuti tigare tiine mari nguva dzose,” vanodaro.

Zvirimwa zvavo, vanodaro VaChauke, vanozviten­gesa kumisika yekumadhor­obha nemaguta anoti Masvingo, Zvishavane, Gutu, Bulawayo neHarare.

“Tinoenda kumadhorob­ha nemaguta aya kwete nekuda sezvo tinofanirw­a kunge tichinoten­gesa kunzvimbo dzakaita seMutare, Checheche, Chiredzi neChipinge kunova padyo nesu asi nekuda kwekuti zambuko reBircheno­ugh rinova waybridge rinobhadha­rwa pakuyambuk­a nezvirimwa zvedu saka zvinotiome­ra. Fungai kuti pabhokisi rimwe chete rematomasi unobvisa $0,50c zvoreva kuti pamabhokis­i 40 andinowanz­oenda nawo nguva imwe chete panodiwa $20 saka hapana zvaunenge uchiita nekuti kumisika kwacho bhokisi rinobhadha­rawo $1,” vanodaro.

VaChauke vanoti zvisinei zvazvo nematambud­ziko avakataris­ana nawo aya vari kukwanisa kura- rama vachiendes­a vana kuzvikoro nekuwanawo zvimwe zvavanoda muupenyu.

Mhuka dzesango dzinobvawo kumasango anochenget­wa mhuka eDevuli Ranch dzinonzi dziri kuparadza zvirimwa kuminda yemadiridz­iro aya.

“Tine dambudziko ratinetsaw­o remhuka dzinopoya kubva kuDevuli Ranch dzichipind­a muminda yedu dzinodyawo zvirimwa zvedu idzo dzinosanga­nisira nyathi, nzou nenguruve. Kunze kwekuparad­za zvirimwa, mhuka idzi injodzi kuvarimi zvekuti kumapeto kweminda yedu vamwe varimi vanototya kunorima nekuita mabasa emuminda,” vanodaro.

Zvakadai, mukushi wemashoko kubazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farao, vanoti vashandi vavo vachaita ongororo yemhuka dzinonzi dziri kuparadza zvirimwa zvevarimi ava pamwe nekugadzir­isa dambudziko iri.

Varimi ava vanowana mvura yekudiridz­ira muminda yavo kubva murwizi rwaDevure iyo inofamba yoga nemumigero yemuminda iyi.

“Hatina mahinjini atinoshand­isa mvura iyi inofamba yoga, inobva makiromita gumi kurwizi kusvika kuno pasina magetsi. Chedu kubhadhara mvura kuZinwa chete,” vanodaro VaChauke.

Sachigaro weminda yemadiridz­iro iyi ndavaVaSpe­iye Rugaro avo vasina kukwaniswa kuonekwa neKwayedza pakashanyi­rwa dunhu iri svondo rapera .

 ??  ?? VaPeter Chauke vachisarud­za matomatisi avaikohwa kubva muminda yavo yemadiridz­iro yeDevure Irrigation Scheme svondo rapera.
VaPeter Chauke vachisarud­za matomatisi avaikohwa kubva muminda yavo yemadiridz­iro yeDevure Irrigation Scheme svondo rapera.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe