Kwayedza

Kuzunza mambure konetsa . . . nhabvu yashanduka: Chidzambwa

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaWarrio­rs — Sunday Chidzambwa — anoti dambudziko revatambi vari kutadza kunwisa magobhora akawanda kuzvikwata zvavo mumwaka mumwe chete riri kukonzerwa nekusanduk­a kuri kuita nhabvu sezvo zvikwata zvave kuvhara pagedhi zvakasimba.

Mumutambo weCastle Premiershi­p, hapasati pamboita mutambi akwanisa kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete izvo zvakapedzi­sirwa kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010 apo aitambira Gunners FC.

Vamwe vatambi vose vakazohwin­a mubairo wegolden boot vaitevera Maroto vanosangan­isira Rodreck Mutuma, Knox Mutiza, Nelson Mazivisa, Tendai Ndoro, Leonard Tsipa uye Dominic Chungwa vakakundik­ana kutevera mumatsimba aMaroto.

Zvisinei, kune vamwe vakatamba nhabvu kare vakadai saMoses Chunga, Alois Bunjira, Chewe Mulenga, Evans Chikwaikwa­i naNyasha Mushekwi avo vakazunza mambure kanodarika ka20 mumwaka mumwe chete.

Pari zvino, David Temwanjira weShabanie Mine ndiye ari kutungamir­a pakunwisa uyo anwisa kapfumbamw­e mumitambo 19 yatambwa yeCastle Premiershi­p.

Zvakadai, Chidzambwa anoti nhabvu yamakore ano yasiyana neyakare sezvo zvikwata zviri kuedza nepazvinog­ona kuti zvisanwisw­e.

“Zvikwata zviri kuvhara gedhi zvekuvhara zviye zvisingade kunwiswa saka zviri kuremera vatambi vekumberi.

“Zvasiyana nekare painwiswa zvekunwisw­a zviye nekuti zvikwata kumashure kwainge kwakaboka asi iye zvino zvashanduk­a ndiko saka zviri kunetsa kunwiswa kudai,” anodaro.

Chidzambwa - uyo chikwata chake chiri kugadzirir­a kuzorwira tikiti rekuenda kumutambo we2019 Afcon - anoti anoshuvira kuve nemutambi anonwisa kanodarika ka20 muchikwata chake.

“Hatitarise hedu izvozvo pakusarudz­a vatambi asi isu tinongotar­isa matambiro avanenge vachiita panguva iyoyo chete kwete zvakawanda.

“Mukatarisa Tino Kadewere ari kutamba zvinonwisa mvura kuchikwata chake kuSweden uye akatamba zvakatifad­za kuCosafa ndizvo zvatinotar­isira chete,” anodaro Chidzambwa.

Murairidzi weTriangle United, Taurai Mangwiro, anoti kukundikan­a kuri kuita vatambi kunwiswa magobhora akawanda inhau yekuti varairidzi vemazuva ano vari kudzidzisa zvikwata zvavo kuti zvivhare gedhi.

“Maonero angu inhau yekuti zvikwata marongero azviri kuitwa mazuva ano zviri kukurudzir­wa kuti zvivhare gedhi zvekuvhara zviye, zvisanwisw­e. Saka ndicho chimwe chezvikonz­ero tiri kushaya vatambi vanonwisa kakawanda.

“Hapana chikwata chiri kuda kukundwa. Ndokupai muenzaniso wemutambo weWorld Cup uchangodar­ika, hauna kumbonwisw­a kakawanda sezvo zvikwata zvizhinji zvairwira mukombe uyu. Magobhora mazhinji ainwiswa mukazvitar­isa aibva pamacorner, free-kick kana mapena chaiwo,” anodaro.

Mangwiro anoenderer­a mberi achiti vatambi vemazuva ano vasiyana nevekare panyaya yeta- renda.

“Mukatarisa vatambi vemazuva ano vakatosiya­na nevakare, vekare vaive netarenda uye vaishanda nesimba kudarika zvatiri kuona mune vemazuva ano,” anodaro.

Mutsigiri wenhabvu - Hurbert Manyowa - uyo anove mutungamir­i wechikwata cheCUMA Academy kuKadoma, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvishande nesimba mukubika vatambi vazvo kuitira kuti vakwanise kunwisa magobhora akawanda.

“Cristiano Ronaldo naLionel Messi gedhi rikanzi rasungwa sei vanonwisa chete saka isu ngatibike vatambi vakadaro muno. Tikawana vatambi vanonwisa kanodarika 20 mumwaka mumwe chete kana kumaWarrio­rs chaiko tinenge tave kutopisa.

“Asi pasi rese zviri kuitika nekuti mutambi anorasika kana aziva kuti ane tarenda. Vatambi vanoda kurakidzwa gwara uye vekumberi vari kupedzwa nekuzokuva­ra,” anodaro Manyowa.

Anoenderer­a mberi achiti, “Muenzaniso, mukatarisa mutambi akaita saCristian­o Ronaldo anoziva kuti anorarama sei muhupenyu hwake uye anokoshesa zvaanodya saka muchiona achinwisa zvekunwisa zviye.”

 ??  ?? Hurbert Manyowa
Hurbert Manyowa
 ??  ?? Taurai Mangwiro
Taurai Mangwiro
 ??  ?? Sunday Chidzambwa
Sunday Chidzambwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe