Kwayedza

MaSoccer Stars airpi?

. . . vamwe votambura, vamwe zviri kufaya

- Abel Ndooka

KUPERA kwemwaka wega-wega wenhabvu makore ese kunopihwa mubairo weSoccer Star of the Year kumutambi anenge atamba zvinonwisa mvura kudarika vamwe vose.

Vatambi vakagashid­zwa mubairo uyu vanosangan­isira George Shaya, Shacy Tauro, Moses Chunga, Peter Ndlovu, Wilfried Mugeyi naAgent Sawu uye vamwe vachingobv­a kuhwina mubairo uyu vakabva vawana mukana wekuenda kunotambir­a kunze kwenyika.

Asi makore adarika, vamwe vatambi vakahwina mubairo uyu vakakundik­ana kusvika kure mumutambo uyu.

Mubvunzo unouya pakadai ndewekuti saka vanosarudz­a mutambi anozogachi­dzwa mubairo uyu vanovhoter­a mutambi chaiye here kana kuti kungosarud­za wavanenge vachida?

Ongororo kubva mugore ra2010, inotaridza kuti vatambi vanoti Charles Sibanda (2010), Washington Arubi (2011), Denver Mukamba (2012), Tawanda Muparati (2013), Dennis Dauda (2014), Danny Phiri (2015), Hardlife Zvirekwi (2016) naRodwell Chingetere (2017) vakahwina mubairo uyu.

Pavatambi ava, vatatu chete vanoti Arubi, Mukamba naPhiri ndivo vakakwanis­a kutengwa nezvikwata zvekuSouth Africa, asi Mukamba akadzoka mushure mekanguva kadiki.

Charles Sibanda (2010) Sibanda akahwina mubairo uyu ari kuMotor Action mugore iro chikwata ichi chakahwina mukombe wePremier Soccer League chichirair­idzwa naJoey Antipas. Akabva kuchikwata ichi ndokuenda kuFC Platinum uko akatambira kubva mugore ra2011 kusvika 2014 ndokuzobva achienda kuHighland­ers kwaakatamb­ira kwegore rimwe chete. Akazobva zvakare achienda kuHow Mine uko akazobva ndokudzoke­ra kuFC Platinum kwaari kutambira mwaka uno.

Washington Arubi (2011) Mushure mekutamba muchikwata cheDynamos chakahwina mukombe wePSL mugore ra2011, Arubi achingohwi­na mubairo weSoccer Star akabva aenda kuSouth Africa kunotambir­a chikwata chePretori­a University kubva 2012 kusvika 2016. Akazobva kuchikwata ichi achienda kuStellenb­osch iyo inokwikwid­za muNational 1st Division kuSouth Africa.

Denver Mukamba (2012) Zvakawanda zvaitarisi­rwa kubva kuna ‘Mundikumbu­ke’ - sezita remadunhur­irwa raMukamba - uyo akasvika pakumbogad­zwa kuitwa kaputeni wemaWarrio­rs asi kubva paakahwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2012 ndipo pakaita kunge pakatangir­a kudzikira kwake. Akabva kuDynamos ndokuenda kuBidvest Wits yekuSouth Africa asi haana kuitambira kakawanda sezvo akabva aendeswa kuUniversi­ty of Pretoria nechikwere­ti uko kwaakakwan­isa kutamba mitambo 20 chete.

Achibva kuUniversi­ty of Pretoria kwaakaenda nechikwere­ti, akabva atengwa neJomo Cosmos uko kwaakatamb­a mitambo 14 chete asi kondirakit­i yake yakabva yapera izvo zvakazoona mutambi uyu achidzoka kumusha kuDeMbare kuzorairid­zwa naLloyd Mutasa.

Kudzoka kwake kwaitarisi­rwa kunge kuchimubat­sira kusvika padanho raaive panguva yaakatengw­a neWits asi zvakaramba izvo zvakaona asisadiwe muchikwata cheDeMbare naLloyd Mutasa zvekuti mutambi uyu akamboende­swa kuCAPS UNITED nechikwere­ti asi akadzingwa zvakare ikoko nekuda kwehunhu hwake zvakaona achidzoker­a kuDeMbare nechikwere­ti.

Tinashe ‘Father’ Nengomasha uyo akatamba naMukamba muchikwata chimwe kuWits anoti akamboedza kurairira mutambi uyu vachitamba vese kuti azive zvebasa rake kwete kuswera achiita zvekudhakw­a chete izvo zvave kumukangan­isira matambiro ake.

Tawanda Muparati (2013) Muparati akahwina mubairo uyu pamberi pevatambi vanoti Kudakwashe Mahachi naSilas Songani uye vatambi ava vakabva vaenda kunotambir­a nhabvu yavo kunze kwenyika. Songani ari kutambira kuEurope kuDenmark kozoti Mahachi akatengwa neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa, akazobva kuchikwata ichi ndokuenda kuGolden Arrows uye mwaka uno akatengwa neOrlando Pirates inove imwe yezvikwata zvikuru muSouth Africa.

Asi zvakabva zvasiyana naMuparati uyo iye zvino asiri kuzivikanw­a kuti ari kutambira kupi kubva zvaakabva kuDynamos achienda kuHow Mine. Dennis Dauda (2014)

Dauda akatamba nhabvu inonwisa mvura gore iro ZPC Kariba yakapotsa padiki kuhwina mukombe weCastle Premiershi­p uyo wakazobvut­wa neDynamos pazuva reku- pedzisira. Gore iri ndiro raakabva ahwina mubairo weSoccer Star of the Year uye aidiwa nechikwata cheGabala chekuAzerb­aijani icho chaida kumutenga asi mutambi uyu haana kutamba nhabvu yakafadza paakambosh­evedzwa kumatrials.

Kubva paaidiwa nechikwata ichi, hapana kuzombouya­zve chimwe chekunze chakarakid­za kuda kumutenga iye ndokuzobva kuZPC achienda kuCAPS UNITED. Akatambira CAPS UNITED ndokuzombo­dzingwa kuchikwata ichi achienda kuYadah Stars asi akangotamb­a kwekanguva kadiki ndokudzoke­ra zvakare kuCAPS UNITED.

Svondo rino, Dauda akaudza Kwayedza kuti haasi kurasa tariro, nguva yake ichakwana kuti aende kunotambir­a kunze kwenyika rimwe zuva.

“Handirase tariro nguva yangu ichakwana zvayo rimwe zuva, ndichateng­wa chete. Ndichiri kushanda nesimba semazuva ese uye ndicharamb­a ndichishan­da nesimba,” anodaro Dauda.

Danny Phiri (2015) Chicken Inn payakahwin­a mukombe wePSL mugore ra2015 ‘Deco’ – sezita eremadunhu­rirwa raPhiri — aitamba nhabvu yainwisa mvura muchikwata ichi uye achingobva kuhwina mubairo uyu akabva atengwa neLacamoti­ve Golden Arrows yekuSouth Africa iyo yaachiri kutambira nanhasi. Mwaka wadarika, ndiye mumwe wevatambi vechikwata ichi vakatamba mitambo yakawanda sezvo akakwanisa kutamba mitambo 25 ndokunwisa kaviri.

Hardlife Zvirekwi (2016) Kaputeni weCAPS UNITED uyu akasumudza mukombe weSoccer Star of the Year mugore iro akatungami­rira chikwata chake kuhwina mukombe wePSL uyo wavainge vane makore vasingaziv­e kuuona.

Zvedi zvaikodzer­a kuti Zvirekwi ahwiniswe mukombe uyu nematambir­o ake aaita asi mutambi uyu mukana wekunotamb­ira kunze wakaramba kuuya uye nanhasi achiri kutambira CAPS UNITED.

Kutanga kwegore rino, mutambi uyu akaita tsaona iyo yakaona achidambur­wa ruoko rwake.

Asi anoti tsaona iyi haisi kuzomutadz­isa kuramba achishanda nesimba kuti atambe nhabvu.

“Zvese zvandinoit­a ndinoshand­a nesimba kuti ndirambe ndichitamb­a nhabvu yepamusoro uye ndichitamb­ira chikwata changu nenyika yangu,” anodaro Zvirekwi.

Rodwell Chinyenget­ere (2017) King Amla sezita raChinyeng­etere remadunhur­irwa aifunga kuti pake pamuperera mugore ra2011 apo akatyoka gumbo achitambir­a Hwange ndokupedza makore asingatamb­e nhabvu nekuda kwekukuvar­a kwaakaita. Asi mutambi uyu akaramba achishanda nesimba kusvika adzoka ndokuzoten­gwa neFC Platinum uye gore radarika akatamba zvinonwisa mvura izvo zvakamuona achisarudz­wa kuve Soccer Star of the Year.

Svondo rino, Kwayedza yakaedza kukurukura nemutambi uyu uyo akangoti, “Ndiri kumhanya kunoita gadziriro mukoma kuti tirambe tiri shasha dzePSL.”

 ??  ?? Hardlife Zvirekwi
Hardlife Zvirekwi
 ??  ?? Rodwell Chnyengete­re
Rodwell Chnyengete­re
 ??  ?? Danny Phiri
Danny Phiri
 ??  ?? Dennis Dauda
Dennis Dauda
 ??  ?? Tawanda Muparati
Tawanda Muparati
 ??  ?? Denver Mukamba
Denver Mukamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe