Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Juliet Sharon Tom

DHUMUKWA Ndebele: Mziki English: Waterbuck DHUMUKWA rinozivika­nwa nekuva nedendered­zwa jena iro rakapotere­dza panotangir­a muswe waro. Iyi imhuka huru ine rembe rine mvere dzakareba pamutsipa nemuswe une pfunha nhema.

Mhuka iyi ine ruvara rwupfumbu asi rwakanosvi­birira senhoro. Nzeve dzacho ipfupi dzakaita kunge denderedzw­a dziri chena mukati.

Mabhuru bedzi ndiwo ane nyanga refu idzo dzakanonge­dza mudenga asi kunzonzoda kwadzo kwakaringa mberi.

Bhuru redhumukwa rinogona kurema 250 kusvika 270kgs rakareba 1.3m pachityu asi mhou idiki zvishoma.

Ganda redhumukwa rinoburits­a tumafuta tune hwema hunonhuwa izvo zvinonzi zvinodzing­a zvikara zvesango kana vanhu. Ikadzingir­irwa, mhuka iyi inotizira mumvura apo mafuta ane hwema anobatsira kuti ganda rayo risatote.

Dhumukwa rinofarira kugara munzvimbo dzine mvura (ndokusaka kunzi waterbuck paChiRungu). Dzinowanzo­gara dziri danga rine mhuka shanu kusvika gumi asi dzinokwani­sa kuwanda kusvika 30.

Zvimhuru mabhuru zvinowanzo­dzingwa muchikwata pazvinongo­mera nyanga apo zvinozofam­ba zviri muchikwata chazvo zvoga (bachelor herds).

Mhuka iyi inofura sora, kunyanya huswa hwakareba, asi inogona kuraramawo nemashizha emiti. Kana yava nemakore matatu, mhuka iyi inokwanisa kuita zamu iro rinobarwa mhuru imwe chete kwapera mwedzi minomwe kana mipfumbamw­e.

Dhumukwa harimhanye zvakanyany­a nekuda kwemuviri waro wakakura izvo zvinoita kuti rirarame kuzvikara nekugara munzvimbo dzarisinga­onekwe nyore nezvikara kana kuti pedyo nemadziva.

Zvinonzi kahwema kanoburits­wa nemhuka iyi kanoita kuti nyama yacho isafarirwe nezvikara zvesango kana nevanhu. Zvisinei, pane pakawanda panoonekwa shumba dzichidya dhumukwa.

Zvinonzizv­e nyama yedhumukwa inongori mvura-mvura izvo zvinofungi­dzirwa kuti zvinokonze­rwa nekuti mhuka iyi inorarama munzvimbo dzine mvura nehunyoro hwakawanda. Asi chokwadi ndechekuti nyama yedhumukwa inodyiwa uye haina mvura yakawanda sezvinofun­gwa nevakawand­a.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa - Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion - Richard Estes

The Complete Guide of Southern African Mammals - Gus Mills and Lex Hes

 ??  ?? Dhumukwa
Dhumukwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe