– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE –
DHUMUKWA Ndebele: Mziki English: Waterbuck DHUMUKWA rinozivikanwa nekuva nedenderedzwa jena iro rakapoteredza panotangira muswe waro. Iyi imhuka huru ine rembe rine mvere dzakareba pamutsipa nemuswe une pfunha nhema.
Mhuka iyi ine ruvara rwupfumbu asi rwakanosvibirira senhoro. Nzeve dzacho ipfupi dzakaita kunge denderedzwa dziri chena mukati.
Mabhuru bedzi ndiwo ane nyanga refu idzo dzakanongedza mudenga asi kunzonzoda kwadzo kwakaringa mberi.
Bhuru redhumukwa rinogona kurema 250 kusvika 270kgs rakareba 1.3m pachityu asi mhou idiki zvishoma.
Ganda redhumukwa rinoburitsa tumafuta tune hwema hunonhuwa izvo zvinonzi zvinodzinga zvikara zvesango kana vanhu. Ikadzingirirwa, mhuka iyi inotizira mumvura apo mafuta ane hwema anobatsira kuti ganda rayo risatote.
Dhumukwa rinofarira kugara munzvimbo dzine mvura (ndokusaka kunzi waterbuck paChiRungu). Dzinowanzogara dziri danga rine mhuka shanu kusvika gumi asi dzinokwanisa kuwanda kusvika 30.
Zvimhuru mabhuru zvinowanzodzingwa muchikwata pazvinongomera nyanga apo zvinozofamba zviri muchikwata chazvo zvoga (bachelor herds).
Mhuka iyi inofura sora, kunyanya huswa hwakareba, asi inogona kuraramawo nemashizha emiti. Kana yava nemakore matatu, mhuka iyi inokwanisa kuita zamu iro rinobarwa mhuru imwe chete kwapera mwedzi minomwe kana mipfumbamwe.
Dhumukwa harimhanye zvakanyanya nekuda kwemuviri waro wakakura izvo zvinoita kuti rirarame kuzvikara nekugara munzvimbo dzarisingaonekwe nyore nezvikara kana kuti pedyo nemadziva.
Zvinonzi kahwema kanoburitswa nemhuka iyi kanoita kuti nyama yacho isafarirwe nezvikara zvesango kana nevanhu. Zvisinei, pane pakawanda panoonekwa shumba dzichidya dhumukwa.
Zvinonzizve nyama yedhumukwa inongori mvura-mvura izvo zvinofungidzirwa kuti zvinokonzerwa nekuti mhuka iyi inorarama munzvimbo dzine mvura nehunyoro hwakawanda. Asi chokwadi ndechekuti nyama yedhumukwa inodyiwa uye haina mvura yakawanda sezvinofungwa nevakawanda.
. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:
Field Guide to the Larger Mammals of Africa - Chris and Tilde Stuart
The Safari Companion - Richard Estes
The Complete Guide of Southern African Mammals - Gus Mills and Lex Hes