Kwayedza

MWANA AKAROVA AMAI AVABATA NECHIKOMBA

. . . ndokutiza vachisiya chipfeko chemukati ‘. . . hamunyare baba makaita sei?’

- Freedom Mutanda

KAKOMANA kane makore 13 ekuberekwa (katisingak­wanise kubudisa zita rako) svondo rapera kakaita hushingi hwekurova amai vako apo kakavabati­kidza vachiita chipfambi nechikomba musango rekupurazi yeFarm 29 Woods Close, pedyo neSection 7, kuMiddle Sabi.

Amai ava vakabva vatiza vachisiya chipfeko chavo chemukati, izvo zvakashami­sa vanhu vemunharau­nda.

Nyaya iyi yakazobuda pachena apo mwana uyu akarova amai vake achivashor­a kuti havatende kuchengetw­a kwavanoitw­a nababamudi­ki vake kwemakore gumi adarika, avo vanomira sababa uye vakaita vose vana vavatu.

Babamudiki ava vanonzi vanotora kakomana aka semwana wavo wekubereka.

Chipo Dhliwayo (36) anonzi akazodzose­ra mwana wake uyu achimurova­wo achibva amudzingir­ira mukomboni kusvika amubata.

Mwana uyu ndipo paakazoudz­a vanhu vemukombon­i iyi kuti ainge abatikidza amai vake vaine chikomba, ndokuti ane umbowo uyewo kana vachinge vakazvipir­a, vamutevere kusango.

“Takamuteve­ra kusango uko takanoona chisionekw­i, chipfeko chemukati chaamai vake chaive chiri musango.

“Patakazobv­unzurudza Dhliwayo, akadura kuti mudiwa wake ndiMbwetet­e. Hatina kana kuzvibvuma tichibva tamirira murume wacho, Witness Meure (48) kuti auye,” vanodaro VaHappias Sithole vanove mugari wenzvimbo iyi.

Dhliwayo nemurume wake vanonzi vazoenda kuMiddle Sabi Police Station kuti vanoyanani­swa uko mupurisa asina kuda kudurwa zita rake anoti vakazonzi vaende kunobatsir­wa nemazano nevatungam­iriri vemunzvimb­o yavo.

Zvino vaviri ava vanonzi vari kugara vose mushure mekupangwa mazano kubva kune vechikuru vemunharau­nda yeMiddle Sabi.

Dhliwayo nemurume wake vane vana vatatu vose uye vakarooran­a makore gumi adarika.

Meure naMbwetete vanoita mabasa ekurima uye vanozivana zvakanyany­a.

 ??  ?? Mwana akabatikid­za amai vake nechikomba.
Mwana akabatikid­za amai vake nechikomba.
 ??  ?? Chipo Dhliwayo
Chipo Dhliwayo
 ??  ?? Chipfeko chaChipo Dhliwayo chaakasiya musango.
Chipfeko chaChipo Dhliwayo chaakasiya musango.
 ??  ?? Witness Meure
Witness Meure
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe