Kwayedza

‘Imhosva kuonerera amai nekuvabata nechikomba’

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti kana mwana akaona amai vake vaine chikomba haana mvumo kana kodzero yekuvabvun­za.

Vanoti kana mwana akabatikid­za amai vake vachisasan­a nechikomba, haatenderw­e kana kuzviti bufu kuna baba vake kana kuudzawo vamwe vanhu sezvo kuita izvi kuchitori kuporomora mhosva yengozi kana kuzova nemunyama.

Izvi zvinotever­a nyaya yekakomana kekuMiddle Sabi, kuManicala­nd, ako kari kunzi kakarova amai vako, ndokuvadzi­ngirira vasina chipfeko chemukati mushure mekunge avabatikid­za vaine chikomba chinonzi Mbwetete musango.

Votaura nezvenyaya iyi, Sekuru Charles Makwiyana Ndunge (88) vekuSouth Downs, kuChipinge, vanoti kunyange amai vakaita chipfambi cherudzi rwupi, mwana haakwanise kuzvireva kana kuvatsiudz­a.

“Amai havasi shamwari yako, kuvati amai muri pfambi watopara ngozi. Kana kuvawana vakagara beya haubvumirw­e kuvati amai garai zvakanaka. Ukavawana vachiita bonde, tiza usamboonek­wa zvachose.

“Iye mukomana uyu pamwe munhu iyeye waanoti chikomba chaamai ndiye baba vake chaivo, anozviziva sei? Nekuti amai ndivo n’anga inoziva chokwadi,” vanodaro.

Vanoti mwanakakom­ana uyu anotofanir­wa kuenda kumadzisek­uru onokumbira ruregerero, oripa amai vake.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaPatric­k Kapfunde (50) vekuMt Darwin. “Mwana uyu akapara ngozi huru. Angadai akatiza paakaona amai vake vachisasan­a nechikomba. Ukatoona zvakadaro, verera amai vasakuone,” vanodaro.

Mbuya Callister Magorimbo (51) vekuDzivar­esekwa Extension, muHarare, vanotiwo kunanga amai chipfambi imhosva.

“Nyaya iyi inotyisa, amai ava vakafa vasina kuripwa mweya wavo uchadzoker­a mwana uyu. Pachivanhu unotonzi ndiwe mwana warara naami vako nekungotau­ra, zvino uyu akatovarov­a . . . ingozi,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti imhosva yakaparwa nemwana uyu.

“Kunyange uchitoziva, hauna mvumo yekuudza amai kuti muri pfambi. Zvino uyu akatovatev­era kusango uko vaisasana nechikomba chavo, achazvione­ra. Achatanda botso. Uku ndiko kunonzi kuonerera amai. Chikomba chaamai hachirohwe, unetenge warova ivo,” vanodaro.

Asi Fatso Cryson Marova (40) wekuMbare anoti hapana chinoshami­sa kuti arwe shanje dzababa vake kana amai vachiita chipfambi.

“Kurega baba vangu vachitorer­wa mukadzi nechikomba ini ndiripo? Saka tichinzi vana vakomana ndisu vanababa pamusha. Zvino kana ndorega musha uchipinda nhiriri ndiripo ndiko kuti kudii?

“Hatimbotii baba vangu vachishand­ira kunze vosvikowan­a pamba pave kugara chimwe chikomba, ndinochiri­kita zvekuchibv­isa mazino naamai vacho ndinovadzi­nga voenda zvavo. Handisiye musha wababa vangu uchiparara ndakayeva,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe