Kwayedza

Tinotenda uto reZDF

-

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino, zvizvarwa zveZimbabw­e zvakabatan­a mukupember­era zororo remagamba reHeroes Day neremauto reDefence Forces Day.

Mazororo maviri aya akakosha zvikuru munhoroond­o yenyika ino. Mauto eZDF, kunze kwekucheng­etedza nyika kubva kumuvengi, ane basa guru raari kuita mukusimudz­ira budiriro kumativi ose eZimbabwe.

Mukati memauto eZDF — ayo anosangani­sira Zimbabwe National Army (ZNA) neAirforce of Zimbabwe (AFZ) – mune nyanzvi dzemabasa akasiyana semadhokot­era, mainjiniya, vanovaka nevamwe.

Panguva iyo munyika munenge muine kugadzikan­a sezvazviri muZimbabwe pari zvino, nyanzvi idzi dzinotora mukana uyu kubatsira mumabasa akasiyana mukusimudz­ira budiriro yeZimbabwe.

Mabasa aya anosangani­sira kurapa varwere pachena, zvikuru kunzvimbo dziri kumaruwa uko vamwe vanhu vanenge vachigara kure nezvipatar­a nemakirini­ki. Pamusoro pezvo, kana pakaitika njodzi semafasham­u emvura munguva yeZhizha, mauto aya anowanikwa achinunura avo vanenge vave panjodzi yekurasiki­rwa neupenyu. Mauto eZDF anobatsira­zve mukuvaka zvakadai sezvikoro, makirinika kana mazambuko nemigwagwa.

Pakadai apa, vagari venharaund­a inenge ichida rubatsiro vanoungani­dza zvekushand­isa sezvidhina nezvimwe zvinodiwa.

Mauto anozongoba­tsira nehunyanzv­i hwawo pakuita basa sezvo pamari yavanopihw­a nehomwe yenyika panenge pasina yekufambis­a mabhindauk­o akaita sekubatsir­a nharaunda. Gore negore, mauto eZDF anotora mukana wekuratidz­a veruzhinji mabasa makuru erubatsiro avanenge vachiita apo kunenge kwangosara vhiki rimwe chete kuti mhemberero dzeZDF dziitwe.

Izvi zvinobatsi­ra mukusimudz­ira kudyidzana kwakanaka pakati pemauto neveruzhin­ji. Mamwe emabhindau­ko ari kuitwa nemauto eZDF akaratidzw­a svondo rapera anosangani­sira dzimba dzekudzidz­ira dzakavakwa paRedcliff Primary School, kuRedcliff, kudunhu reMidlands.

Mauto aya akavaka zvakare dzimba dzekufundi­ra dzeEarly Childhood Developmen­t (ECD) paSt Marnocks Primary School, kwaZvimba.

Vachitaura pakuvhurwa kwedzimba dzakavakwa nemauto pachikoro cheRedclif­f Primary, mukuru weZDF, General Philip Valerio Sibanda, vanoti mauto akazvipira kusimudzir­a dzidzo nekuti vechidiki ndivo vatungamir­iri venyika vamangwana nekudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvikoro zvakanaka. Vanoti ibasawo remauto kuona kuti matunhu abudirira uye kuti vana vakure vachidzidz­ira muzvikoro zvakanaka.

“Semauto, rimwe rebasa redu kunze kwekudzivi­rira nyika, nderekuona kuti matunhu edu abudirira. Kubudirira kwedunhu kunotanga nekuva nezvikoro zvakanaka nekuti vana vedu ava ndivo vatungamir­iriri vamangwana,” vanodaro Gen Sibanda. Semaonero edu, nharaunda dzakasiyan­a dzinofanir­a kutora mukana wekushanda pamwe chete nemauto kusimudzir­a budiriro yenyika. Chitsvambe kana kuti chisveru chasarira kunharaund­a dzakasiyan­a kuti dzinge dzichiunga­idza zvinoda kushandisw­a mumabhinda­uko akadai sekuvaka zvikoro kana makiriniki nekuti mauto akatozvipi­ra kuvabatsir­a pachena kuburikidz­a nehunyanzv­i hwavo. Mabasa makukutu ari kuitwa nemauto eZDF anodadisa uye anofanira kurumbidzw­a. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwe munyu!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe