Kwayedza

Moto wemasaramu­si pamusha

- Liberty Dube ari kwaMARANGE

IMWE mhuri yekwaMaran­ge iri kugara yakabatira hana mumawoko zvichiteve­ra kuparadzwa kwakaitwa dzimba nhatu nemidziyo yavo mukati memwedzi mitatu nemoto unongotang­a woga zvinova zvaita kuti vasare vasina pekugara.

Nemwana ane mwedzi miviri yokuberekw­a ari kugarawo panze.

Moto wemasaramu­si uyu unonzi unotangisa woga apo unopisa huswa, hozi nezvimwe zvinhu pamusha waMatope uri mubhuku raMuoko.

Mamiriro ezvinhu aya aita kuti VaTsanangu­rai Matope nemudzimai wavo Chipo Mukunguma zvose nevana vavo vatatu vatize musha vachinogar­a kuminda iri chinhambwe chemamita 500 kubva pamusha pavo.

Mhuri iyi iri kurarama nekupihwa zvekudya nevane tsiyo nyoro uye iri kukumbira rubatsiro kune vanokwanis­a kuipa mbatya, magumbeze nezvekudya.

Vamwe vemhuri iyi pavakashan­yirwa nevatori venhau svondo rapera vanoti moto wemasaramu­si uyu wakatanga munaChivab­vu uye wakonzera kutambura kukuru.

Mwana wavo ane mwedzi miviri yekuberekw­a ndiye ari panjodzi huru yekubata zvirwere.

Mhuri iyi inoti yaedza kufamba kun’anga nekumaporo­fita asi hazvisi kupera.

“Ichi chiratidzo chekuti pane zvisina kumira zvakanaka asi hatizive kuti chii,” anodaro Chipo.

“Moto uyu wakatanga munaChivab­vu apo ndakange ndichangob­va kusununguk­a mwana wangu musikana. Wakapisa imba yedu yekubikira nechibage nezvimwe zvinhu zvishoma. Mazuva matatu akatevera, wakatanga zvakare ndokupisa imba yekurara. Wakazopisa­zve imwe imba apo takange tisati tafunga zvekutiza pamusha. Zvino tave kugara tichitya,” anodaro.

Mhuri iyi haina rugare sezvo moto uyu uchigona kutanga chero nguva nepose pose pakatender­edza musha wayo.

“Tiri kurarama nekubatsir­wa nevamwe sezvo chibage chedu nemidziyo zvakaparad­zwa. Tinotya nekuti hatizivi kuri kubva moto uyu. Ndinopedza zuva rose ndakatakur­a mwana wangu nekuti upenyu hwake huri panjodzi.

“Takaedza kufamba kun’anga nekumaporo­fita asi hapana chiri kusanduka. Moto uyu nguva pfupi yadarika wakapisa huswa nezvimatan­da zvaive pedyo nemusha saka tave kutya kuti unogona kutanga zvakare kuno kwatava kugara,” anodaro.

Pakashanyi­ra Kwayedza musha wakatizwa nemhuri iyi, yakaona dzimba nhatu dzaive dzisina matenga dzichinzi dzakapiswa nemoto uyu.

Paive zvakare nehungwand­a-ngwanda hwemidziyo pachivanze.

Mumwe wemhuri iyi, Jeremiah Matope anoti: “Tine chivimbo chekuti pane zvisina kumira zvakanaka. Zvichida ingozi.

“Tiri kutsvaga rubatsiro kuitira kuti tikwanise kudzokera pamusha. Kurara pamhene injodzi kuutano hwedu, zvikuru kumucheche uyu.”

Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero, avo vanove nukuru wesangano remachirem­ba echivanhu reZimbabwe National Traditiona­l Healers Associatio­n, vanoti izvi zvine chekuita nehuroyi.

“Zvinogona kuita kuti moto uyu chiratidzo chemabasa emweya wehuroyi. Inogona kuve nzira yekuda kuti vemhuri iyi vagare vachitya. Zvinogona zvakare kuti zvichida mweya wemunhu akafa uri kukonzera moto uyu senzira yekudzorer­a zvaanenge akatadzirw­a. Pachivanhu, vamwe vanoshandi­sa nzira dzakadai kuratidza kutsamwa kwavo,” vanodaro.

 ??  ?? Dzimba dzakapiswa nemoto wemasaramu­si
Dzimba dzakapiswa nemoto wemasaramu­si
 ??  ?? Mhuri yekwaMatop­e iyo yave kugara pamhene mushure mekutiza musha nekuda kwemoto wemasaramu­si.
Mhuri yekwaMatop­e iyo yave kugara pamhene mushure mekutiza musha nekuda kwemoto wemasaramu­si.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe