Kwayedza

Mukadzi wemunhu oudza murume wemunhu . . .

‘Ingoti pwe, ndine foto yako uri musvo mufoni’

- Muchaneta Chimuka

MUSHANDI wekambani yeDelta Corporatio­n anoti akatemwa nebhodhoro redoro ndokukuvar­a padama nepahuma nemumwe mudzimai wekuChitun­gwiza uyo ari kumupomera­wo kuti akamutumir­a mufananidz­o wesikarudz­i yake panhare achimukumb­ira bonde.

Silvanos Murevesi (36) wepanhamba 4307 Kuwadzana 5, muHarare, ndiye akamhan’arira Monica Kademaunga (32) wepa6154 Unit J, kuChitungw­iza, kudare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts achiti akamutema nebhodhoro redoro zvikaita kuti akuvare.

Mutongi wedare iri, Gideon Kuvetsa, anoti nyaya iyi ichaendere­ra mberi nekutongwa musi wa28 Nyamavhuvh­u uye Kademaunga anenge achitongwa achibva kunze mushure mekubvisa bhero re$30.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi waChikungu­ru 14 munguva dzemanheru, Murevesi ainwa doro paShamwari Joe Night Club iri kuUnit J, kuChitungw­iza, apo akasangana nemusungwa achibva amutema kaviri nebhodhoro redoro pahuma nepadama izvo zvakaita kuti akuvare.

Matsamba ekwachirem­ba akamurapa akaburitsw­a mudare seumbowo.

Asi Kademaunga ari kurambisis­a mhosva iyi achiti pazuva iri aive nemurume wake.

‘‘Anoti murume wake paakatsauk­a achinobati­dza fodya, ndipo paasangana naMurevesi aine shamwari yake achibva atanga kuda kumupa mari achikumbir­a bonde kwaari achiti aiva pfambi.

“Ini mhosva yekutema mumhan’ari nebhodhoro ndinoiramb­a nekuti pazuva iri handina kana kumbobata bhodhoro kana kunwa hwahwa. Nyaya iripo ndeyekuti iye mumhan’ari ndiye aida zvekushinh­a neni, akanditi aida kundipa mari yekubhadha­ra bonde ini ndikaramba ndichimuud­za kuti mudzimai wake wechipiri wandaigara naye kuKariba yaiva shamwari yangu uye ini ndine murume wangu.

“Ndiye Murevesi ainge akatodhakw­a zuva iri achitodonh­era pamapfudzi pangu,” anodaro.

Anoti Murevesi akatora nhamba dzake dzenhare kubva mufoni yeshamwari yake achibva atanga kumutumira mifananidz­o yenhengo yake yakavandik­a achimupfim­ba.

“Ndine mifananidz­o yechinhu chake yaainditum­ira achiti ndiwone nekuti aive nefungidzi­ro yekuti rimwe remazuva achawana mukana wekuenda neni pamubhedha ndichimupa bonde, saka ndizvo zviri kumurwadza.

“Kana dai ndakamutem­a nebhodhoro aizotora here mazuva manomwe asina kunorapwa nekuti ini ndakatozos­hevedzwa nemapurisa musi wa21 vachiti ndine nyaya yekutema munhu nebhodhoro zvikatondi­shamisa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Musi wataenda kumapurisa, murume wangu akatoshami­sika kuona Murevesi akatopfeka kepesi yake nhema iyo takashaya musi watanetsan­a. Murume wangu ndiye akatokanda mbama kushamwari yake inova mufakazi munyaya iyi mushure mekunge ataura mashoko ekuti ‘tiri kutsvaga mah**re ema$ for 2 atakanzwa nembiri yekuti anowanikwa kuno kwaChikwan­ha’. Saka paakati iri harisi here rimwe h**re racho kureva ini, ndipo paakakandw­a mbama nemurume wangu.”

Kademaunga akaunza shamwari yake yaanoti yaiona zvose zvaiitika inova ichamira semufakazi.

Zvisinei, mufakazi waMurevesi anonzi Chitambina Chitambina (40) wepanhamba 6532 Unit J, anotiwo akaona Kademaunga achitema Murevesi nebhodhoro achimupome­ra mhosva yekusabhad­hara mari yemendenen­zi yakakwana yemwana waakaita neshamwari yake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe