Kwayedza

Gudo pfacha parufu

- Andile Tshuma

VANHU vaive parufu kuDonningt­on, kuBulawayo, svondo rapera vakashamis­wa zvikuru apo gudo rakangoere­kana rasvika pane imwe kambani inoviga vafi, zvikaita kuti zvirongwa panhamo iyi zvimbomisw­a.

Vamwe vevakaona mashura aya vanoti vanhu vaive parufu vakatiza apo gudo iri rakatanga kukanyaira richitende­rera panzvimbo iyi.

Gudo iri rinonzi rakazokwir­a pamusoro pemba dzepakamba­ni iyi mumugwagwa waGoderich Avenue.

Mumwe mushandi wekambani inoviga vafi iyi anoti vakave nenguva yakaoma apo vakaedza kudzikamis­a vanhu vaivepo.

“Pakaita kusagadzik­ana kukuru apo vanhu vaida kusiya zvirongwa zvekuviga mufi. Vamwe vakatanga kupomerana nyaya dzehuroyi asi takakwanis­a kuvadzikam­isa mushure mekunge tadzinga gudo iri.

“Gudo iri rakazotiza richibva rakwira nepamusoro pemba uye takatadza kuribata,” anodaro.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka dzesangano, reZimbabwe Parks and Wildlife Management (Zimparks), VaTinashe Farawo, vanoti mahofisi avo haasati atambira mashoko ane chekuita nenyaya yegudo iri.

“Hatingopfu­ra zvekuuraya nje mhuka dzesango nekuti tinokoshes­a upenyu.

‘‘Vanhu vanokurudz­irwa kuti vatizivise kana paine mhuka dzesangano dzinenge dzaonekwa munzvimbo dzavanogar­a.

“Zvisinei, tinopfura zvekuuraya mhuka kana yave nenjodzi kuupenyu hwevanhu nekuti upenyu hwemunhu hwakakosha. Hatifunge kuti gudo iri rinogona kunge rakabva kuVictoria Falls, kunyangwe zvazvo zvichigona kudaro,” vanodaro VaFarawo.

Gudo iri rinonzi rakazoshun­gurudza zvakare vagari vekuNketa 7 neTshabala­la Extension svondo rapera uye rakazoonek­wa zvakare muguta reBulawayo nomusi weMuvhuro wadarika.

Mumwe wevanoteng­esa zvinhu muguta iri anoti akashamisw­a apo gudo iri rakamhanya richienda kwaari ndokutora mabanana pamusika paaitenges­era.

“Gudo iri rakangouya ndokutora chitsumbu chemabanan­a pamusika wangu richibva ratizira muchisango chiri pedyo uye vanhu vakafunga kuti ndainyepa pandakati ndaona gudo,” anodaro mudzimai uyo asina kuda kuburitswa zita rake.

Mercy Mavima wechechi yeVanamati Vechishanu Apostolic Sect avo vanonamati­ra mugomo riri pedyo neDonningt­on, munzvimbo imwe chete nekambani inoviga vafi iyi, anoti vakavhirin­gidzwawo negudo iri apo vaive pamunamato wemanheru pamasowe avo.

Madzibaba Thomas Gumbo vechechi imwe chete iyi vanoti zvichida kuonekwa kwegudo iri chiratidzo chezvinhu zvakaipa zvichaitik­a nekufamba kwenguva.

“Zvinhu zvakadaro hazvingoti­ka, zvinogona kusareva chinhu kwatiri tose, asi gudo iri rinogona kunge richizivis­a zvichaitik­a kune mumwe munhu. Zvinoera kuona gudo munzvimbo yakawanda vanhu kudaro,” vanodaro.

Vamwe vari kutaura nezvenyaya iyi vanoti gudo iri rinofungid­zirwa kuti rakakwira chitima chaibva kuVictoria Falls pasina akariona nekuda kwekuti rakange risingavhu­nduke vanhu zvachose.

“Gudo iri rinoratidz­a kuti rakajairir­ana nevanhu, saka hatifungi kuti rinogara musango.

‘‘Tinofunga kuti rakauya nechitima uye rakajairir­a kutamba nevashanyi. Maitiro aro kana pakudarika mugwagwa anoratidza kuti rakajairir­ana nevanhu,” anodaro Nonhlanhla Nkomo, uyo anotengesa pamusika kuNketa 7.

Mumwe murapi wechivanhu wekuMakoko­ba – uyo akati anonzi Ncube – anoti zvinogona kuitika kuti gudo iri rakange ratumirwa mumwe munhu aive parufu urwu.

“Tiri vanhu vatema uye maitiro edu echivanhu anogona kuti zvakadaro zviitike. Kune vamwe vanhu vane zvipo zvekutumir­a mhuka kwavanenge vachida kuti dzivashand­ire zvavanoda.

“Hatikwanis­e kuzviramba kuti gudo iri rine zvarinorev­a kuti rinouya parufu. Zvisinei, zvinogonaw­o kuitika kuti igudo rakange rarasika raingofamb­awo zvaro,” vanodaro VaNcube.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe