Kwayedza

Madziro emba ochema kamwana

- Nhalwenhle Ncube

MHURI igere mubhuku raChitanga, kuMwenezi — iyo yanga ichigara ichinetsek­ana nekunzwa izwi remwana anochema richibva nemukati memadziro emba dzavo asi vasingaone mwana wacho — vakazorohw­a nehama apo vakaona mbatya dzemwana wavo akashaya idzo dzavaive vamuviga nadzo muguva dziri pamusuwo wemba yavo.

Mhuri yekwaMusan­hu yakashaiki­rwa nemwana aive nemakore mapfumbamw­e ekuberekwa mugore ra2017 uye yakashamis­ika zvikuru svondo rapera vachiona hembe dzake dzavaive vaisa muguva rake dziri pamusuwo wemba.

Vakazoziva kuti izwi remwana ravainzwa achichema kubva mumadziro emba dzavo raive remwana wavo akashaika uyu.

VaIsaach Musanhu, vanove baba vemwana akashaya uyu, vanoti havana rugare kwemwedzi mitanhatu yadarika uye vaedza kutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporo­fita asi zvichiramb­a.

“Kwave nemwedzi yakawanda apo takatanga kunzwa izwi remwana anochema kubva kumadziro edzimba dzedu. Chinoshami­sa ndechekuti musi weSvondo wadarika munguva dzemangwan­ani, ndakanzwa mudzimai wangu achichema nezwi riri pamusoro, ndipo nda- kamhanya kunoona zvaitora.

“Ndakawana mbatya dzemwana wangu akashaika dziri pamusuwo.

“Pakafa mwana uyu, mbatya dzake dzose takadziisa muguva rake. Saka zvinotisha­misa kuti tave kuona mbatya dzimwe chete idzi dzave pamusuwo wemba yedu. Tine fungidziro huru yekuti pane akashereke­ta paguva remwana wedu zvinoreva kuti mazwi ekuchema atiri kunzwa aya ndeemwana iyeyu.

“Kubvira apo takaona mbatya idzi, mazwi ekuchema aya ave kungonzwik­wa munguva dzemanheru chete izvo zvasiyana nakare apo takange tisina zororo,” vanodaro VaMusanhu.

Vanoti vakasvitsa nyaya iyi kuna sabhuku wavo uye vari kuramba vachifamba muchivanhu kuti vazive zviri kunyatsoit­ika kwavari.

“Iyi inyaya inoshungur­udza zvikuru nekuti zviri pachena kuti ine chekuita nemwana wedu akafa. Kana vechivanhu vakatadza kududzira chaizvo zviri kuitika, tichamhan’ara nyaya iyi kumapurisa tokumbira kuti tifukunure guva remwana uyu, tione kuti mutumbi wake uchirimo here,” vanodaro.

Vanoti pamazuva ekutanga apo vainzwa izwi remwana aichema richibva mumadziro emba, vakambofun­ga kuti pamwe yaive katsi asi vakazoona kuti zvakange zvisiri izvo.

 ??  ?? VaIssach Musanhu
VaIssach Musanhu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe