Kwayedza

Kuzvarwa uri munhu kwega hakuna kukwana

-

KUZVARWA uri munhu kwega hakuna kukwana. Unogona kuve nechimiro nemataurir­o emunhu, asi izvozvo zvega hazvikuite kuti uve munhu.

Munhu haasi chimiro. Munhu haasi kufamba nemakumbo maviri kana kupfeka hembe. Munhu zvinhu zvakawanda.

Munhu wese mwana nyangwe ari amai kana baba, mbuya kana sekuru. Munhu kuti ave munhu zvinobva pakurerwa nekudzidzi­swa zvisiri zvekuchiko­ro. Munhu anogona kupasa chikoro asi agoita dofo rehupenyu. Kuti uve munhu hunge wave mwana anoteerera, anocherech­edza maitiro nemafun- giro akanaka, anoremeked­zwa, anofadza, anoyemurwa, anorumbidz­wa uye anokurudzi­rwa.

Munhu anoumbwa mumhuri, zvekuti paanozopin­da mumusha, munharaund­a nemunyika, anenge achiziva kuti nyika haisi yangu ndega, asi ndeyedu tese. Anoziva kuti ndiripo nekuti vamwe varipowo.

Munhu anove munhu nekuda kwehunhu hunoyemuri­ka. Izvi ndizvo zvinoita kuti mhuri ive chinhu chakakosha. Baba namai vane basa rekurera, kudzidzisa nekudzora.

Munhu anove munhu kana akaziva kuti iye ane basa mumagariro rekutsiura, kubvunza mibvunzo yakakosha uye inovaka.

Vabereki vasingadzi­dzise kana kutsiura kana kuranga nekudzora vana vavo havasi vanhu pamwechete nevana vavo vasina kurairwa. Vabereki vane nungo, kana kuti vasina nguva yekudzidzi­sa vana havasi vanhu nekuti kuita vana vausingadz­idzise, kurayira nekudzora kuparadza nyika.

Munhu ndiye uye anoti akanzi heyi, anotirimuk­a. Munhu haangozvir­aramira hupenyu hwake ega seshizha rinopupuru­ka.

Munhu asina hunhu anonetsa muhupenyu nekuti zvaanokosh­esa hazvibatsi­re vamwe. Ndizvo zvinoita kuti ngano dzive chinhu chatisinga­fanire kurasa sevanhu vatema.

Ngano dzinodzidz­isa hupenyu. Ngano dzinoratid­za mhedzisiro yevanhu vasina hunhu. Mungano, kuba, kunyengedz­a, kushaya tsitsi nerudo, godo, ruvengo, kupesana, humbimbind­oga kana kudya zvevapfupi nekureba hazvipembe­dzwe. Mungano nherera, vakaremara, chembere neshirikad­zi vanokoshes­wa.

Munhu asina tsitsi nerudo nezvimwe zvinorambw­a nengano haabudirir­e muhupenyu. Tinonzwa ngano dzana vamwene vaive nehutsinye asi vakazoita magumo anorwadza. Chinenge chichivava­rirwa nengano kuvaka dzimba, misha, nharaunda nenyika ine vanhu vane hunhu.

TV haivake munhu nekuti nyangwe ichitaura newe kana nevana vako, chokwadi ndechekuti haikuzivei uye haina basa nemi. TV inoda kukusetsai nekukuvara­idzai asi ichibvisa hembe dzehunhu hwedu, ichikupfek­edzai dzehumbimb­indoga nehumbwa.

TV inopa pfungwa dzinokurud­zira kuzvida, kuzvitonga, kuda mari, kusatenda, kurasika nekurasiki­rwa nemitauro yedu.

Vamwe vangati mitauro yedu ine basa reyi, chikuru kutaura chete. Asi kwete, mutauro wako, kwete wevamwe vanhu unenge dendere reshiri. Shiri inobuda muzai ichipinda mudendere. Mudendere ndimo maichapihw­a zvekudya zvinozivik­anwa nevabereki vayo kuti isu seshiri inonzi nhengure tinodya izvi neizvo.

Kana shiri yabuda muzai haibva yangoti baba namai ndichambob­hururuka ndione kuti nyika yakaita sei. Shiri yabuda muzai inoda nguva yekuziva muririro wayo, inoda kumera minhenga, kukura nekudzidza kubhururuk­a.

Nesuwo kufanana neshiri yabuda muzai, tinofanira kugara mudendere remutauro wedu, tichidzidz­a kuti munhu anoumbwa kwete paanenge ari mudumbu ramai asi nyangwe abuda kunze.

Vanhu vane hunhu vari kupera. Vabereki ngatitaure nevana tivadzidzi­se kuti munhu munhu nevanhu. Mari inopera asi hunhu hwakanaka hunoita kuti nyangwe munhu afa vanhu vati, “tarasikirw­a”.

Pauchafa vanhu vachauya here vachiti tiri kuenda kunhamo yemunhu kana kuti vachati, “Mwari vaita zvavo vatibvisir­a munzwa muhupenyu hwedu?”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe