‘. . . ticharamba tichisimudzira nharaunda’
MUKURU wemauto eZimbabwe Defence Forces, General Philip Valerio Sibanda, vanoti vechidiki ndivo vatungamiriri venyika vamangwana, nokudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvikoro zvakanaka.
Vachitaura svondo rapera pagungano rekupemberera kuvhurwa kwekamuri yekudzidzira yakavakwa nemauto eZDF pachikoro cheRedcliff Primary School, kuRedcliff, Gen Sibanda vanoti ibasawo remauto kuona kuti matunhu abudirira uye kuti vana vakure vachidzidzira muzvikoro zvakanaka.
“Semauto, rimwe rebasa redu kunze kwekudzivirira nyika, nderekuona kuti matunhu edu abudirira.
“Kubudirira kwedunhu kunotanga nekuva nezvikoro zvakanaka nekuti vana vedu vatinobara ava ndivo vatungamiriri vamangwana,” vanodaro Gen Sibanda.
Vanoti vabereki vanofanirwa kuwana nguva nevana vavo vachivadzidzisa kuti vakure vaine chido nenyika yavo pamwe nekuishandira kuti ibudirire.
Vanoti basa rekudzidzisa vana tsika dzakanaka uye kuda nyika yavo harifanirwe kusiiwa mumaoko evarairidzi chete.
“Hongu, tinoziva kuti vadzidzisi vakazvipira mubasa rekudzidzisa vana vedu muzvikoro, asi hazvirevi kuti tovapa mutoro wose wekudzidzisa vana vedu voga.
“Tose tiri vabereki, saka ndinokurudzira vabereki kuti patinenge tiri kumba paya, tinofanirwa kuita nguva nevana. Imi (vabereki) kana maipfura maticha nerekeni hamufanirwe kudzidzisa vana kupfura maticha nerekeni. Munofanirwa kuvadzidzisa tsika dzakanaka nekuti vade nyika yavo,” vanodaro Gen Sibanda.
Vanoti mauto anoda kuona budiriro mumaruwa, naizvozvo zvikoro nezvipatara zveHurumende zvinoda rubatsiro rwekuvakirwa, zvinofanirwa kuudza mauto kuti zvigoitirwa mabasa aya pachena.
“Chinongodiwa chete kuunganidza zvinhu zvenyu zvekuvakisa sezvidhinha MAUTO eZimbabwe Defence Forces anovimbisa kuti acharamba achibatsira Hurumende nenharaunda dzinoda ruyamuro mukusimudzira nyaya dzedzidzo nezvimwe zvivakwa kuburikidza nehunyanzvi hwavo.
Mashoko aya akaturwa nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvekudzivirwa kwenyika, VaMartin Rushwaya, apo vaitambidza zviri pamutemo makamuri maviri eEarly Childhood Development (ECD) akavakwa nemauto eZDF paSt Marnocks Primary School, kwaZvimba, vachibatsi- nezvimwe motiudza. Muchiuto tinavo vanhu vakadzidzira mabasa eku- rana nechikoro ichi.
Mumashoko avakaverengerwa nadirector procurement mubazi ravo, VaPeter Muchakazi, svondo rapera, VaRushwaya vanoti mauto eZDF acharamba achibatsira nharaunda, zvikuru apo munyika munenge muine runyararo.
“Mauto eZDF agara akazvipira kushanda pamwe chete nezvizvarwa zveZimbabwe zvinoda budiriro muzvirongwa zvekusimudzira nharaunda.
“Ndinokurudzira makambani nevamwe vanhu kuti vave netsika yekudzorera kunharaunda dzavanobva. Yakwana nguva yekuti —
vaka aya saka tinokuvakirai pachena. Asi tinonyanyoda kuzviitira kumaruva tichirega kuvimba nevabatsiri vekunze kwenyika, asi kuti tizvishandire,” vanodaro.
VaRushwaya vanotenda mapoka ose nevanhu vakabatsira mukuvakwa kwedzimba dzekudzidzira idzi pachikoro ichi.
Apo zororo remauto reDefence Forces Day rinenge rinenge risati raitwa gore rega-rega, mauto eZDF anoshandisa vhiki rinenge ratarisana nezororo iri kuratidza mamwe emabasa makuru avari kuita mukusimudzira nharaunda.
VaRushwaya vanoti kushaikwa kwezvikoro zvakanaka idambudziko guru rakatarisana nenzvimbo nekuti ndiko kwakasarira panyaya dzebudiriro,” vanodaro Gen Sibanda. dzakagariswa vanhu patsva.
“Mauto eZDF anobatsira chete mukupa vanhu vanozoshanda, uye zvakaita semari nezvimwe zvinodiwa zvinobva kunharaunda nevamwe vabatsiri.
“Izvi zvinodaro nekuti ZDF haiwane bhajeti kubva kuhomwe yenyika rekufambisa zvirongwa zvekubatsira nharaunda.
“Nekuda kweizvi, mamwe mabhindauko aya anotora nguva yakareba kuti apere nekuda kwekuti vanhu vanenge vachizobatsirwa nawo vanoomerwa nekuunganidza zvekushandisa zvinodiwa,” vanodaro.