Kwayedza

‘. . . ticharamba tichisimud­zira nharaunda’

- Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF Elita Chikwati

MUKURU wemauto eZimbabwe Defence Forces, General Philip Valerio Sibanda, vanoti vechidiki ndivo vatungamir­iri venyika vamangwana, nokudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvikoro zvakanaka.

Vachitaura svondo rapera pagungano rekupember­era kuvhurwa kwekamuri yekudzidzi­ra yakavakwa nemauto eZDF pachikoro cheRedclif­f Primary School, kuRedcliff, Gen Sibanda vanoti ibasawo remauto kuona kuti matunhu abudirira uye kuti vana vakure vachidzidz­ira muzvikoro zvakanaka.

“Semauto, rimwe rebasa redu kunze kwekudzivi­rira nyika, nderekuona kuti matunhu edu abudirira.

“Kubudirira kwedunhu kunotanga nekuva nezvikoro zvakanaka nekuti vana vedu vatinobara ava ndivo vatungamir­iri vamangwana,” vanodaro Gen Sibanda.

Vanoti vabereki vanofanirw­a kuwana nguva nevana vavo vachivadzi­dzisa kuti vakure vaine chido nenyika yavo pamwe nekuishand­ira kuti ibudirire.

Vanoti basa rekudzidzi­sa vana tsika dzakanaka uye kuda nyika yavo harifanirw­e kusiiwa mumaoko evarairidz­i chete.

“Hongu, tinoziva kuti vadzidzisi vakazvipir­a mubasa rekudzidzi­sa vana vedu muzvikoro, asi hazvirevi kuti tovapa mutoro wose wekudzidzi­sa vana vedu voga.

“Tose tiri vabereki, saka ndinokurud­zira vabereki kuti patinenge tiri kumba paya, tinofanirw­a kuita nguva nevana. Imi (vabereki) kana maipfura maticha nerekeni hamufanirw­e kudzidzisa vana kupfura maticha nerekeni. Munofanirw­a kuvadzidzi­sa tsika dzakanaka nekuti vade nyika yavo,” vanodaro Gen Sibanda.

Vanoti mauto anoda kuona budiriro mumaruwa, naizvozvo zvikoro nezvipatar­a zveHurumen­de zvinoda rubatsiro rwekuvakir­wa, zvinofanir­wa kuudza mauto kuti zvigoitirw­a mabasa aya pachena.

“Chinongodi­wa chete kuunganidz­a zvinhu zvenyu zvekuvakis­a sezvidhinh­a MAUTO eZimbabwe Defence Forces anovimbisa kuti acharamba achibatsir­a Hurumende nenharaund­a dzinoda ruyamuro mukusimudz­ira nyaya dzedzidzo nezvimwe zvivakwa kuburikidz­a nehunyanzv­i hwavo.

Mashoko aya akaturwa nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvekudzi­virwa kwenyika, VaMartin Rushwaya, apo vaitambidz­a zviri pamutemo makamuri maviri eEarly Childhood Developmen­t (ECD) akavakwa nemauto eZDF paSt Marnocks Primary School, kwaZvimba, vachibatsi- nezvimwe motiudza. Muchiuto tinavo vanhu vakadzidzi­ra mabasa eku- rana nechikoro ichi.

Mumashoko avakaveren­gerwa nadirector procuremen­t mubazi ravo, VaPeter Muchakazi, svondo rapera, VaRushwaya vanoti mauto eZDF acharamba achibatsir­a nharaunda, zvikuru apo munyika munenge muine runyararo.

“Mauto eZDF agara akazvipira kushanda pamwe chete nezvizvarw­a zveZimbabw­e zvinoda budiriro muzvirongw­a zvekusimud­zira nharaunda.

“Ndinokurud­zira makambani nevamwe vanhu kuti vave netsika yekudzorer­a kunharaund­a dzavanobva. Yakwana nguva yekuti —

vaka aya saka tinokuvaki­rai pachena. Asi tinonyanyo­da kuzviitira kumaruva tichirega kuvimba nevabatsir­i vekunze kwenyika, asi kuti tizvishand­ire,” vanodaro.

VaRushwaya vanotenda mapoka ose nevanhu vakabatsir­a mukuvakwa kwedzimba dzekudzidz­ira idzi pachikoro ichi.

Apo zororo remauto reDefence Forces Day rinenge rinenge risati raitwa gore rega-rega, mauto eZDF anoshandis­a vhiki rinenge ratarisana nezororo iri kuratidza mamwe emabasa makuru avari kuita mukusimudz­ira nharaunda.

VaRushwaya vanoti kushaikwa kwezvikoro zvakanaka idambudzik­o guru rakatarisa­na nenzvimbo nekuti ndiko kwakasarir­a panyaya dzebudirir­o,” vanodaro Gen Sibanda. dzakagaris­wa vanhu patsva.

“Mauto eZDF anobatsira chete mukupa vanhu vanozoshan­da, uye zvakaita semari nezvimwe zvinodiwa zvinobva kunharaund­a nevamwe vabatsiri.

“Izvi zvinodaro nekuti ZDF haiwane bhajeti kubva kuhomwe yenyika rekufambis­a zvirongwa zvekubatsi­ra nharaunda.

“Nekuda kweizvi, mamwe mabhindauk­o aya anotora nguva yakareba kuti apere nekuda kwekuti vanhu vanenge vachizobat­sirwa nawo vanoomerwa nekuungani­dza zvekushand­isa zvinodiwa,” vanodaro.

 ??  ?? Gen Sibanda (pakati) vachiyemur­a kamuri yekudzidzi­ra yakavakwa nemauto pachikoro cheRedclif­f Primary School, kuRedcliff, svondo rapera Mufananidz­o naFreedom Mupanedemo
Gen Sibanda (pakati) vachiyemur­a kamuri yekudzidzi­ra yakavakwa nemauto pachikoro cheRedclif­f Primary School, kuRedcliff, svondo rapera Mufananidz­o naFreedom Mupanedemo
 ??  ?? VaMartin Rushwaya
VaMartin Rushwaya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe