Kwayedza

Zvadzidzwa mumitambo

- Munyaradzi Gunduza

PAMITAMBO yevechidik­i iri mubhuku iri sarudza mishanu chete ugojekesa matambirwo ayo, uye zvayaidzid­zisa vana. [25]

Pfukumbwe p.93 – mutambo wezvindori wekutaura zvinhu nemazvo pasina kudarikira kuverenga.

Mutambo unotambwa nezvikwata zviviri. Zimai rinopfumba­ta chidyaro mumaoko avana varo, chepiri chinonzi chifembere zvekuti kana chikatadza chekutanga chinoender­era mberi nokutamba. Mutambo uyu unodzidzis­a vana kufembera, uye kuita basa rose romumba.

Sarura wako p.84 – mutambo wemagure wekusarudz­a hwanzvo/musikana waunoda.

Mutambo uyu unotambwa navana vaduku vakati ava kwavo avo kwavo pachiridzw­a ngoma. Pakusarudz­a hapana anosarudza waanonyara­na naye, uye mumwe akasarudza hama anosekwa navamwe.

Mutambo uyu unodzidzis­a vana kukosha kweukama.

Mazita enzvimbo norudzi p.92 – mutambo wezvidobi unodzidzis­a vana kuziva nzvimbo kana nyika nerudzi rwavanhu vari muruwa kana mumutunhu iwoyo.

Mutambo uyu unoitwa navana vakaita denderedzw­a vakagara pasi.

Chinodikan­wa unyanzvi hwokutaura mazita akawanda anodyidzan­a ndiko kuti munhu agonzi ishasha.

Mutambo uyu unoita kuti vana vakure vachiziva nharaunda dzakavapot­eredza nevagari vadzo.

Mahobi kudai chii gudo? p.90 – mutambo wezvidobi une undyaringo mukati kureva kuti unosetsa. Chinosetsa ndechekuti gudo rinenge richivanza urema hwaro kuvanhu kuburikidz­a nenhema. Chidzidzo ndechekuti munhu anofanira kufarira nekudada nezvaari nguva dzose.

Nyaganga p.84 – mutambo wemagure wekusarudz­a musikana kana mukomana waunoda nokudaro unodzidzis­a vana kuva nesarudzo yehwanzvo nekutanda nyadzi.

Maga namazember­a okusika nyimo p.95 – mutambo wezvindori wekusika nyimo unotambwa navanhu vaviri kana vatatu paguyo kana pabwe. Kudyiwa kwenyimo kudemwa neimwe ichibva yabuda kunze kwesikiro.

Mutambo unodzidzis­a vana kutevedza mutemo, uye kukwikwidz­ana pachiwanik­wa shasha.

Kunyararid­za mwana p.89 – mutambo wezvidobi unotambwa navanasika­na vachiimba vari kumahumbwe masikati apo vakomana vanotamba sevarume vavo vanenge vari kumakura vachiteya shiri nembeva.

Vanonyarar­idza vana vavo vekumahumb­we kana kuti vachikuya.

Mutambo uyu unodzidzis­a vana umai hwekurera nekunyarar­idza mwana pamwe chete nokuti vakure vachiziva musiyano wemabasa evanhurume neevanhuka­dzi.

Tsikidzi muramu p.85 – mutambo wemagure unotambwa navakomana navasikana vagere pasi. Mukomana anosarudza musikana waanoda ogara naye pasi pakati pevamwe oimba achiti tsikidzi muramu achinyeper­a kurumwa netsikidzi kuri kutamba, ukuwo musikana uya anochimukw­enya paari kurumwa paya.

Mutambo uyu unodzidzis­a vakomana mabimbiri (kutamba nomukadzi mumba).

Mibvunzo nemhinduro yaUgo Hwamadzinz­a inoenderer­a mberi svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe