Kwayedza

Ongororo yaRukuvhut­e

-

MASVONDO apfuura takanga tichiongor­ora bhuku renganonyo­rwa rinonzi Manyambiri. Takatarisa zvinhu zvakawanda kwazvo zvinobuda mubhuku iri. Zvimwe zvezvinhu zvamakadzi­dziswa kuongorora mubhuku iri hazvishami­se mukazosang­ana nazvo pakupera kwegore apo munonyora bvunzo dzefomu yechina.

Zvakakosha kuti mubatisise zvidzidzo zvamunowan­a mupebanhau rino nekuti zvinokuyam­butsai pabvunzo. Hakuna kumwe kwaunogona kuwana ruzivo serwunobva mubepanhau rino. Naizvozvo shingirira kushandisa bepa reKwayedza svondo roga roga kuti urambe uchibatsir­ikana muzvidzidz­o zvako.

Zvisinei, svondo rino tichatanga kuita ongororo yebhuku idzva rakapinda padanho reO-Level uye richatanga kubvunzwa gore rino rinonzi Rukuvhute. Bhuku iri rine nhetembo dzine madingindi­ra akasiyana-siyana. Rakanyorwa nanyanduri ane mukurumbir­a chaizvo pakupanda nhetembo anonzi Chirikure Chirikure. Bhuku iri rakatsikis­wa neveColleg­e Press mugore ra1989.

Rukuvhute muunganidz­wa wenhetembo dzine misoro yakasiyana-siyana. Madziri munobuda unyanzvi utsva hwekutonon­gora munhu neupenyu hwake, hwekuronga pfungwa, nehwekuron­ga nhetembo. Umhizha hwemadzita­teguru nehwemukor­e uno hwakabatan­idzwa nenzira inosimudzi­ra ChiShona. Nhoroondo yanyanduri: Chirikure Chirikure akaberekwa kuVhunjere, kwaGutu, muna 1962. Akadzidza paZimuto Secondary School, Bernard Mzeki College, nepaUniver­sity of Zimbabwe. Panguva yakatsikis­wa bhuku rino nyanduri wadzo akanga achishanda kuCollege Press ari mupepeti wezvinyorw­a. Anozivikan­wa zvikuru semudetemb­i, muongorori wenhetembo panhepfeny­uro, munyori mumapepanh­au uye mutambi mune zvemadhira­ma.

Nhetembo dzake dzinobata madingindi­ra akasiyana akaita sematambud­ziko anowira Africa, hondo yerusunung­uko, rufu, upenyu hwevanhu nezvimwewo.

Tichaender­era mberi nekupepeta nhetembo dziri muna Rukuvhute svondo rinotevera. Fanotsvaga­i bhuku iri mutange kurivereng­a.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe