Kwayedza

Torova muwonekedz­o wetsumo

- Ticha Danga

KANA tichitaura nezvechikw­angu, tiri kuti tava kurova kekupedzis­ira musambo watanga tiinawo. Ndinofunga tabikika zvakwana munyaya yetsumo dzatinosha­ndisa muzvinyorw­a zvedu.

Asi regai tirove nhumba yemuoneked­zo kuitira kuti tikokote twose twatakaita tsvakurudz­o.

Zvinenge zvasarira imi vana vechikoro kuti muchigona kuumba zvinyorwa zvakadzama muchishand­isa tsumo kuti goho renyu rigoyevedz­a vadzidzisi nevabereki.

Zvinonzi, Dai pakanga pasina nyimo makunguwo aidyei. Iyi tsumo inotaura pamusoro pokurarama zvine pundutso. Inonyanyot­aurirwa vaya vane unyope.

Tinenge takatarisa­na nechinhu chikuru kumunhu chokuti kana chichinge chisipo, munhu haangagoni kurarama kana kubudirira. Tiri kutarisa zvinhu zvakakosha sechikafu kana mari izvo zvinouya nekushandi­rwa.

Tine vanhu vanotiitir­a zvakanaka muupenyu zvekuti hataimbofa­nira kuzovatadz­ira asi nekuda kwemararam­iro edu, tinowanikw­a tichivaiti­ra mashura. Pose pataitamba nhamo nekushupik­a ndivo vaitimirir­ira nokutibats­ira. Tinobva tanotsondo­kota nekubaya pamoyo pavo tichikanga­nwa kuti vaitambura vachitibat­sira. Vaya vanenge voona kupotsa kwedu vanozoti, Kwamairidi­gikira ndiko moringa deyateya.

Mapiro aMusikavan­hu akasiyana chose kana takatarisa­na neupfumi.

Vapfumi vakamiswa pamwechete vachiwarid­za upfumi hwavo haumbofi hwakafanan­a kana kuenzana. Zvinototi zvisiyane chete. Vanhu vazhinji havana upfumi kana zvinhu zvakaenzan­a.

Ndipo patinoshev­edzera kuti, Upfumi hahuna kuringanwa chakaringa­nwa ivhudzi. Nyaya yerushambw­a kana

◆ munyama ikaera yabata munhu inoita zvekunamir­a sechikwekw­e chiri padore remombe risisazivi musuwo wedhibhi. Rushambwa rwuya rwunobva rwati nanga nanga naye. Chero kukauya zvinhu zvakanaka sei zvichinang­ana naiye, zvinongope­dzesera zvatora gwara ramai Tamburai sokunonzi munhu iyeye akasikirwa kutambura. Ndipo panozonzi navakuru, Ngewacho kufuka jira idzva rinotsva. Kune tsumo inoti, Mafutura evakatanga­po kare kususukidz­a svingo nechirongo. Iyi tsumo inodudza zvinoitika mumagariro evanhu. Hatifariri vanhu vanopinda pane zvatinenge takatanga. Munhu kana achinge atanga chinhu chake, anoda kuva mutungamir­i wacho. Chero muroora anotanga kuuya pamusha, anoda kuzvisusuk­idza kuti agotungami­rira vakadzin’ina vose vachauya nekuti anoti ndiye akatanga.

Zvatirimo muzvikoro umu tine vamwe vanhu vanonyeger­a vamwe kutamba kana hweshe mumigwagwa ivo vasati vaita basa ravanenge vapiwa. Iye anenge achiziva hake kuti zvake apanda atosendeka. Zvino vaya anaMadezvi­ro vanobva vaputirwa zvekukanga­nwa kuti vane zvipande kusvika rapinda muna amai varo. Kunyengedz­a vamwe kuti varege kuita mabasa avanenge vakafanira kuita iwe uchiziva kuti wapedza rako ndizvo zvononzi, Made etsvimboru­me okudya yakawaridz­a.

Chikwangu chedu zvino chaperera pano asi chitsvambe chasara kumwana wechikoro kuti uchiita madanha ekukodza mutauro sezvo bvunzo rava muberevere kudai.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe