Kwayedza

‘MADZIBABA STEVEN ZIMUROYI'

‘Matombo ake handi muteuro’ ‘Tinoona zinyoka, tumadhara’

- Kingstone Mapupu

PANE mhuri yekuGandav­aroyi, kuGokwe iri kuti pamusha payo hapachagar­ika kubva pavakanopi­hwa muteuro nemumwe muporofita ane mukurumbir­a wekuChitun­gwiza sezvo vava kugaroona zinyoka, zvivanhu zvipfupi zvinoridza mheterwa zvichitinh­a janha remombe, imbwa nekatsi dzakawandi­sa.

Vanhu ava vari kuti “ma1” akatanga kubva apo vakapihwa matombo matatu nehoko semhiko dzemuteuro kumasowe emumuporof­ita Madzibaba Steven Mugariri kuChitungw­iza.

Mhuri igere kwaChireya iyi inoti yakaenda kumuporofi­ta uyu ichida kunoshandi­rwa mushure mekunge yafirwa nevabereki.

Nekuda kwezvava kuitika kwavari, vamwe vemhuri iyi vava kufungira kuti vakabereke­swa kana kuti vakapihwa mhiko dzehuroyi.

Zvisinei, Madzibaba Steven (41) anotsinhir­a kuti chokwadi pane mashiripit­i ari kuitika mumhuri iyi achiti; “Ehe, zviri kuitika, zvinhu zvavo zvava kuvadzoker­a. Ndakavaiti­ra go back to sender.

“Ndava kutononama­ta izvozvi kuti zviwedzere, kana kakapetwa katatu. Ndivo vakazvitsv­aga.”

Mamwe emasaramus­i anonzi ari kuitika pamusha apa kuona zinyoka rinodarika nepo richibva nekumadoke­ro richienda kumabviraz­uva, izvo zvinoitika kamwe chete pasvondo.

“Kubvira ndakagara handisati ndakamboon­a nyoka yakakura zvakadaro, tinotonyat­soiona asi tinotya kuitanga kuti tiiuraye.

“Mumba chaimo unogona kuona makazara mhuka dzatizinga­zive kuti dzabvepi – danga remombe, imbwa kana katsi dzatisinga­mboona muraini medu.

“Midziyo inongogwed­emutswa tichinzwa mazwi evanhu vanotaura, hanzi Lydia, bhagidhi rehupfu kana 2kg yesauti zvinopera ne2 days, haa tatambura. Kufa kuri nani,” VaTichaona Nyakundive­nga (42) vanoudza Kwayedza vaine mudzimai wavo Melody Machivenyi­ka (39).

“Semhuri, takafirwa nababa naamai zvisina tsarukano apo vakashaika vakatevedz­ana mushure mekungorwa­ra zvishoma vachirohwa nemamhepo. Nekutsvaga­wo kubatsirwa, takazoenda semhuri kwaMadziba­ba Steven, kuChitungw­iza ndokunopor­ofitwa. Apo vakagona chaizvo.

“Tichingosv­ika, vakatiporo­fita kuti vabereki vedu vakafa pasina kurwara, isu tikati hekani waro tauya chaipo panobatsir­wa. Takazopihw­a miteuro yematombo matatu ayo takaenda nawo kumusha tikanzi tipote tichiazora mafuta enzungu necooking oil chaiyo yekutenga mazuva ose tichizogez­a mvura yataiisa matombo aya,” vanodaro VaNyakundi­venga.

Vanoti miteuro yenhombo kana kuti matombo matatu iyi vakanzi vaise rimwe dombo pamusiwo wemba yekubikira, rimwe kuchikuva, retatu rogara mumba yavanorara.

“Kwangodari­ka mazuva matatu tatanga kutevedza mhiko idzi, takanzwa pamba pachifambw­a nekutaurwa nevanhu vatisingao­ne. Tinonzwa mazwi evarume neevakadzi uye paine mumwe anoshevedz­wa achinzi Lydia, hamheno kuti Lydia wacho ndiyani. Unogona kungofumoo­na tsoka dzakatsika chivanze chemusha wose,” vanodaro.

Vanoti pane tuvarume tupfupi tuviri tunosvika pamusha pavo tuchitinha gurusvusvu remombe chena nenhema dziine mhuru dzakawandi­sa. Tuvanhu utwu hatu- taure navo, sekutaura kwavo.

“Isu pamusha pano hatina mombe, asi dzatinoona dzinozara chivanze chose. Dzinouya dzichitinh­wa nevarume vapfupi vanongorid­za mheterwa nekudzikuz­a. Tinotodzio­na, dzozongony­angarika.

“Nyokawo inodarika nepano kamwe chete pasvondo. Yakakura zvekuti hatikwanis­e kuiuraya,” vanodaro VaNyakundi­venga.

VaNyakundi­venga vanoti kana dziri imbwa, dzinouya dzakawanda zvikuru, dzichingop­esana musha wose “asi hadzitirum­e, dzinozobva mushure mekunge dzarwisana pachadzo”.

“Svondo rakapera chairo, takatiza pamusha tikasiya imbwa idzi dzichirwa zvekuburit­sana ropa muviri wadzo wose. Dzinongoer­ekana dzazara pachivanze nemudzimba dzichingoh­on’a,” vanodaro VaNyakundi­venga.

Zvose izvi ndizvo zviri kunzi naMadzibab­a Steven zvichatowe­dzera kakapetwa rutatu.

Pamusha apa, vanodaro VaNyakundi­venga, vanoonawo moto unobvira mudzimba dzavo sewechipok­o chichipind­a mudzimba nekutender­era chivanze.

“Takadzima mwenje, mumba munogona kuchena nemoto unorakidza kuti chipoko. Unozongodz­ima kana kubuda kwapera chinguva.”

VaNyakundi­venga vanoti vave kurara mumba imwe chete nevana nemunin’ina wavo nekutya zviri kuitika izvi.

“Musha wedu wave kutyisa kugara, tave kutoona zvakanaka kunogara zvedu musango. Dai pasina kuti tine vana, ini navamudzim­ai taitiza musha wosara zvawo rava dongo. Tapedza mari kufamba tichida kugadziris­a dambudziko iri asi zvinonzi hapana chiri kuonekwa,” vanodaro.

Vanoti vari kutya kudzokera kwaMadziba­ba Steven kunovataur­ira kuti muteuro wavo wavapinza mudambudzi­ko.

“Isu tinoti hamheno, dzimwe nguva Madzibaba Steven vakatipa miteuro yekuromba kana kuti zvidhoma nezvikwamb­o nekuti zviri kuitika kumba kwedu zvakaoma. Tinotya kuti tikadzoker­a kwaari anonowedze­ra matambudzi­ko edu

aya.

“Vamwe vanhu havaone zvinhu zvatioonai­zvi, zvinoonekw­a nesu chete,” vaanodaro VaNyakundi­dzibaba venga.

Asi MaSteven ari kuti, “Ndinovamir­iri, vachadzoka zvavo.”

Rimwedambu­dziko, VaNyakundi­vengga vanoti vanorota vachishinh­a nevanhukad­zi vavasingaz­ive, zvimwe chetewo zvinoitika kumudvo zimai wavuyo anoti anorota akarume rara nevarume vakawanda.

“Tinofuma takaneta zvikuru mushure mekurota tichiita bonde. Zvose izvii zvakatanga tabva kwaa madzibabav­a,” vanodaro.

Mhuri iiyi inoti yave kugara nenzara sezvokudya kuri kutorwa nezvasinga­one vinhu zvavizvo zvavanoti zvidhoma.

“Tavel kugara nenzara sezvo tichishaya kudya mumba. Bhagidhi rehupfu rinoita mazuva maviri isu tichingova vanomwe chete. Nyama chaiyo tinoishaya mumba zvose nesadza ratinenge tasiya. Kana 2kg yesautti haigare, mazuva maviri inenge yaapera. Tikanobvun­zira tinonzi takkashinh­irwa,” vanodaro.

Mai Maachiveny­ika vanoti vave kutofunga a zvekudzoke­ra kumusha kwake neekuda kwezviri kuitika

“Ndashungur­udzwa zvekuti kwavari vabereki guma zvangu Mhuri iyi inoti yaronga ndafa vanodaro. k\umusha kwangu. Ndichaafa,” izzvi. vvangu vave kuti ndidzoke kunomha ven kwa Mambo Chireya kuti vatmhiko sikinure mdzavanonz­i vakaadziba­ba vapa tiwo Uku hapana chaanotya, akazvipira idzi. Madzibaba Steven anokuenda kuudare ramambo.

vakatama kubva kuGuruve vachiuGokw­e Vabereki vemhuri iyi vanonzi nogara knechinang­wa chekutsva ga minda yakakura, uko vakazonos shaikira.

Mambo o Chireya, VaHenry Chi, dzivo (49) vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kudare ravo.

“Dare rrangu harina basa kuti muporofit ta here kana kuti in’anga, tinoshevee­dza vedu vatinoshan­da navo kana paita kupumhana huroyi mativi ari kunetsana ochenurwa,” vanodaro.

 ??  ?? Tichaona Nyakundive­nga
Tichaona Nyakundive­nga
 ??  ?? Melody Machivenyi­ka
Melody Machivenyi­ka
 ??  ?? Mambo Chireya
Mambo Chireya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe