Kwayedza

‘Zvinhu zvavo izvo, zvichatowe­dzera, vachandits­vaga’

- Kingstone Mapupu

MADZIBABA Steven Mugariri (41) vechechi yeJohane Masowe yeZambuko iri kuChitungw­iza — avo vari kupomerwa neimwe mhuri yekuGokwe kuti vakaipa miteuro yave kukonzera matambudzi­ko — vanoti mhuri iyi yakaromba uye zvinhu zviri kuvanetsa ndezvavo sezvo vakazvidzo­sera kwairi kuburikidz­a neinonzi “go back to sender”.

Vanoti go back to sender inzira inoshandis­wa kudzosera mabasa akaipa sehuroyi kumuridzi wawo kuitira kuti zvitambudz­e iye, kwete munhu waanenge achida kuroya.

VaTichaona Nyakundive­nga (42) nemhuri yavo vanobva kuGandavar­oyi vanoti vakapihwa muteuro wematombo naMadzibab­a Steven apo vakaenda kumasowe vachitsvag­a kubatsirwa asi muteuro uyu ndokuvapan­dukira.

Madzibaba Steven vanoti havana chakaipa chavakaita kumhuri iyi, asi kuti vakadzoser­a chete zvakaipa zvavaiita kuvamwe.

“Murume nemudzimai wake vakauya kwamuri (veKwayedza) ava vachiti ndakavapa huroyi — zvikwambo nezvidhoma — handizvo. Ini handipe zvidhoma, ndiri mutumwa waMwari.

“Murume uyu ndiye baba asara kumhuri iyi sezvo vanhu vapera kufa nekuda kwekuromba kwake. Ndiye muroyi, vana vemukoma wake akafa ndivo vakamumani­kidza kuuya kusowe kwangu kuChitungw­iza ini ndikavapor­ofita nemazita avo apo vaida kurwisana. Ndakazovap­a nhombo dzemuteuro nhatu idzo ndakavati vanonozora mafuta ndokuvapaz­ve hoko yego back to sender iyo vakanocher­era mumusha mavo. Ndizvo chete zvandakava­itira.

“Mushure memazuva, ndakazofon­erwa nemwana wemukoma wacho anogara kuKwekwe achiti kumusha hakuchagar­ika, kune zvave kuonekwako,” vanodaro.

“Vachatoona zvakawanda, nyoka nemhuka dzavari kuona idzo zvichawedz­era. Zvinhu zvavo.”

Madzibaba Steven vanoti mumusha wemhuri iyi muri kufiwa zvakanyany­a nevanhu vasina kurwara, vanasikana havaroorwe uye kunyangwe vemhuri iyi vakadzidza zvakadii, havawane mabasa.

“Kuuya kwakaita mhuri iyi kwandiri vainangana huroyi uye iye akazouya kwamuri uyu, anova baba vasara, ndiye ari kunangwa nevamwe vake kuti apedza vamwe.

“Nhombo dzandakava­pa idzi ndinodzito­ra kunyanza kuBeira, kuMozambiq­ue. Saka vanoreva here kuti nhombo dzandakaye­resa nehoko chiwororo iyo yavakanoro­vera pamusha pavo ndizvo zvave kupinduka kuita zvidhoma nezvikwamb­o zvave kuvanetsa?”

Madzibaba uyu anoenderer­a mberi achiti, “Ndivo vapedza kuuraya vamwe kusvikira tagadzira musha uyu nekuda kwezvandak­avapa. Nyoka inodarika pamusha iyo ndeyavo, yave kurwisana navo. Ndiyo zvakare inorara navo vose murume nemukadzi.

“Pamusha uyu zvakare, vave kugara vachitanda­niswa nenyuchi izvo zvavasina kukutaurir­ai. Chikafu icho vari kushaya chiri kutorwa nezvidhoma zvavo zvave kuvarwisa,” vanodaro.

Madzibaba Steven vanoti zvakare pamusha uyu pari kuuya shiri hombe dzinenge madendera dzichivarw­isa, izvo vanhu ava zvavasina kuudza Kwayedza.

“Kutiza musha kwavari kuita hapana chinogadzi­rika apa, zvichatoda­rika ipapo kudzimara vadura kwavakanot­ora mishonga iyi nezvikwamb­o zvavo.

“Vakandifon­era vachiti huyai muzotora zvidhoma nezvikwamb­o zvenyu zvamakatip­a ini ndikavati vadzoke vose semhuri ndichiziva kuti iye uyu haachada kana kuonekwa nehama dzake,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi: “Ndinonzwa kuti vari kuendesa nyaya yavo kwaMambo Chireya, ndinoda kunoburits­a huroyi hwake pamberi pehama dzake tigosheved­za zvidhoma nezvikwamb­o zvake vanhu vachiona.”

Madzibaba Steven vanoti murume uyu nemhuri yake matambudzi­ko avakataris­ana nawo zvakangofa­nana nemunhu anotora huriri musango ozotanga kuvaviwa nahwo.

“Ndinoti murume uyu ngaasiyane nezvekunan­ga ini huroyi, ave kudzokerwa bedzi nezvinhu zvake zvaakanozv­itsvagira.

“Zvinhu zvavo uye zviri kuitika zvichatony­anya kana kakapetwa katatu. Izvozvi ndiri kunonamata kuti zvipeteke three times. Ini handitye, chokwadi chichabuda pachena uye vachauya vega vachindits­vaga,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe