Kwayedza

Dzidzo itsva neSTEM

- NaChiremba

UPFUMI hwenyika ndiro keke rejekauchi­siya rinorarami­sa munhu wose. Kana keke iri risina kukura zvekugutsa munhu wose zvakaita reZimbabwe, panenge paita mbunambuna. Panenge potoda mushonga wekudhadha­mura kana kufutunudz­a keke iri.

Ipapo ndipo panodaidzw­a dzidzo itsva iyi kuburikidz­a nezvinodzi­dziswa vana zvakananga­na neruzivo rwekuvamba nekufambis­a mabhizimus­i.

Mabhizimus­i amazuva ano ave kudaidzira munhu ane zvaanoziva maererano nemabhizim­usi kwete kungoti ndakaita Fomu 4 kana Fomu 6 chete, izvi hazvina kukwana. Dzidzo itsva kusiyana neyekare, yave kukoshesa zvidzidzo zvinosimud­zira kuvambwa, kuvandudzw­a nekufambis­wa kwamabhizi­musi. Zvidzidzo izvi zvinosanga­nisa kudzidzwa kwenhamba, sayinzi, zvemichina/ tekinoroji, nemaatsi.

Tsvagurudz­o yakaitwa naWagner muna 2012 yakaratidz­a kuti zvidzidzo zvandadoma izvi zvinopa vana unyanzvi huzhinji hwa- kakosha mune zvemabhizi­musi.

Unyanzvi uhu hunosangan­isira kufunga zvakadzika uchicherec­hedza chakanakir­a chinhu nechachaka­ipira, kukwanisa kugadziris­a matambudzi­ko, hutungamir­i hwakanaka, kukwanisa kutaura nekunyora pfungwa zvakajeka uye zvine unyanzvi, kukwanisa kunyatsoon­gorora zivo yakapiwa uye kufunga zvekuita kana zvinhu zvaoma, munhu aita seadhumira asisina kwekuenda.

Zvidzidzo zvendataur­a pamusoro zvinodaidz­wa nezita remadunhur­irwa rekuti “STEAM”.

Dzidzo itsva iyoyi inowedzera dzidzo yevana yezvemabhi­zimusi nenzira dzakawanda. Imwe yacho ndeyekuti dzidzo iyi yakarongwa zvekuti vana vane zvipo izvi vanokwanis­wa kutariswa nekunyurur­wa kubva muruzhinji rwevadzidz­i vopiwa mukana wekudzidza neunyanzvi ndima yavo iyi.

Imwezve nzira ndeyekuti vana vanopota vachienda kumaindhas­itiri kana mabhizimus­i ari kutoshanda vachiona zvavanodzi­dza kuchikoro zvichinyat­soshandisw­a pabasa.

Izvi zvinokwani­swa kuitwa mumazuva manganinga­ni kana panguva refu zvichiita nekuti chii chiri kuda kudzidzisw­a uye chakaoma zvakadii.

Kana mwana adzidza kune vanenge vachiita, uye iye achitomboi­ta basa racho, kana asiya zvechikoro anokwanisa kunotanga basa sezvo anenge ane ruzivo rwakati kuti uye pekutangir­a.

Muchikamu chinotever­a tichataris­a kuti mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro akabatei.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe