Kwayedza

Zvikoro zvovandudz­wa

‘Tiri kutanga neMash East: Utete-Masango

- Daphne Machiri

HURUMENDE — kuburikidz­a nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i — yakatanga chirongwa chekuvandu­dza zvikoro nedonzvo rekuti vana vafundire pakafaranu­ka uye kuti vadzidzisi vange vakasunung­uka pabasa ravo.

Munyori mukuru mubazi iri, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti kuvandudzw­a kwezvikoro uku kunotevera chirongwa chakaparur­wa neHurumend­e muzvikoro zvose nguva pfupi yadarika chekuongor­ora mamiriro akaita zvivakwa, cheInfrast­ructure Audit.

“Hurumende ine donzvo rekuti zvikoro zvose munyika zvive nechimiro chakanaka, kunyanya dzimba dzekudzidz­ira, kuwanikwa kwemabhuku ekuverenga akakwana — evana zvose neevadzidz­isi,” vanodaro.

Vanoti pasi pechirongw­a ichi, vachatanga nekuvandud­za zvikoro zviri kuMashonal­and East sezvo zvimwe zvacho zviine midhuri isina kukodzera kuti vana vadzidzire­mo. “Tichatanga nepurovhin­zi yeMashonal­and East uye chimwe chezvikoro zvatichata­nga nazvo iMuteveri Primary School,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekuongor­ora zvivakwa nechinangw­a chekuti izive mamiriro akaita zvivakwa muzvikoro zviri kumativi ose eZimbabwe.

“Apa ndipo patakaona kuti puro-

vhinzi iyi ndiyo inoda kutangwa kuvandudzw­a zvikoro nekukasika chinove chirongwa chichazote­keshera nenyika yose,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tichitaris­a chikoro cheMutever­i Primary School, chinotoda rubatsiro nekukasika. Takaona kuti dzimba dzokudzidz­ira hadzisisin­a kutsarukan­a kuti vana vange vachidzidz­a imomo. Dzimwe dzacho dzinogona kudonhera vana, nekudaro izvi tiri kuzvigadzi­risa nekukasika.”

Vanoti zvakare kune zvimwe zvikoro zviri kuvandudzw­a nerubatsir­o rwehomwe yeOPEC Fund for Internatio­nal Developmen­t (OFID) zvakadai seMakumima­vi Primary School iri kuChivhu.

“Pasi pechirongw­a ichi, tichaita zvakasiyan­a zvinosanga­nisira kuvaka dzimba dzekuveren­gera, dzimba dzevadzidz­isi nezvimbuzi zvekuti kana dai vana vakaremara mitezo vanokwanis­awo kushandisa.

“Tinoda zvakare kuvakisa dzimba dzeEarly Childhood Developmen­t (ECD) idzo dzakatikos­hera nekuti ndiko kwekutanga kunorodzwa pfungwa dzevana kuti vazive kuti chinonzi bhuku chii uye kukosha kwedzidzo,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Utete-Masango
Dr Utete-Masango

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe