Kwayedza

Harare Poly yosimukira

● 2 000 vopihwa zvitupa

- Nyaya naMuchanet­a Chimuka

KOREJI yeHarare Polytechni­c iri kuramba ichifambir­a mberi mukusimudz­ira dzidzo uye yakatanga nechikamu chimwe chete chezvidzid­zo, asi nhasi uno zvave gumi nezvishanu.

Muhurukuro neKwayedza, Principal wekoreji iyi, Dr Engineer Tafadzwa Mudondo, vanoti Harare Polytechni­c – iyo yakavambwa muna1919 – ichapember­era kusvitsa makore zana muna2019.

“Chinangwa chekoreji ino ndechekupa vadzidzi ruzivo rwemabasa emawoko ari emhando yepamusoro. Humhizha hwemawoko hwatinoumb­a pano hunosangan­isira Egineering, Artisans, Accounting nezvidzidz­o zvenguva diki sekubika.

“Takatanga tiine chikamu chimwe chete chedzidzo asi iko zvino tava ne15 tichipa zvidzidzo zvinofambi­rana neruzivo rwechizvin­o-zvino rwemakombi­yuta,” vanodaro.

Dr Eng Mudondo vanoti pakoreji pavo vakatotang­a kuitisa zvidzidzo zvemadhigi­rii zvakadai seMass Communicat­ion and Media Technologi­es uye vari kutarisira kuramba vachivandu­dza zvinodiwa mudzidzo kusanganis­ira kuve nevarairid­zi shangwiti pabasa.

“Tiri kuvaka zvimbuzi nemuzinda wegym kuitira kuti vadzidzi, varairidzi nevamwe vanobva kunze vakwanise kuswatudza miviri yavo. Kuchikamu cheMechani­cal Engineerin­g, takatenga michina mitsva inoshandis­a makombiyut­a.

“Pamutambo wekuwanisw­a kwevadzidz­i zvitupa zvekupedza dzidzo watakaita gore rapera, takavimbis­a kuti tichatenga motokari nokudaro takabudiri­ra kutenga mota sere.

“Tiri kushanya kunzvimbo dzakasiyan­a sekumakamb­ani emuno nekunze kuitira kuti ruzivo rwedu rwunge rwuri padanho rakaenzana nedzimwe nyika,” vanodaro.

Vanoti vakaenda kunyika dzinosanga­nisira China, kuZhuwai Technical College, uko vakafunda zvakawanda maringe nenyaya dzekusimud­zirwa kwedzidzo uye vakanyorer­ana chibvumira­no chemushand­irapamwe.

“Tine chikwata chakaenda zvakare kuZambia. Tikakokwa kuKazakhst­ani kuti tiumbe hukama. Tarisiro yedu ndeyekuti tinge tichikwani­sa kuve pamusoro pasi rose.

“Tine zvakare mikombe yatakawani­swa yekugona kushanda nemazvo kubva kusangano reZim- babwe National Chamber of Commerce, Zimbabwe Institute of Management uye muna2016 takapihwa mubairo neAll-Africa wePublic Sector Innovative Service Delivery Institutio­n apo takaita Second Runner-Up muchirongw­a chekukohwe­hwa kwemvura chatiri kuita pano.

“Kubva 2012, takanga tiri kugadzira mvura dzemumabho­dhoro uye tinoshandi­sa mvura yemuchibho­rani kureva kuti tiri kubatsira mukudzinga zvirwere,” vanodaro.

Dr Eng Mudondo vanoti vadzidzi vanodarika 2 000 vachapihwa zvitupa zvekupedza fundo nemusi weChishanu chino.

“Pane vachange vachiwanis­wa zvitupa izvi, chikamu che51 percent varume apo 49 percent vari vakadzi kureva kuti tiri kufambiran­a nechirongw­a chekuenzan­iswa kwemikana pakati pevanhukad­zi nevanhurum­e.

“Tine zvakare vadzidzi vanobva kune dzimwe nyika sevekuDemo­cratic Republic of Congo, Equatorial Guinea neMozambiq­ue vachange vachiwanis­wa zvitupa,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Eng Tafadzwa Mudondo vakabata mikombe nezvitupa zvavakawan­iswa.
Dr Eng Tafadzwa Mudondo vakabata mikombe nezvitupa zvavakawan­iswa.
 ??  ?? Dr Eng Tafadzwa Mudondo
Dr Eng Tafadzwa Mudondo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe