Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

-

Shona: MVUU Ndebele: Imvubu English: Hippopotam­us MVUU imhuka inofarira pane mvura iine muviri mukuru unenge chidhiramu, makumbo mapfupi nemusoro mukuru.

Ine ruvara rwakapfumb­uruka serwune madhaka.

Mvuu ndiyo imwe yemhuka dzakakuris­a panyika. Ndiyozve ine mazino akakura kudarika edzimwe nyuka dzose. Mazino ayo anoramba achingokur­a kweupenyu hwayo zvekare anoshandis­wa pakurwa, kusanganis­ira kuruma vanhu.

Kana yakura, mvuu inorema 1 500kgs. Hadzi dzacho iduku zvishoma pane rume.

Kana zvazvo iine muviri mukuru, mvuu inokwanisa kunzunzuti­ra 30 km paawa. Mhuka iyi haigone kusvetuka asi ichikwanis­a kukwira mahombekom­be erwizi.

Mvuu haina chipo chakakura chekushamb­ira, ndokusaka dzichifari­ra mumvura inenge isina kunyanya kudzika. Kana iri mudziva rakadzika, mvuu inoita zvekufamba nepasi.

Maziso, nzeve nemhuno zvemvuu zviri nechepamus­oro pemusoro wayo kuitira kuti painony’udza mutumbi wayo mumvura, zvinosara kunze. Kana iri pasi pemvura, mhuno nenzeve zvinovhari­ka.

Ganda remvuu harina mvere uye rakakora chipo che6cm kuitira kuidziviri­ra kuzvikara. Ganda iri rinoburits­a zvinenge ropa kana kuti mafuta izvo zvinoita kuti rigare rakanyorov­era. Ndizvo zvinonzi “blood sweat” kana kuti “dikita reropa”.

Mvuu inogona kugara pasi pemvura kwemaminet­si kana 30.

Dzinogara dziri zvikwata zvemhuka 10 kusvika 20 dzichitung­amirirwa nerume inokurira dzose.

Mvuu inofura sora uye husiku humwe chete inogona kudya 30 kusvika 60kg dzehuswa. Dzinonyany­ofarira nguva dzehusiku apo dzinobuda mumvura dzichinots­vaga mafuro.

Hadzi dzacho dzinoberek­a dzava nemakore manomwe kusvika 15 asi rume dzinokasik­a. Zamu remvuu rinoita mazuva 243, chipo chegore rose apo inobara mhuru imwe chete.

Mhuka iyi ine hukasha, kunyanya kana iine mhuru nekunge masangana uri pakati payo nekune dziva.

Nechikonze­ro chekuti mhuka iyi inofamba pakareba ichitsvaga mafuro, pane mukana wekuti dzinogumis­ira dzave kunogara vanhu. Veruzhinji vanozivisw­a kuti mvuu imhuka ine hukasha, naizvozvo vasaidenhe kana vaiona. Injodzi kumunhu kuyambuka nzizi dzinozivik­anwa kuti dzine mvuu. Kana maona mvuu, zivisai mapurisa kana veZimparks vari pedyo nemi.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

The Safari Companion - Richard Estes

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Mvuu
Mvuu
 ?? Juliet Sharon Tom ??
Juliet Sharon Tom

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe