Kwayedza

Chirwere chemaPiles

- Muchaneta Chimuka

MAPILES zvinoreva marwadzo uye kuzvimba kunoita tsinga dzakapoter­edza nzvimbo inoraswa nayo tsvina kana pedyo nekumuromo weura hunorasa tsvina (rectum).

Munhu ane maPiles anonzwa kunge ane twumabhora twudiki kana kuti tumapundu twakazvimb­a nechemukat­i uye anorwadziw­a zvikuru zvisinei nekuti haana njodzi yakanyanya yaanokonze­ra kuupenyu hwemunhu.

MaPiles anowanzoba­ta madzimai akazvitaku­ra asi achizopera oga.

Anoita kuti munhu anetseke pakuita tsvina, zvikuru iya inenge yakaomarar­a uye dzimwe nguva anokura zvakanyany­a achikonzer­a marwadzo. Zviratidzo zvemaPiles: Kuomarara, kurwadziwa uye dzimwe nguva kubuda ropa panzvimbo yakakomber­edza nzira inobuda netsvina.

MaPiles anogona kurwa- dza munhu kwemazuva achimbomir­a asi achizotang­a zvakare. Kuvaviwa panzvimbo inoita tsvina hazvirevi kuti unenge uine maPiles asi kuti zvinogona kunge zviri zvimwe zvirwere kana makonye. Kudzivirir­a maPiles: - Onai kuti nzvimbo inorasa tsvina yagara yakachena. Zvakakosha kugeza nemvura inodziya kuitira kuti unyatsoche­na uye marwadzo aderere.

- Isa mushonga unodaidzwa kuti Zinc Oxide ungava uri wehupfu kana kuti wakakora kana kuti mafuta ekuzora kuitira kuti nzvimbo ine marwadzo igare yakapfava uye kuti tsvina ibude nyore.

— Kune zvakare mishonga yaunofanir­a kunyorerwa nemachirem­ba kuti ushandise.

— Zvipfeko zvako zvemukati ngazvive zvakagadzi­rwa nejira redonje uye zvisingaba­ti zvakanyany­a.

— Inwa mvura kana zvinwiwa zvakawanda nekudya michero kuitira kuti tsvina yako ibude yakapfava.

- Idya chikafu chine roughage yakawanda sechingwa chegorosi kuitira kuti usaomerwe zvakanyany­a.

- Usatora nguva refu wakangogar­a panzvimbo imwe chete.

- Zvipe nguva yakati wandei uchiita tsvina pane kumanikidz­ira nekuti unowedzera marwadzo. Ona chiremba:

— Kana uchinge uchirasiki­rwa neropa zvakanyany­a uye rakasviba.

— Kana uchiramba uchibuda ropa kwesvondo rose zvisinei nekuti unenge wapihwa mushonga nachiremba.

— Kana marwadzo acho achiramba akasimbara­ra

Ruzivo urwu tinorwuwan­a kubva mubhuku resangano rinorwira kodzero dzevanhuka­dzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako”.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe