Kwayedza

Kukosha kwekuongor­ora ivhu

- Wendy Madzura

MAZUVA ano kurima rave bhizimusi, nokudaro donzvo revarimi rinofanira kuva rekuti vatevedze tsika dzinoita kuti varime zvine pundutso. Ivhu ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha nekuti muvhu ndimo munokurira mbesa.

Nokudaro zvakakosha kuti varimi vaone kuti ivhu raongororw­a (soil analysis). Kune zvinhu zviviri zvakakosha muvhu kuti mbesa dzikure zvakanaka zvinoti:

i) Kukwanisa kupa mbeu kudya kwakakodze­ra nehuwandu hwakakwana uye panguva yakafanira.

ii) Kukwanisa kupa mbeu mvura kana hunyoro hwakakwana kuti mbesa dzikure zvakanaka.

Nokudaro zvakakosha kuti varimi vaongorore ivhu ravo kuti vaone kuti riri kuvava kana kutapira zvakadii (pH), uye kuti muvhu mune kudya kwakadii, iya yatinoti fertility/ nutrient analysis.

Muchando ndiyo nguva yakanaka kuongorora ivhu:

i) nekuti zvinopa varimi nguva yakakwana yekuti vawane mhinduro maringe nemamiriro evhu ravo uye kuti vaite gadziro dzinodiwa mwaka unotevera usati wasvika.

ii) kuongorora ivhu panguva yechando kunoita kuti varimi vanoda kurima mbesa dzemuchand­o vaite gadziriro yakakwana yefertirez­a inodiwa. Ivhu rinofanira kuongororw­a kamwe pamakore matatu kana mana asi zvinosiyan­a nemarimiro amunenge muchiita. Munda unoitwa double cropping unoda kuongororw­a mushure menguva pfupi kudarika munda unorimwa kamwe chete pagore,

Nzira yekutora ivhu inoshandis­wa nevazhinji ndeye kupatsanur­a munda zvichiende­rana nekusiyana kwakaita ruvara kana mamiriro evhu (jecha, dzvuku, shapa, mhukutu).

Zvakakosha kuti varimi vasatore ivhu pachuru, mucheto wemunda zvinhambo zvishanu 5m, nzvimbo dzinosanga­nisirwa mishonga kana kugadzirwa fetereza, nekuti rinenge rakasiyana nerimwe.

Pakutora ivhu, varimi vanofanira kuziva kuti chakakosha kuwana chitsama chevhu chinenge chichimiri­ra mamiriro emunda wese. Nzira dzokutora ivhu dzinosanga­nisira kutora munda muchinyora Z, kuchinjika (diagonal), kana kungotora nzvimbo dzakawanda pandima imwechete (random sampling).

Ivhu rinogona kutorwa pandima ine ivhu rakafanana dzinogona kuita gumi kusvika pamakumi maviri.

Pakutora ivhu panoshanda badza, foshoro kana kuti inonzi sampling auger. Varimi vanofanira kudzikisa badza kusvika pa20cm dzokutanga nokuti umu ndimo munokurira midzi yembesa. Zvakakosha zvekare kuti midziyo yese ichashandi­swa kutora ivhu, uye parichaisw­a pakachena kuitira kuti zvisakanga­nise mamiriro evhu ratorwa.

Kana ivhu remindima yakafana ratorwa, rinofanira kusanganis­wa potorwa chitsama chishoma chekuendes­a kunoongoro­rwa (1 – 1.5 kg).

Zvakakosha kunyora zvinoonekw­a pabepa rinotsanan­gura kuti ivhu rinenge rabva pai nokuti zvinozobat­sira pakuvereng­a mirairo inozouya mushure meongororo.

Ivhu rinoongoro­rwa ku nzvimbo dzinosanga­nisira kubazi reHurumend­e rinoona nezvetsvak­urudzo, kambani inoona nezvekurim­wa kwefodya yeTRB, zvikoro zvedzidzo yepamusoro (university) pamwe chete nemakamban­i anogadzira mafetireza.

Varimi vanofanira kuziva kuti kune chikero chinoshand­iswa kuona kuti ivhu riri kuvava here kana kutapira chinonzi (calcium chloride scale). Ivhu rinovava (acidic) rinenge riri pasi pa7 pachikero ichi asi rinenge riri pamusoro pe7 rinonzi rinotapira (alkaline).

Zvinhu zvitatu zvinoita kuti ivhu rinzi rinovava:

i) Chokutanga kukohwa varimi vachibvisa mashanga ese mumunda kunoita kuti ivhu rirasikirw­e nekudya kunonosang­anisira calcium nemagnesiu­m.

ii) Mvura yekunaya inogona kugeza kumwe kudya kunenge kuri muvhu kobva kwaenda pasi pasingakwa­nisi kusvikwa nemidzi zvoita kuti ivhu ritange kuvava.

iii) Kushandisa mhando yefetireza ine kudya kweNitroge­n inosangani­sira AN, Urea

Kuvava kwevhu kunokwanis­a kuita kuti ivhu ritadze kushanda zvakanaka nenzira dzinotever­a:

— Kuvava kwevhu kunokwanis­a kusvika pakutadzis­a chirimwa kukura zvakanaka kana kupisa chirimwa (toxicity)

— Kana ivhu richivava rinobva rasunga kumwe kudya kunodiwa nembesa, mbesa yotadza kukura zvakanaka. Muyenzanis­o ndewe kudya kwePhospho­rous kunokudza midzi inozoita kuti mbeu itore mafetireza nemvura.

— Kune kumwe kudya kunodiwa nembesa kusina kuwanda anonzi mamicro nutrients/trace elements, kunoita kushoma zvotadzisa mbeu kukura zvakanaka.

— Kuvava kwevhu kunoita kuti twupukanan­a twemuvhu twunobatsi­ra twutadze kukura zvakanaka.

— Uye mamiriro evhu (physical structure) anokangani­swa nekuvava kwevhu zvoita kuti ivhu riite chikoko chakaomara­ra pamusoro icho chinotadzi­sa mbeu kumera zvakanaka.

Kana munda uine ivhu rinovava, varimi vanofanira kushandisa lime. Mhando dzelime dzinosanga­nisira DOLOMITIC LIME neCALCITIC LIME. Mhando mbiri idzi dzinosiyan­a pakugadzir­isa kwadzo ivhu uye pachikafu chadzinowe­dzera muvhu.

Hatikurudz­iri varimi kungoisa chero lime nekuti zvinoita kuti kumwe kudya kunodiwa nembesa kuite kushoma, varimi voona mavara pamashizha embesa dzavo nokudaro kurudziro ndeyekuong­ororesa ivhu moudzwa mhando inoenderan­a nemunda wenyu.

Lime inoda kuiswa paine mwedzi mitatu kana kupfuura mishanu mbesa isati yadyarwa, nokuti zvinotora nguva kuti itange kushanda. Kana lime ikanonoka kuiswa, haizogadzi­risi kuvava kwevhu mwaka iwoyo, inongozoba­tsiridza kuti mafetireza ashande zvakanaka asi kuvava yozogadzir­a pashure.

Lime inofanira kuiswa muvhu kusvika panenge paine midzi (1525cm). Inoda kuita zvekumwaya munda wese (broadcasti­ng) nemaoko kana nemuchina unonzi lime spreader. Zvakakosha kuona kuti lime nevhu zvanyatsos­angana. Kana kune mhepo, hatikurudz­iri varimi kuisa lime nekuti yakatsetse­ka zvakanyany­a zvinoita kuti itorwe nemhepo.

Uyu mubvunzo une varimi vazhinji, regai tipajekese ipapo. Inonzi lime ine zvainazvo zvisingawa­nikwi muGypsum zvinozoita kuti igadzirise kuvava kwevhu. Asi zviviri izvi zvinofanan­a pakuti lime ine kudya kunonzi Calcium kunowanikw­awo muGypsum asi izvi havirevi kuti gypsum inoita kuti ivhu risavave. Vamwe vanototi gypsum inobatsiri­dza kuti ivhu rinenge roda kutapirisa (alkaline) risarambe richiender­era.

Asi basa hombe regypsum kupa zvirimwa Calcium nekureruts­a ivhu kuti risaite chikoko ichisimbis­a zvirimwa.

Lime inobatsira ivhu nenzira dzinotever­a:

— kuvandutsa chimiro chevhu (structure)

— kupa mbesa kudya kwemhando yeCalcium neMagnesiu­m zvinodiwa pakukura kwembesa

— kuita kuti mafetireza ashandiswe zvakakwana nembesa, zvoita kuti tiwane goho repamusoro.

— kuita kuti zvinokanga­nisa kukura kwembesa kana kupisa mbesa zvishaikwe muvhu.

— inobatsira twupuka twemuvhu twakakosha kuti twurarame kuti mbesa iwane zvakakwana pakukura.

— kuti mishonga yesora nemimwe ishande zvakanaka.

◆ Wendy Madzura murimisi kuSeed Co.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe