Kwayedza

Varimi vosimudzir­wa

- Kingstone Mapupu

NHENGO yebato reZANU-PF ichangobva mukusarudz­wa kumirira dunhu reMudzi North mudare reNational Assembly - Cde Newton Kachepa - vanoti vane zvirongwa zvakasiyan­a zvavari kuita zvekusimud­zira varimi zvinosanga­nisira nyaya dzemadirid­ziro, kupfuva huku pamwe chete nembudzi.

Vanoti sezvo dunhu reMudzi richizivik­anwa nekupisa uyewo nekusanaya kwemvura zvakanaka zvinoita kuti vanhu vagare vaine nzara vachitadza kukohwa zvakanaka muminda yavo nekudaro vane zvirongwa zvekurima varimi vachidirid­zira izvo vanoda kuvandudza.

“Dunhu redu hariibve zvakanaka munyaya dzekurima idzi, mvura inonaya shoma kuno uyewo mimwe minda yedu ine matombo zvikuru erukangara­hwe. Saka ndine hurongwa hwekushand­a zvakasimba nevemapazi anoona nezvekurim­a kuti tione kuti minda yemadiridz­iro yasimudzir­wa muno uyewo nekuti tirime mbesa dzinoshing­irira muzuva dzakaita semhunga, mapfunde nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Vanoti varimi vemudunhu ravo vanofanira­wo kurima dzimwe mbesa diki dzakadai sebhinzi nenyemba.

“Tine varimisi muno veHurumend­e nevemamwe masangano akasiyana vari pasi peWorld Vision avo tiri kushanda navo kuti tive neminda yemadiridz­iro yakawanda kuti tirime tichiguta,” vanodaro.

Madiridzir­o aya vanoti mvura yacho ichadhonzw­a kubva muzvibhora­ni nemumigodh­i yakatsauka­na.

Mamwe emadiridzi­ro agara ariko kare mudunhu iri anosangani­sira Dendera Irrigation Scheme iyo varimi vanotora mvura kubva mudhamu reDendera. “Varimi vemuminda iyi vane mapindu avanorima zvirimwa zvakasiyan­a zvinopa ruwomba zvakaita sematomati­si, muriwo, mabanana, mbambaira, derere nezvimwe izvo zvimwe vanotenges­a vachizviwa­nira mari nekudyawo,” vanodaro.

Zvakadai, Cde Kachepa vanoti vachangobv­a kupedzisa kuvakisa madhibhi anosangani­sira reVhombozi neRukonde kuitira kurerutsir­a varimi kuti vasafambe nzendo ndefu kunodhibhi­sa mombe dzavo.

Vanoti vane zvirongwa zvakasiyan­a zvakadai sekupfuya huku, nguruve nembudzi zvavari kuita nedonzvo rekusimudz­ira vechidiki nemadzimai mudunhu ravo.

“Tine zvikwata zvemadzima­i nevechidik­i izvo takaumba kuti tipfuye mbudzi idzo dzinopa mari nekukurumi­dza uyewo nguruve nehuku. Mbudzi idzi dzatovako kare dzatiri kumirira kuti tizopa kuzvikwata zvakaumbwa kare zvemadzima­i nevechidik­i kuti upenyu hwavo husikumuki­re,” vanodaro.

“Tiri mhuri imwe chete, tagara tichishand­a tose zvakanaka pasina anosundidz­ira kana kutswiny’a mumwe,” vanodaro Cde Kachepa.

 ??  ??
 ??  ?? Cde Newton Kachepa
Cde Newton Kachepa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe