Kwayedza

Vanotenges­a minda voyambirwa

- Kingstone Mapupu

VARIMI vari kuita tsika yekutenges­a minda yavo pamwe nekuirende­sa kune vamwe voyambirwa kuti vasiyane netsika iyi sezvo zvichidzos­era mabasa ekurima kumashure.

Sabhuku Nhemachena VaIson Nhemachena (72) vekwaMambo Chipuriro, kuGuruve vanoti kune vagari vemumusha wavo nemimwe yakakomber­edza nzvimbo yeGuruve Growth Point vari kuita tsika yekutenges­a minda kana kurendesa kune vari kubva kure ivo vachisara vaine nzara mudzimba dzavo vasingarim­e.

“Tine varimi vazhinji vane minda yakatevedz­a rwizi rwaDande uko kune madhamu maviri anoti Dande neChimanik­ire anowanisa minda iyi mvura yekudiridz­ira. Kune vamwe vana vakasiirwa minda nevabereki vavo iyo vasingade kurima vave kupota vachitenge­sa uyewo nekurendes­a kune varimi vari kubva kure zvinova zvatisinga­kurudzire zvachose,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Hongu, minda yavari kutengesa nekurendes­a iyo vakasiirwa nevabereki vavo asi kutengesa minda hakupedze nhamo. Kurima ndiwo musimboti wekupfuma, tinonzwa kuti vamwe vanokwanis­a kupihwa $100 kana mari shoma vachirende­sa munda wakakura hekita pamwaka wese wekurima. Dai munhu uyu airima munda uyu aikwanisa kuwana mari yakawanda zvikuru.

“Varimi vari kutenga minda iyi nevanorend­a vacho vari kutenga matarakita nemarori apo ivo vachipedza tumari twavanopih­wa nekutenga chingwa netumwe tunonaka,” vanodaro Sabhuku Nhemachena.

Vanoti vane hurongwa hwekusvits­a nyaya yekutenges­wa kweminda iyi kwaMambo Chipuriro kana kumahofisi amudzviti weko kuti igadzirisw­e.

“Ivhu haribereka­ne kana kukura zvinoreva kuti vanhu vari kutengesa ivhu ava vachatambu­dzika nekufamba kwenguva vave kuzoshaya kwekurima kana vana vavo,” vanodaro.

Vanoti muminda iyi munorimwa zvirimwa nguva yose yegore izvo zvasimudzi­ra zvikuru vamwe vagari venzvimbo iyi avo vari kurima zvinosanga­nisira mbatatisi, muriwo, bhinzi, chibage nematomati­si vachitenge­sa munzvimbo yemabhizin­esi yeGuruve nekumwewo.

Sabhuku Nhemachena - avo vanova mumwe wevanorima muminda yemadiridz­iro iyi vanoti upenyu hwavo hwasimuka zvikuru nekurima vachitenge­sa.

“Zvirimwa zvizhinji muno zvinotenge­swa zviri zvinyoro sechibage chandinori­ma ini. Tinoshandi­sa mahinjini kuita basa iri mvura yacho haiperi, zvino woona mumwe munhu wotengesa munda nekuda ka$100!” vanodaro.

 ??  ?? Sabhuku Nhemachena vachitarid­za chibage chavo chinyoro chavari kurima muminda yemadiridz­iro kwaMambo Chipuriro, kuGuruve. — Mufananidz­o naNicholas Bakili.
Sabhuku Nhemachena vachitarid­za chibage chavo chinyoro chavari kurima muminda yemadiridz­iro kwaMambo Chipuriro, kuGuruve. — Mufananidz­o naNicholas Bakili.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe