Kwayedza

MaSpringbo­ks ovimba naEtzebeth

-

MUTAMBI werugby wekuSouth Africa, Eben Etzebeth, ari kutarisirw­a kutamba mutambo wake wekutanga achitambir­a nyika yake kubva zvaakapedz­isira mwedzi 10 yadarika apo maSpringbo­ks achatamba mumakwikwi eRugby Championsh­ip neArgentin­a kuKing’s Park musi weMugovera.

Murairidzi wemaSpring­boks, Rassie Erasmus, akazivisa kuti kaputeni wegore radarika uyu akatenderw­a nanachirem­ba kuti atambe uye anogona kutamba awa rekutanga apo vari kusangana nemaPuma.

Etzebeth akange ambomira kutamba zvichiteve­ra kukuvara kwaakange aita ruoko rwake uye nemusana.

“Utano hwake ndihwo hune nyaya nekudaro ndosaka tisiri kuzomuona achitamba maminitsi anodarika 60 svondo rino,” Erasmus anodaro.

“Tichangota­mbira matsamba kubva kunanachir­emba vanamazvik­okota. Ange achiita gadziriro dzakakwana nesu kubva pakapera mwaka wemaStorme­rs weSuper Rugby, asi tange tichimirir­a tsamba yeutano hwake chete.

“Ndinoda kutangisa mutambi akaita saye mumutambo uyu pane kumutangis­a akagara pabhenji. Kana tikatangis­a mumwe mutambi obva akuvara mumaminits­i okutanga, tinochiona chimoto.”

Kudzoka kwaEtzebet­h pamwe chete nevamwe vatambi vanosangan­isira Wareen Whiteley anotamba paloose-forward nahooker Malcolm Marx kwabatsira kusim- bisa chikwata ichi nekuwedzer­a huwandu hwevatambi vekusarudz­a.

Chikwata chaErasmus chakakunda England 2-1 pamusha munaChikum­i.

“Takakombor­erwa kuvatambi vekumberi, nguva yanga yareba tisina vatambi ava pamwe nemahooker chaiyo vakakwana muchikwata. Taive tizere nevepasi chete saka tave kusanganis­a vatinavo nevanokwan­isa kutisimudz­ira uye kuhwinisa chikwata chedu,” anodaro Erasmus. — Sportsmail Rugby

 ??  ?? Rassie Erasmus
Rassie Erasmus

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe