Kwayedza

Tinorarama: Dynamos

- Abel Ndooka

MANEJA weDynamos FC, Richard Chihoro, anoti hazvimbofe zvakaitika kunzwa kuti DeMbare yaburitswa muligi reCastle Premiershi­p kunyangwe ikatamba zvakashata sei.

Chikwata ichi mwaka uno hachisi kutamba zvinogutsa izvo zvinove zvimwe zvezvikonz­ero zvakazotum­a aimbove mutungamir­i wacho Kenias Mubaiwa kuti asiye chigaro chake.

Parizvino chikwata ichi chakagara pechi13 palog chiine zvibodzwa 22 kubva mumitambo 20 yachatamba uye chakasiiwa nezvibodzw­a 27 neFC Platinum iyo iri kutungamir­a palog.

Mwaka uno, Dynamos yasarirwa nemitambo 14 nekudaro iri kufanirwa kuhwinha mitambo yayo yose kuti irambe iri muPremier Soccer League.

“Hakuna zvinhu zvakadaro zvinomboit­ika. Isu tiri Dynamos zvizivei uye tasarirwa nemitambo 14 saka muchaona minana ichaitika.

“Tinogona kupedza tiri kumusoro ikoko tichidzing­irirana nevamwe, kwete kuburitswa muPSL nekuti haizove nhabvu kana DeMbare tisimo uye hazvitombo­itike,” anodaro Chihoro.

Nyoka - sezita remadunhur­irwa raChihoro - anoti chimwe chezvikonz­ero chaiita kuti chikwata ichi chitatarik­e kutadza kunwisa kwevatambi vekumberi izvo anoti zvakagadzi­riswa nekutengwa kwaKingsto­n Nkhatha uyo akabva kuSuperspo­rt United yekuSouth Africa uye nevamwe vatambi vanosangan­isira Brett Amidu naDenver Mukamba.

“Kumberi uko ndiko kwange kwakabooka, asi tazokugadz­irisa nekuuya kwaNkhatha, tiri kumuona achiita gadziriro dzake. Mutambi uyu ari kupisa uye akamirira kubvongodz­a mambure.

“Kozoti Brett naDenver vese vari kutopisa vari kutongomom­irira kuti mutambo usvike votongonwi­sa,” anodaro.

Chihoro anoenderer­a mberi achiti Mukamba ari kupihwa mukana sevamwe vatambi kuti abatsire chikwata ichi. Zvakadai, kudzoka kwakaita Mukamba kuDynamos kwakaona pachiita kakudhonze­rana sezvo zvichinzi murairidzi weDeMbare - Lloyd Mutasa - aisada kuti mutambi uyu adzoke nekuda kwehunhu hwake hwange husina kumira zvakanaka izvo zvakambomu­ona achiendswa kuCAPS UNITED nechikwere­ti uko akazodzing­wa zvichiteve­ra kusaenda kwaakaita kunotirena.

“Denver tinaye ndewedu adzoka muchikwata, uye ari kupisa tiri kumuona patiri kuita gadziriro dzedu saka mumwe wevatambi vachatibat­sira kuti tirambe tiri muPSL tisaburits­we muPSL,” anodaro Chihoro.

 ??  ?? Denver Mukamba
Denver Mukamba
 ??  ?? Richard Chihoro
Richard Chihoro
 ??  ?? Kingston Nkhatha
Kingston Nkhatha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe