Kwayedza

Rume rinodhoter­a mumabhurug­wa:-

‘. . . hanzi ndachember­a’

- Lizzy Mushoriwa

MURUME wekuti ari kudzingwa pamba nemudzimai wake achinzi ave hari yefanzirof­a nekudaro anofanira kunogara kumusha akademba mudare redzimhosv­a achiti mukadzi wake achiri kumuda.

Godfrey Joseph akamhan’arira Julia Joseph kuHarare Civil Court achiti anomutuka uye kumurova asi achiziva kuti anorwara.

“Mambo wangu, ndauyawo kuno nemukadzi wangu uyu, ndanzwa nekushungu­rudzwa. Tinogara tose asi anondidzin­ga mubhedhuru achiti ndachember­a, handisisin­a basa uye anondinyim­a kodzero yangu yebonde. Kutaura kuno tava nemakore 26 tisingasan­gane,” anodaro Godfrey.

Anoenderer­a mberi achiti, “Pandinenge ndabuda nebasa, anotora zvinhu achitenges­a achiti ndiende ndinogara kumusha apa ini handina kumusha. Mukadzi wangu ndomuda, asi haana basa neni achiziva kuti ndinorwara nemakumbo. Anondirova uye kundituka.

“Chandinong­oda kuti asandirove, kundituka kana kundidzing­a mubhedhuru nekuti ndimo mune chimbuzi chiri padhuze kuitira makumbo angu. Ane vanhu vari kumufurira kuti andirambe, otengesa imba,” anodaro Godfrey

Julia anoramba mhosva yaari kupomerwa.

“Uyu anga ari murume wangu, pari zvino takamirira magwaro ekuti tidambure muchato. Imba yavari kutaura takatenga tose, ivo ndokuzotiz­a kumba muna2003 vachinogar­a neshamwari­kadzi.

“Kuzouya kwavo igore rino muna Chikumi vachitorwa­ra ini ndikavatam­bira. Iye zvino ndiri kuvachenge­ta kuvapa chikafu, mapiritsi nemari dzekuchipa­tara,” anodaro Julia.

Anoti mumwe nemumwe wavo anorara mubhedhuru­mu rake.

“Ini handivashu­ngurudze, ivo vane bhedhuru ravo ini ndine rangu.

‘‘Izvi ndakazviit­a nekuti vanoputsa zvinhu zvangu, ivo ndivo vatori nemhirizho­nga kwete ini,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Godfrey gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe