Kwayedza

MANGA MUCHIZIVA HERE?

-

UKAHETSURA uchishandi­sa simba rakadariki­dza unokwanisa kutyora imwe yembavhu dzako uye ukada kudzivisa kuhetsura uku zvakare unokwanisa kuputitsa imwe yetsinga dziri mumusoro mako kana dzepahuro izvo zvinogona kuisa hupenyu hwako panjodzi. - Odd Facts About Your Body

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Mukushava, vamwe venyu voita hwedzvatsv­atsva pose pafungirwa pomhanyirw­a, asi iwe gona kuronda gwara rimwe chete, bvoorero iriko mberi.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Chibate-tsve bate-tsve choita kuti vamwe venyu vasapedze kutevedza gwara ravo rebudiriro, rega kuita mavato pakutevedz­a miono yako.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Pakushava rega kuzvitende­ra kusvika pakupererw­a nemazano, uye usarambire mune zvakamboku­yamura mune rane zuro, gona kutanga hurukuro itsva.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Vakawanda venyu vakatarisi­ra bvoorero kubva kure, asi nyenyedzi yenyu yoratidza kuti kukunda kwenyu kuri pedyo nemi. Ruvara rwoonderan­a nemi rwuchena.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Mukuita sarudzo dzeupenyu rega kuchimbidz­a kumedza kutsenga uchada, mwaka wako wekutora nguva uchizeya usati watanga kuteverana nezvausina chokwadi nazvo.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Muchasanga­nidzana nevamwe vamange mave nenguva musati maona, ivava vachakunon­gedzerai kune zvimwe zvitsva zvamange musina tarisiro yazvo.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Ravidzo yetwakanak­a muupenyu yaswedera, mazuva enyu ekugona kugamuchir­a zvamunotam­bidzwa. Nhamba dzenyu dzevhiki ndipiri

nanomwe.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Paye paimboita sepasingas­vikirike pave kuita pachisviki­rika, ramba uchizviswe­dera pedyo nezvaunosh­uvira. Murudo zvotaridzi­ka.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Pakuita zvinhu regai kuteta, kana wadya imbwa chidya iri hono. Zvikuru zvamunotar­isira zvichauya mushure mekuzama zvizhinji.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Sekutaurwa kwazvo nevakuru chidembo hachivhiyi­rwe pane vanhu, zivai nyaya dzekusatau­ra pachaunga, sarudzai nhaurwa dzenyu

nemazvo.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Kune vaikuzvidz­a vaikutaris­ira pasi nekukushor­a asi mwaka uno vachakutsv­aga vachida ruyamuro kubva kwauri. Raki rinewe mumari mwachewe.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Kune vachakusun­dira mukushanda mumazuva anotevera, rangarira chirevo chavakuru ati rima ati udye, mukuteya mariva zvibatwa zvako zvirimo.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe